Publicidade

Apocalipse 20

Makore Chiuru

1 Pakarepo ndidoona ngirozi ichiburuka kubva kudenga, idobata ngetani dzikuru nomakhiyi yogomba risingagon'e. 2 Adobata tsato, nyoka yokare iye, jabhurosi kana kuti Sathani, ndokumusunga kwomakore yanosvika chiuru. 3 Adomukhandira mugomba, risingagon'e ndokumuvharira nokumunamira makaremo, kuti areke kudzofurira marudzi kusvikira makore yanosvika chiuru yapera. Mumasure mozvakarezvo anofanira kusununguhwa kwokanguwa kapfupipfupi.

4 Pakarepo ndidoona mipando youshe, vanga vadoigarira mbaye vadopasiwa simba rokutonga. Ndidoona pakamu mweya yovaye vanga vadogwatiwa misoro nokuda kwokupfakazira Jesu noshoko raMwari. Vakareva ndivo vanga vasinai kunamata chirombo kana mufananidzo wachene, vasinai kuisiwa chidzvanga chochirombo pahuma dzavo nopamanja yavo. Vadorarama, ndokutonga naKhirisitu kwomakore yanosvika chiuru. 5 Vamwe vese vadopfa havanai kumuka kusvikira makore yanosvika chiuru yapera. Kwakareku ndiko kumuka kwokuthanga. 6 Vadokomborehwa pakare mbatsvene vanomugove pakumuka kwokuthanga! Panovakareva ipfa yochipiri hainai simba, asi vachava vaphirisita vaMwari novaKirisitu, vachatonga naye kwomakore yanosvika chiuru.

Kukundiwa kwaSathani

7 Pakarepo kana makore yanosvika chiuru yapera, Sathani achasuguduriwa mutorongo rache, 8 achabirika achienda konyengedza marudzi yese yari kumativi manai yonyika, vanova Goge naMagoge, kuti avaunganidzire kuhwa, kuwanda kwavo kunenge jecha riri kumahombekombe yogungwa. 9 Vadotekaira pakufararira kwonyika ndokupoteredza misasa yovatsvene noguta rinodiwa, asi pakarepo moto udoburuka kubva kudenga ukavaparadza. 10 Zvino jabhurosi adovanyengedza adokhandiwa mudziva romoto unopfuta nosarufa manga muno chirombo nomuporofiti womabhwodo, vachahwadzisiwa masikati nousiku nokusingaperepere.

Kutonga kwoKupedzisira

11 Ipopo ndidoona mupando woushe mukuru muchena naiye wanga adogara pamusoro pawene, nyika nodenga zvidotiza pamberi pache uye nzvimbo yazvene hainai kudzowanika. 12 Zvino ndidoona vadopfa, vakuru novadiki, vadomira pamberi pomupando woushe. Mabhuku yadovhuriwa, norimwe bhuku ridovhuriwawo, rinova bhuku roupenyu. Vadopfa vadotongewa maererano nozvavadoita semanyorehwo yazvanga zvidoitiwa mumabhuku. 13 Gungwa ridobiritsa vadopfa vanga vari mariri, noipfa noNzvimbo yovadopfa zvidobiritsa vadopfa vanga vari mazviri, vese vadotongewa nozvavanga vadoita. 14 Ipopo ipfa noNzvimbo yomweya yovadopfa zvidokhandiwa mudziva romoto. Yakarei ndiyo ipfa yochipiri, ndiro dziva romoto. 15 Zvino zita romunhu kana risinai kuwaniwa ridonyohwa mubhuku roupenyu, adokhandiwa mudziva romoto.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-