1 Zvino ngirozi yochishano paidoridza tsuri yayene, ndidoona nyenyedzi idombwerera panyika ichibva kudenga, uye idopasiwa khiyi yomusuwo wogomba risingagon'e. 2 Idovhura musuwo wogomba risingagon'e, utsi hudobirika mugombamo hunenge utsi hwobimbimbi romoto rikuru, zuva nomudenga zvidosvipisiwa noutsi hudobva pamusuwo wogomba. 3 Pakarepo muutsimo mudobirika mabombo yadobva yauya panyika, yadopasiwa simba ridofanana nosimba roturize topanyika. 4 Yadoudziwa kuti yareke kukanganisa usva panyika kana chimwe chinhu chinyoro kana muti upi zvawene, asi vanhu chete vasinai chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. 5 Mabombo yadotendehwa kuvahwadzisa kwomwedzi mishano, asi aikona kuvabaya, kuhwadzisa kwayene kwanga kudofanana nokuhwadzisa kwokarize kana kapfonda munhu. 6 Pamazuva yakareyo vanhu vachatsvaga ipfa asi havaiwane, vachaditsa kupfa, asi ipfa ichavatiza.
7 Pakuoneka kwayene mabombo yacho yanga yadofanana nomabhiza yanenge yagadzirihwa hondo, pamisoro yayene panga pano zvimwe zvinenge korona dzondarama, zviso zvayene zvanga zvidoita kunge zvovanhu. 8 Vhudzi rayene ranga ridoita kunge vhudzi rovanhukadzi, nomazino yayene yanga yadoita kunge mazino yomhondoro. 9 Pazvipfuwa zvayene panga pano zvivharidziro zvidoita kunge matare nokutinhira kwomaphaphiro yayene kwanga kudoita kunge kutinhira kwongoro dzomabhiza mazinji yanotizira kuenda kuhondo. 10 Yanga yanomwise inenge yoturize inopfonda, mwiseyo yaiva nosimba raikuwadza vanhu kwomwedzi mishano. 11 Yaiva namambo wayene, anova ngirozi yogomba risingagon’e. Zita rache muchiHebheru rinoitiwa Abhadhoni, uye muchiGiriki inonzi Aporiyoni zvinoreva kuti muparadzi.
12 Nhamu yokuthanga yadarika, nangara, dzimwe nhamu dziiri dzichatevera.
13 Pakarepo ngirozi yochitanhatu idoridza tsuri yayene, ndichibva ndanzva izvi richibva pamanyanga manai yothafura yochipiriso yondarama yanga iri pamberi paMwari, 14 richiti kungirozi yochitanhatu yanga inotsuri, "Sugudura ngirozi dzinai dzidosungirihwa pahwizi rikuru rinoitiwa Yufuretisi." 15 Nokudaro ngirozi dzinai dzidosuguduriwa, dzanga dzidogadzirihwa nguwa yacho, nozuva, nomwedzi, uye nogore, kuti dzibaye chochitatu chovanhu. 16 Kuwanda kwomauto yanga yadogadha mabhiza yanga yari mamiriyoni mazana mairi, ndidonzva uwandu hwayene. 17 Aya ndiyo maonero yandidoita mabhiza mukunangidziwa kwangu, vanga vadoyagadha vanga vadosimira zvivharidziro zvozvipfuwa zvinoruvara ritsvuku kunge moto, norinenge denga risinai makuti, norokeri kunge sarufa. Misoro yomabhiza yanga idoita kunge yomhondoro, uye moto noutsi nosarufa zvidobirika mumiromo yayene. 18 Nomatambudziko yakareya matatu chochitatu chovanhu chidobaiwa, nomoto noutsi nosarufa zvidobirika mumiromo yayene. 19 Nokuti simba romabhiza riri mumiromo yayene nokumwise kwayene ndava mwise yayene idoita kunge nyoka, dzinomisoro yadzinokuwadza nayo.
20 Vamwe vanhu, vasinai kubaiwa nomatambudziko yakareya, havanai kupinduka kubva pamabasa yomanja yavo kana kureka kunamata mashave nozvifananidzo zvondarama nozvo sirivha nozvondarira nozvomabhwe nozvomiti, zvifananidzo zvisingaone kana kunzva kana kutekaira, 21 havanai kupinduka kubva pakubaya kwavo, kana pamapipi yavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.