1 Mumasure mozvakarezvi ndidoona imwe ngirozi ichiuya kubva kudenga. Yanga inomasimba makuru, uye nyika idovhenekehwa nokubhwinya kwayene. 2 Idodaidzira noizvi rinoruzha ichiti, "Rawa! Rawa Bhabhironi guta rikuru! Rava nzvimbo inogara mashave nomweya yese yotsambwa, inogahwa notushiri twese totsambwa tunosemesa. 3 Nokuti nyika dzese dzopasi dzidomwa waini yozvido zvidoipa zvokusaya kuzvibata kwarene. Madzimambo yopasi pese yadoita upombwe naro, novanotengesa vopasi pese vadopfuma nokusazvidzora kwarene."
4 Pakarepo ndidonzva rimwe izvi ridobva kudenga richiti,
"Vanhu vangu, birikai mariri,
kuti mureke kuwadzana naro pazvitema zvarene,
kuti mureke kudzopasiwawo matambudziko yarene,
5 nokuti zvitema zvarene zvaita muhwi unosvika kudenga,
uye Mwari vayeuka kuipa kwarene.
6 Muritsiidze zvaridokuitirai,
uye riitirei zvidopetewa kairi nokuda kwomabasa yarene,
ridirirei kairi mumudziyo wakareyo
waridodira iro.
7 Paridozvikudza nokuzvifadza napo,
rihwadzisei nokurichemedza.
Nokuda kwokuti rinoti mumwoyo marene,
‘Ndiri mambokadzi ndinogara pamupando,
handizi chirikadzi,
ndinosvikaba pakudzorira.’
8 Saka matambudziko yarene yachasvika nozuva ribodzi,
uhwere nokurira nonzara,
richapisiwa nomoto,
nokuti Ishe Mwari anoritonga anomasimba."
9 Zvino madzimambo yonyika yadoita upombwe nokuzvifadza naro, vacharira nokuita maundu pamusoro parene pavanoona utsi hwokutsva kwarene. 10 Vachamira kurefurefu, vachicha kudzimbiwa kwarene, vachiti, "Nhamu! Nhamu! Iwepa guta rikuru, iwepa guta ridosimba, Bhabhironi! Munguwa ibodzi kutongewa kwako kwasvika."
11 Novanotengesa vomunyika vanorira nokuita maundu pamusoro parene, nokuti hapachinai munhu anotenga zvinhu zvavo, 12 zvinhu zvondarama, nozvosirivha, nozvomabhwe yanokosha, nochuma chinodhura, nomapiza yadonakitsa, nomashava, nomatsvuku, noyanotsvedemukira, nomatanda yese yanonuhwirira, nomidziyo yese yonyanga dzonzou, nomarudzi yese yomidziyo yomatanda yanodhura, ndarira, dare, nomabhwe machena, 13 nozvidosiyanasiyana zvinorungisiwa zvokuja, notwiro, nozvinonushira, nomura, nozvizoro, nowaini, nomapfuta yomuorivhi, noupfu hudotsetsa hwogorosi, nogorosi, mombe nomahwai, nomabhiza nongoro, novaranda inova mweya yovanhu. 14 Vachati, "Muchero wanga uchidiwa nomweya wako wabiritsiwa kwauri, nozvinhu zvese zvidonaka nozvinoyetimayetima zvakuperera, zvichawanikaba pakamu!" 15 Vanotengesa zvinhu zvakarezvi, vanga vapfumisiwa naro, vachamira kurefurefu, vachicha kuhwadziwa kwarene, vachirira nokuita maundu, 16 Vachiti, "Nhamu, nhamu, kuguta rikuru ranga ridosimira biza ridonaka, ridotsvuka norishava, ranga ridosimira ndarama, nomabhwe yanokosha, nochuma chinodhura! 17 Nokuti nonguwa ibodzi upfumi hwakarehu hwese hwapamwara."
Zvino vachairi vozvikepe vese novese vanofamba mumvura, novanofambisa tumwadiya, novanoita mishando mugungwa, vadomira kurefurefu, 18 Pavadoona utsi hwokutsva kwarene, vadoshamisika ndokudaidzira vachiti, "Ndipi guta ridofanana noguta rakareri rikuru?" 19 Ipopo vadozvidira maivhu pamisoro yavo, pavaidaidzira nokuita maundu vachiti, "Nhamu, nhamu, kuguta rikuru paipfumira vese vanga vanozvikepe zvavo mugungwa kuburikidza noupfumi hwarene! Nokuti nonguwa ibodzi ridoparadziwa!"
20 Fara pamusoro parene, iwe denga, naimipa vatsvene nonhumwa novaporofiti, nokuti Mwari adoritonga nomutongo waridokutongai nawo!
21 Pakarepo imwe ngirozi inosimba idosumudza ribwe rikuru rinenge guyo ndokurikhandira mugungwa, ichiti, "Ndizvo zvichaitiwa Bhabhironi guta rikuru richaphomorehwa pasi nosimba, haridzowanika pakamu." 22 Zvino kuungira kwovanoridza marimba, nomazvi yovanoimba novanoridza pito, novanoridza tsuri, havachadzonzvika pakare mauri, namasiri wobasa ripi noripi zvarene haachadzowanika mauri pakare, nokuunga kwoguyo hakuchanzvika mauri pakamu, 23 nochiedza chomwenje hachichadzovheneka mauri pakare, noizvi romukowasha kana romuroora hazvichanzvika mauri, nokuti vatengesi vako vanga vari vakuru vomunyika, marudzi yese yadofurihwa nouroi hwako!"
24 Mukati marene mudowanika gazi rovaporofiti norovatsvene, norovese vadobaiwa panyika.