1 Zvino ndidoona chirombo chichikwira kubva mugungwa, changa chino misoro minomwe nomanyanga gumi, changa chinokorona gumi dzanga dziri pamusoro pomanyanga yachene nopamisoro yachene panga panozita rokushora Mwari. 2 Uye chirombo chakarechi chandidoona changa chidofanana nombada, tsoka dzachene dzanga dzidoita kunge dzochisvitsi, muromo wachene wanga udoita kunge womhondoro. Tsato idopasa chirombo masimba yayene nomupando wayene woushe nochikuriri chikuru. 3 Umwe musoro wachene wanga unochironda kunge udokuwadziwa kusvikira paipfa, asi chironda chidopora, nyika yese idoshamisiwa ichitevera chirombo. 4 Vanhu vadonamata tsato, nokuti idopasa chirombo masimba makuru, vadonamata chirombo, vachiti, "Mbaniko adofanana nochirombo, uye mbani anokona kuhwisana nacho?"
5 Ipopo chirombo chidopasiwa muromo unotaura mashoko makuru yokushora Mwari, chidobvumidziwa kushandisa simba kuti chizviite komwedzi makumi manai nomiiri. 6 Chidoshama muromo wachene kuti chishore Mwari, nokushora zita rache nonzvimbo yache yaanogara, novanogara kudengavo. 7 Chidotendehwawo kuhwisana novatsvene nokuvakunda, chidopasiwawo masimba pamusoro pomarudzi yese, novanhu vese, nomitauro yese, nonyika dzese dzopasi. 8 Futi vese vanogara panyika vachachinamata, nowese asinai kunyorewa zita rache mubhuku roupenyu roHwayana ridobaiwa kusati kwava nomavambo yonyika.
9 "Kana pano anonzeve, mbaanzve. 10 Kana munhu achipambiwa, achapambiwa, kana munhu achifanira kubaiwa nobakatwa achabaiwa nobakatwa. Pakarepa ndipo panokurudzira kutsungirira nokutenda kwovatsvene."
11 Pakarepo ndidoona chimwe chirombo chichikwira chichibva panyika, changa chinomanyanga mairi yadofanana noyohwayana chidotaura kunge tsato. 12 Chidoshandisa masimba yese yochirombo chokuthanga panzvimbo yachene, chinosukumidza nyika novanogara mairi kuti vanamate chirombo chokuthanga, ichochiye changa chinochironda chaikonzera ipfa asi chidodzopora. 13 Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburutsa moto kubva kudenga uchiuya panyika pamberi povanhu. 14 Nozviratidzo zvachidotendehwa kuita pamberi pochirombo chinonyengera vanogara panyika, chichiti vaitire mufananidzo chirombo chokukuwadziwa nobakatwa chichidzorarama. 15 Chirombo chochipiri chidotendehwa kupasa mufananidzo wochirombo chokuthanga mweya kuti mufananidzo wochirombo utaure, nokuraira kuti vese vasinganamate mufananidzo wochirombo vabaiwe. 16 Chinosukumidza vese vadiki novakuru, vapfumi novarombo, vadosununguka novaranda, kuti vaisiwe chidzvanga pajanja roruji kana pahuma dzavo, 17 zvokuti hapanai munhu anotenga kana kutengesa kusiya kwokunge adoisiwa chidzvanga, rinova zita rochirombo kana chiverengo chozita rachene.
18 Zvakarezvi zvinoda uchenjeri. Anonzvitsitsa mbaaverenge chiverengo chochirombo, nokuti chiverengo chochirombo nyhiverengo chomunhu. Chiverengo chacho nyhokuti mazana matanhatu nomakumi matanhatu notanhatu.