1 Zvino ndidoona mujanja roruji raiye wanga adogarikika pamupando woushe, muno bhuku ridonyohwa kwese, mukati nokunze, ranga ridonamiwa nozvisimbiso zvinomwe. 2 Pakarepo ndidoona ngirozi inosimba ichidaidzira nodzinga rinoruzha ichiti, "Mbaniko adokodzera kunamanura zvisimbiso zvobhuku rakareri nokurivhura?" 3 Asi hapanai munhu kudenga kana panyika kana pasi ponyika adokona kunamanura zvisimbiso zvobhuku, kurivhura kana kunangara mukati marene. 4 Pakarepo ndidoriritsa ndava hakunai kuwanika munhu adofanira kuti anamanure bhuku kana kunangara mukati marene. 5 Zvino umwe wovakuru adoti kwandiri, "Reka kurira, nangara, Mhondoro yorudzi raJudha, Mudzi waDhavhiti adokunda kuti avhure zvisimbiso zvobhuku zvinomwe."
6 Zvino pakati pomupando woushe nozvisikwa zvipenyu zvinai novakuru, ndidoona Hwayana ridomira pakarepo, ridoita kunge ridobaiwa, rinomanyanga manomwe nomeso manomwe, inova mweya minomwe yaMwari idotumiwa panyika yese. 7 Adoenda kotora bhuku kubva mujanja roruji raiyeuye wanga adogarikika pamupando woushe. 8 Paadotora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvinai novakuru makumi mairi novanai vadohwarara pamberi poHwayana, umwe noumwe wanga adobata kamukubwe nombiya dzondarama dzidozara zvinonushira, iri minamato yovatsvene. 9 Vadoimba chimbo chitsva vachiti,
"Ndimi mudofanira kutora bhuku
nokuvhura zvisimbiso zvarene.
Nokuti mudobaiwa, nogazi renyu mudotengera Mwari
vanhu vanobva kumarudzi yese nomitauro yese novanhu nonyika.
10 Mudovaita kuti vave vanhu voumambo novaphirisita kuti vashumire Mwari wedu,
uye vachatonga pasi pese."
11 Pakarepo ndidonangara, ndokubva ndanzva dzinga rongirozi dzidowanda dzanga dzidopoteredza mupando woushe nozvisikwa zvipenyu novakuru, kuwanda kwadzene kwanga kuri zviuru zvozviuru, nozviuru gumi zvidopetewa gumi rozviuru, 12 dzidoimba nodzinga rinoruzha dzichiti,
"Hwayana ridobaiwa ridofanira
kutambira simba, noupfumi, nouchenjeri, noukuru,
nokukudziwa, nokubhwinya, nokurumbidziwa!"
13 Zvino ndidonzva zvisikwa zvipenyu zvese zviri kudenga nozviri panyika nozviri pasi ponyika nozviri mugungwa, nozvese zviri mukati mazvene, zvichiti,
"Kuna iye adogarikika pamupando woushe nokuHwayana,
mbakuve nokuropafadziwa, nokukudziwa nokubhwinya, nosimba,
nokusingaperepere!"
14 Ipopo zvisikwa zvipenyu zvinai zvidoti, "Ameni!" Vakuru vadohwarara vachibva vanamata.