1 "Nyorera ngirozi yokherekhe iri paEfeso.
‘Mazvi yaiye adobata nyenyedzi dzinomwe mujanja rache roruji anotekaira pakati pozvigadziko zvomwenje zvinomwe zvondarama. 2 Ndinoziva mabasa yako, kushanda kwako nosimba, nokutsungirira kwako. Ndinoziva kuti unodaba kuonana novanhu vadoipa, udoongorora vanozvitenza kuti nhumwa asi vasiri ivo chaivo, udovawana vari vomabhwodo. 3 Ndinoziva kuti uri kutsungirira nokuva nomwoyo murefu nokuda kwozita rangu, futi haunai kuneta. 4 Asi handifariri chinhu ichi kwauri, kuti udosiya rudo rawanga unaro pakuthanga. 5 Naizvozvo chiyeuka paudowa, upinduke, uite mabasa yawaimboita pakuthanga. Kana ukareka kuita zvakarezvo ndichauya kwauri ndobisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yachene, kusara kwokunge wapinduka. 6 Asi unochinhu ichi chidonaka, chokuti unozonda mabasa yovaNikoraiti, yandinozondawo inipano.’
7 "Uyo anonzeve, mbaanzve zvinonyaihwa noMweya kumakherekhe!"
"Anokunda ndichamubvumidza kuja zvomuti woupenyu uri muparadhaisi yaMwari."
8 "Nyorera ngirozi yokherekhe iri paSimina.
Mazvi yowokuthanga nowokupedzisira, adopfa ndokudzorarama pakamu. 9 Ndinoziva kutambudzika kwako, nourombo hwako asi udopfuma! Nokunyomba kwovanozviti maJudha ivo vasiri, asi vari gungano raSathani! 10 Reka kucha zvauchatambudziwa nazvo, nangara jabhurosi waakuda kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muyedzewe, futi muchatambudziwa kwomazuva gumi. Uve udotendeka kusvikira pakupfa, futi ndinodzokupasa korona youpenyu."
11 "Uyo anonzeve, mbaanzve zvinoreva Mweya kumakherekhe!"
"Anokunda anokuwadziwaba noipfa yochipiri peno."
12 "Nyorera ngirozi yokherekhe iri paPegamo.
Mazvi yaiye anobakatwa ridopinza rinocheka kwesekwese. 13 Ndinoziva paunogara, kuti ndipo panomupando woushe hwaSathani. Udobatitsitsa zita rangu, futi haunai kuramba kutenda kwako mandiri, kunyange pamazuva yaAndipasi pfakazi yangu idotendeka, munhu wangu adobaiwa pakati penyu ipo panogara Sathani. 14 Asi ndinozvinhu zvishoma zvandisingafarire kwauri, unovamwe vadobatitsitsa dzidziso yaBharamu, adodzidzisa Bharaki kuisa mugwetso pamberi povana vaIzirairi kuti vaje zvidobaihwa zvifananidzo nokuita upombwe. 15 Nokudaro unovamwe kamu vadobatitsitsa dzidziso yovaNikoraiti. 16 Naizvozvo pinduka. Kana ukareka, ndichauya kamangu kwauri ndohwisana navo nobakatwa romuromo wangu."
17 "Anonzeve mbaanzve, zvinoreva Mweya kumakherekhe!"
"Uyo anokunda ndichamupasa imwe mana idosvisviwa. Futi ndichamupasa ribwe richena rinozita ritsva ridonyohwa pariri risingazikane noumwe munhu kusiya kwoanoritambirayo basi."
18 "Nyorera ngirozi yokherekhe iri paTiyatira."
‘Mazvi yoMwanakomana waMwari, anomaziso yadofanana nomurazvo womoto, notsoka dzidoita kunge ndarira inopenya. 19 Ndinoziva mabasa yako, rudo rako, nokutenda kwako, kushumira kwako, nokutsungirira kwako. Futi kuti mabasa yako yokupedzisira yadonyanya kukunda yokuthanga. 20 Asi ndinochinhu chandisingafare nacho kwauri, kuti unobvumira mukadzi anoitiwa Jezebheri, anozviti muporofitikadzi. Ari kudzidzisa nokutsautsa varanda vangu kuti vaite upombwe nokuja zvidobaihwa zvifananidzo. 21 Ndidomupasa nguwa kuti apinduke, asi adoramba kupinduka pauhure hwache. 22 Nangara, ndichamukhandira pabonde rouhwere, novese vaanohura navo ndichavakhanda pamatambudziko makuru, kana asinai kupinduka pamabasa yache. 23 Vana vache ndichavabaya vapfe. Uye kherekhe dzese dzichaziva kuti ndini ndinonzvera ndangariro nomwoyo, ndichapasa umwe noumwe wenyu zvinoenderana nomabasa yache.
24 "Asi kwamuri vamwe mese vacho vopaTiyatira, vasinai dzidziso yakarei, vasinai kudzidza zvinonzi novamwe nzvinhu zvidodzika zvaSathani, kwamuri ndinoti, handingakutakudzei umwe mutoro, 25 kunze kwokuti mundobatitsitsa zvamunazvo, kusvikira ndichiuya. 26 Anokundayo, achiramba achiita mabasa yangu kusvikira pakupedzisira, ndichamupasa masimba pamusoro pomarudzi, 27 achayatonga notsvimbo yodare, fanike hari dzomuumbi dzinopwanyiwa, 28 sezvandidopasiwa simba kubva kuna Baba vangu, ndichamupasawo nyenyedzi yomangwanani."
29 "Anonzeve, mbaanzve zvinoreva Mweya kumakherekhe!"