1 Mumasure mozvakarezvi ndidonzva izvi rinoruzha kudenga ridoita kunge rogurusvusvu, richidaidzira richiti, "Hareruya! Ruponiso nokubhwinya nosimba nzvaMwari wedu, 2 nokuti kutonga kwache ndokwochokwadi futi kudorurama! Adotonga hure rikuru ridoodza nyika nouhure hwarene. Mwari adotsiidza gazi rovaranda vache pajanja rarene." 3 Ipopo vadohwiridza pakamu vachiti, "Hareruya! Utsi hwarene hunokwira kumusoro nokusingaperepere!" 4 Zvino vakuru makumi mairi novanai nozvisikwa zvipenyu zvinai vadowira pasi ndokunamata Mwari wanga adogarikika pamupando woushe vachiti, "Ameni. Hareruya!"
5 Zvino izvi ridodaidzira richibva pamupando woushe richiti, "Rumbidzai Mwari wedu, imipa varanda vache mese, imipa munomucha, vakuru novadiki." 6 Pakarepo ndidonzva izvi rinenge rogurusvusvu ridofanana nokutinhira kwomvura izinji kunge kutinhira kunoruzha, richiti, "Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu womasimba yese waakubata ushe. 7 Mbatifarei timukudze nokumupasa kubhwinya, nokuti muchato woHwayana wasvika, mwenga wayene wagadzirira. 8 Adopasiwa simba kuti asimire biza ridonaka, rinopenya uye ridochena" nokuti mucheka udonaka ndizvo zvidorurama zvovatsvene.
9 Zvino ngirozi idoti kwandiri, "Nyora uti, vadokomborehwa vakarevo vadokokewa kuchirairo chomuchato woHwayana." Adoti kwandiri, "Yakareya mazvi yochokwadi yaMwari."
10 Ipopo ndidowira pasi pamberi potsoka dzache kuti ndimunamate, asi adoti kwandiri, "Reka kudaro! Ndiri muranda pabodzi naiwewe nohama dzako dzinobata kupfakaza kwaJesu. Namata Mwari."
Nokuti kupfakaza kwaJesu ndiwo mweya wouporofiti.
11 Pakarepo ndidoona denga ridovhuriwa, ndokuona bhiza richena, wanga adorigadha waiitiwa Adotendeka noWochokwadi, anotonga nokuhwa zvidorurama. 12 Maziso yache yanga yadoita kunge marimi yomoto, pamusoro wache panga panokorona dzizinji. Wanga anozita ridonyorewa ranga risingazikane noumwe munhu asi naiye basi. 13 Wanga adosimira jasi ridonyikiwa mugazi, anodaidziwa nozita rokuti Shoko raMwari. 14 Hondo dzokudenga, dzanga dzidosimira biza richene ridonaka risinai tsambwa, dzidomutevera dzidogadha mabhiza machena. 15 Mumuromo mache mudobirika bakatwa ridopinza rokuhwisa naro marudzi, achayatonga notsvimbo yosimbi, achatsika pachisviniro choukari hwaMwari Womasimba yese. 16 Pajasi rache nopachafu yache panga padonyorewa zita rinoti, Mambo womadzimambo naIshe womadzishe.
17 Pakarepo ndidoona ngirozi idomira pazuva, idodaidzira noizvi rinoruzha ichiti, kutushiri twese twanga tuchiurukha mudenga ichiti, "Uyai muungane pachirairo chikuru chaMwari, 18 uyai muje nyama yomadzimambo, noyovatungamiri vohondo, noyovakuru vanosimba, nonyama yomabhiza, noyovanoyagadha, nonyama yovanhu vese, vese vadosununguka novaranda, vese vanokosha novasingakoshe!"
19 Pakarepo ndidoona chirombo nomadzimambo yonyika nomauto yavo vadoungana kuti vahwisane naiye wanga adogadha bhiza nokuhwisana nomauto yache. 20 Ipopo chirombo chidobatiwa, pabodzi nomuporofiti womabhwodo adoita zviratidzo pamberi pachene zvaadofurira nazvo vakarevo vanga vadotambira chidzvanga chochirombo novainamata mufananidzo wachene. Vairi vakareva vadokhandiwa vari vapenyu mugomba romoto unopfuta nosarufa. 21 Vamwe vese vadobaiwa nobakatwa ridobirika mumuromo waiyeuye wanga adogadha bhiza, tushiri twese tudoguta nyama yavo.