Publicidade

Apocalipse 6

Zvisimbiso

1 Zvino ndidoona Hwayana paridovhura chimwe chozvisimbiso zvinomwe, ndokunzva chimwe chozvisikwa zvipenyu zvinai chichinyaira nodzinga rinenge kudhirima chichiti, "Uya!" 2 Ndidonangara, ndokuona bhiza richena nowanga adorigadha wanga anoutati, adopasiwa korona ndokubirika semukundi kuti akunde.

3 Hwayana paridovhura chisimbiso chochipiri, ndidonzva chisikwa chipenyu chochipiri chichiti, "Uya!" 4 Pakarepo padobirika rimwe bhiza, ridotsvukuruka, wanga adorigadha adobvumidziwa kubiritsa runyararo panyika, uye kuti vanhu vabayane, futi adopasiwa bakatwa rikuru.

5 Hwayana paridovhura chisimbiso chochitatu, ndidonzva chisikwa chipenyu chochitatu chichiti, "Uya!" Ndidonangara, ndokuona, bhiza risvipa, wanga adorigadha wanga adobata mhimo mujanja rache, 6 ipopo ndidonzva rinenge dzinga pakati pozvisikwa zvipenyu zvinai richiti, "Mhimo yogorosi padhinari, nozvipimo zvitatu zvobhari padhinari ribodzi, asi reka kukanganisa mapfuta nowaini!"

7 Hwayana paridovhura chisimbiso chochinai, ndidonzva dzinga rochisikwa chipenyu chochinai richiti, "Uya!" 8 Pandidonangara, ndidoona, bhiza ripfumbu, zita rowanga adorigadha raiitiwa Ipfa, uye Nzvimbo yovadopfa idomutevera iri papfupi, vadopasiwa simba pamusoro pochikamu chochinai chonyika, kuti vabaye nobakatwa, nonzara, nomatenda, nozvirombo zvonyika.

9 Hwayana paridovhura chisimbiso chochishano, ndidoona mweya yovanhu pasi poatari vanga vabaiwa nokuda kwoshoko raMwari nokwokuchengetedza kwavanga vaita upfakazi, 10 vadokuwa nodzinga rinoruzha vachiti, "Nai Ishe Mutongi, mutsvene nowochokwadi, muchareka kutonga vanogara panyika nokutsiva gazi redu kusvikira riniko?" 11 Pakarepo umwe noumwe wavo adopasiwa hembe ichena ndokunyepewa kuti vambofema kwokanguwa kapfupi, kusvikira uwandu hwakwana hwovarandabiyavo nohama dzavo vaifanira kubaiwa kunge ivo vabaiwawo.

12 "Ndidonangara ndikaona Hwayana paridovhura chisimbiso chochitanhatu, padoita kugwetedzedzeka kukuru kwonyika, zuva ridosvipa kunge kapfebve kadogadzihwa noukuse husvipa hwombudzi. Mwedzi wese udotsvuka kunge magazi, 13 nonyenyedzi dzidombwera pasi kunge mukuyu uri kuzunza maganga yawene, kana uchigwetedzewa noduthu rinosimba. 14 Denga ridonyangarika kunge bhuku rinopupurutsiwa, nogomo rimwe norimwe nochitsuwa chimwe nochimwe chidobiritsiwa panzvimbo yazvene. 15 Pakarepo madzimambo yonyika, novakuru, novatungamiriri vohondo, novapfumi, novanosimba, nomunhu wese, muranda noadosununguka, vadohwanda mumapako nomumabhwe yomakomo. 16 Vadodaidzira kumakomo nokumabhwe vachiti, "Tiwirei mutisvisve muchitibisa pameso yaiye adogarikika pamupando woushe nokubva paukari hwoHwayana, 17 nokuti zuva rikuru roukari hwavo rasvika, mbani anokona kumira pariri?"

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-