1 Ipopo imwe yongirozi dzinomwe dzanga dzinombiya dzinomwe idouya kwandiri ichiti, "Uya ndikunangidze kutongewa kwohure rikuru rinogara pamusoro pomvura izinji, 2 madzimambo yonyika yadoita upombwe naro, novanogara panyika vadokorewa nowaini youhure hwarene."
3 Ipopo adondiendesa kusango ndiri muMweya, ndidoona mukadzi adogadha chirombo chitsvuku changa chidozara nomazita yokushora Mwari, changa chinomisoro minomwe nomanyanga gumi. 4 Mukadzi wanga adosimira hembe itsvuku noishava, adoshonga ndarama nozvinokosha nochuma, wanga adobata mujanja rache komichi yondarama yanga idozara nozvinonyangadza notsambwa youhure hwache, 5 Pahuma yache panga padonyorewa zita ridosvisvika rokuti, "Bhabhironi guta rikuru, amai vomahure novozvinonyangadza zvonyika." 6 Ipopo ndidoona mukadzi adokorewa nogazi rovatsvene uye nogazi ropfakazi dzidobaiwa nokuda kwaJesu.
Pandidomuona ndidoshamisika maninge. 7 Asi ngirozi idoti kwandiri, "Washamisiwa neiko? Ndichakunyepa zvidosvisvika zvomukadzi wakareyu, nozvochirombo chinomutakura chomisoro minomwe nomanyanga gumi. 8 Chirombo chawaona changa chiripo, uye hachichipo futi chaakukwira kubva mugomba risingagon'e kuti chiende koparadziwa, vanogara panyika vasinai kunyorewa mazita yavo mubhuku roupenyu kubva pamavambo yonyika, vachashamisika vachiona kuti chirombo changa chiripo hachichipo uye chichadzouya.
9 Zvakarezvi zvinoda pfungwa dzinouchenjeri. Misoro minomwe ndiyo makomo manomwe, padogara mukadzi, 10 ndiyowo madzimambo manomwe, vashano vadowa, mubodzi aripo, umwe anati wauya, kana wauya anofanira kugara kwokanguwa kapfupipfupi. 11 Chirombo changa chiripo, hachichipo, ndiye wochisere asi ari mukati movanomwe, anoenda koparadziwa.
12 Manyanga gumi yawaona ndiyo madzimambo gumi yasati yapasiwa ushe, asi vachapasiwa simba semadzimambo pabodzi nochirombo panguwa ibodzi. 13 Vakareva vanomufungo mubodzi vanopasa simba ravo noushe hwavo kuchirombo. 14 Vachahwisana noHwayana, Hwayana richavakunda, nokuti iro ndiShe womadzishe namambo womadzimambo, naivo vanoHwayana vadodaidziwa, vadosaruhwa futi vadotendeka."
15 Zvino adoti kwandiri, "Mvura idowanda yawaona, panogara hure, ndivo vanhu, nogurusvusvu, nonyika dzopasi pese, nomitauro. 16 Manyanga gumi yawaona, iyoya pabodzi nochirombo zvichatsvatsvana nohure. Vacharisunhura nokuribaya, nokuja nyama yarene nokuripisa nomoto, 17 nokuti Mwari adoisa mumwoyo yavo kuti vaite chinangwa chache, chokuti vave nopfungwa ibodzi. Kuti vapase ushe hwavo nosimba ravo kuchirombo, kusvikira mashoko yaMwari yazazisiwa.
18 Mukadzi wawaona ndiro guta rikuru rinobata ushe pamusoro pomadzimambo yopanyika."