1 Zvino ndidoona imwe ngirozi inosimba ichiburuka kubva kudenga. Yanga idoputihwa noguti ino utati pamusoro payene, chiso chayene changa chidoita kunge zuva, uye tsoka dzayene dzanga dzidoita kunge mbiru dzomoto. 2 Yanga idobata bhuku ridiki ridovhuriwa mujanja rayene. Idoisa tsoka yayene yoruji pagungwa notsoka yayene yomamose panyika. 3 Idodaidzira noizvi rikuru, kunge mhondoro inodzvova, paidodaidzira, kudhirima kunomwe kudobiritsa mazvi yakwene. 4 Zvino kudhirima kunomwe pakudonyaira, ndanga ndaakutonyora, asi ndidonzva izvi richibva kudenga richiti, "Vhara zvanyaihwa nokudhirima kunomwe, reka kuzvinyora."
5 Ipopo ngirozi yandanga ndaona idomira pagungwa nopanyika idosumudzira janja rayene roruji kudenga 6 ndokupika naiye anorarama nokusingaperepere, adosika denga nozviri mukati marene, nonyika nozviri mukati mayene nogungwa nozviri mukati marene, kuti "Hapachinai nguwa, 7 asi kuti mumazuva yotsuri yongirozi yochinomwe, zvidosvisvika zvaMwari zvaadonyaira kuvaranda vache novaporofiti zvichazazisiwa."
8 Pakarepo izvi rakareriye randidonzva richibva kudenga ridonyaira kwandiri pakamu, richiti, "Enda kotora bhuku ridovhuriwa riri mujanja rongirozi idomira pamusoro pogungwa nopamusoro ponyika."
9 Nokudaro ndidoenda kungirozi ndokuinyepa kuti indipase bhuku ridiki, iyo idoti kwandiri, "Tora urije, richatapira kunge uchi mukamwa mako, asi richakusvota mumimba mako."
10 Ipopo ndidotora bhuku ridiki mujanja rongirozi ndikarija, ridotapira mukamwa mangu kunge uchi, asi pandidorija mumimba mangu mudosvota. 11 Uye ndidoudziwa kuti, "Unofanira kuporofita pakamu pamusoro povanhu vazinji nomarudzi nomitauro nomadzimambo."