Publicidade

Apocalipse 12

Mukadzi noTsato

1 Chiratidzo chikuru chidooneka kudenga, mukadzi wanga adosimira zuva, mwedzi uri pasi potsoka dzache, uye mumusoro wache manga munokorona yonyenyedzi gumi nodziiri, 2 wanga anomimba adodaidzira pakuda kuzvara kwache, achiyaura pakuzvara.

3 Ipopo chimwe chiratidzo chidooneka kudenga. Tsato ikuru itsvuku, inomisoro minomwe nomanyanga gumi, pamisoro yayene panga panokorona dzinomwe. 4 Mwise wayene udotsvaira chochitatu chonyenyedzi dzokudenga, ikadzikutukudzira pasi. Tsatoyo idomira pamberi pomukadzi wanga waakuzvara mwana, kuti imedze mwana wache kana wazvariwa, 5 adozvara mwana mukomana, uyo achatonga marudzi yese notsvimbo yosimbi, asi mwanakomana wache adopwitiwa achikwidziwa kunaMwari nokumupando wache woushe. 6 Mukadzi adotizira kusango kunzvimbo yaadogadzirihwa naMwari, kuti vamuchengete kwomazuva chiuru nomazana mairi nomakumi matanhatu.

7 Zvino hondo idomuka kudenga, Mikaeri nongirozi dzache vadohwisana notsato, uye tsato nongirozi dzayene dzidohwisawo dzichitsiidza, 8 asi dzidokundiwa futi panga pasisina nzvimbo yadzene kudenga. 9 Tsato ikuru idokutukudzihwa pasi, iyo nyoka yokare, inoitiwa Jabhurosi naSathani, munyengedzi wopasi pese adokutukudzihwa pasi panyika, pabodzi nongirozi dzayene.

10 Ipopo ndidonzva izvi rinoruzha kudenga, richiti, "Zvino ruponiso nomasimba noushe hwaMwari wedu nomasimba yaKhirisitu wache yauya, ndava munenedzeri wohama dzedu anovanenera masikati nousiku pamberi paMwari wedu wakutukudzihwa pasi. 11 Ivo vadomukunda nogazi roHwayana uye noshoko rokupfakaza kwavo, ndava havanai kuda upenyu hwavo kusvikira paipfa. 12 Saka farai, imimi denga naimimi munogara kwakareko! Asi munonhamu imimi nyika nogungwa, nokuti jabhurosi wauya pasi kwamuri adokaripa maninge, nokuti anoziva kuti nguwa yache njipfupi!"

13 Tsato paidoona kuti yakutukudzihwa pasi panyika, idodzingidza mukadzi adozvara mwana mukomana. 14 Asi mukadzi adopasiwa maphaphiro mairi yogondo rikuru kuti ambururukire kusango, kunzvimbo yaadochengetehwa kwonguwa, nodzimwe nguwa nochidimbu chonguwa, kusingasvikiwe notsato. 15 Ipopo nyoka idorutsa mvura idoita kunge kahwizi kubva mukamwa mayene ichida kuyeredza mukadzi nomafashamu. 16 Asi nyika idobatsira mukadzi, nyika idoshamisa muromo wayene ndokumedza kahwizi kanga kabiritsiwa kachibva mukamwa motsato. 17 Pakarepo tsato idokaripira mukadzi, idoenda koita hondo novamwe vana vache, vaye vanochengeta murairo waMwari novanopfakazira Jesu. 18 Tsato idomira pajecha rogungwa.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-