1 Zvino ndidoona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ngirozi dzinomwe nomatambudzo manomwe, yanga yari yokupedzisira, nokuti nomatambudziko yakareyo ukari hwaMwari hudopera.
2 Ndidoona changa chidoita kunge gungwa ridongwerevera ridosangana nomoto, naivo vadouya vakunda chirombo nomufananidzo wachene nochiverengo chozita rachene, vadomira padivi pogungwa ridongwerevera vanga vanomarimba yaMwari mumanja yavo. 3 Vanga vachiimba chimbo chaMozisi, muranda waMwari, nochimbo choHwayana, vachiti,
"Mabasa yenyu makuru yanoshamisa,
Ishe Mwari womasimba yese!
Nzira dzenyu nzochokwadi, uye dzidorurama
Mambo womarudzi!
4 Mbani asingakuchei nokukudza zita renyu, Ishe?
Nokuti imimi mega muri mutsvene.
Marudzi yese yachauya
kudzokunamatai,
nokuti mabasa yenyu yadorurama yadoratidziwa."
5 Mumasure mozvakarezvi ndidoona kudenga imba yaMwari inova dumba romutemo wochibvumirano, idozuruhwa, 6 Muimba yaMwari mudobirika ngirozi dzinomwe dzinomadambudzo manomwe, dzidosimira mapiza yadochena futi yanoyetima, nozvipfuwa zvadzene zvanga zvidosungiwa nomicheka yondarama. 7 Ipopo chimwe chozvisikwa zvipenyu zvinai chidopasa ngirozi dzinomwe mbiya dzinomwe dzondarama dzidozara ukari hwaMwari iye mupenyu nokusingaperepere. 8 Imba yaMwari idozara noutsi hunobva pakubhwinya kwache nosimba rache, hapanai munhu adokona kupinda muimba yaMwari kusvikira matambudzo manomwe yongirozi dzinomwe yapera.