Pular para o conteúdo
Publicidade

Ajuda para casais

Por Bíblia Online

Deus fortalece casamentos. A Bíblia oferece sabedoria prática para casais: comunicar com verdade, perdoar com graça, servir com amor e buscar a Deus juntos.

Amor e respeito

Maridos, amai vossas mulheres. Mulheres, respeitem seus maridos. O amor mútuo edifica o casamento.

Varume, idai vakadzi venyu, fanike Khirisitu adoda kherekhe ndokuzvipereka nondava yayene,

zvidodaro, umwe noumwe mbaade mukadzi wache kunge kuzvida kwaanoita, futi munhikadzi mbaone kuti anoremekedza murume wache.

Zvidodaro vanhurume mbavadewo vakadzi vavo fanike miviri yavo chaiyo. Anoda mukadzi wache anozvidawo. Nokuti hapanai munhu anovenga muviri wache, asi anouposha nokuuchengeta, fanike zvinoitiwa kherekhe naKhirisitu,

Naizvozvo, munhu wese mbaabiritse mabhwodo, munhu wese mbaataure chokwadi kumabiyake, ndava tese tiri nhengo dzomuviri mubodzi.

Karipai asi regai kuita chitadzo, zuva mbarireke kudoka mudondomwamwa, futi rekai kupasa nzvimbo kuna jabhurosi.

Rekai kutendera kunyaira kudonyangara kuchibirika mumiromo yenyu, asi mbakuve kudonaka kunovakha, zvichienderana nomamiriro yozvinhu, kuti kupase mutsa kunovanonzva.

Kuvirai kurefu naimimi kuchenama kwese, kukaripa nokumwamwa, kupopotana noguhwa, nokurongerana zvinhu zvidoipa kwese. Ivai notsitsi futi muchiyamurana, moregererana fanike kuregerehwa kwamudoitiwa naMwari muna Khirisitu.

União e fidelidade

O que Deus ajuntou não separe o homem. Eu e minha casa serviremos ao Senhor. A fidelidade é alicerce do casamento.

Nokudaro vachiriba vairi asi vava muviri mubodzi. Icho chabatanidziwa naMwari mbapareke ndipo kuva nomunhu anochikwachura."

Kuroorana mbakukudziwe nomunhu wese, nobonde rovadoroorana mbarireke kusvipisiwa, nokuti Mwari achatongesa mhombo nomahure.

Ukama muUpenyu Hutsva

Vakadzi, zviisei pasi povarume venyu sezvinofanira muna Ishe.

Varume, idai vakadzi venyu, rekai kuvaitira ukari.

Uye pamusoro pozvakarezvi zvese simirai rudo, rinova iro rinobatanidza zvese pabodzi mukubatana kudokwana. Motendera rugare raKhirisitu kuti ritonge mumwoyo yenyu nokuti ndizvo zvamudodaidzihwa mumuviri mubodzi. Uye pasai kutenda.

Nokudaro sevanhu vadosarudziwa naMwari, vatsvene novanodiwa, simirai mwoyo unotsitsi, unyoro, kuzvideredza, kupfava nomwoyo murefu, muitirane mwoyo murefu, muchiregererana kana umwe watadzira umwe, sekuregerehwa kwamudoitiwa naIshe, naizvozvo munofanira kuregerera.

Perdão e paciência

Sede bondosos e compassivos uns com os outros. O amor é paciente, benigno. Permanece e persevera.

Rudo runo mwoyo murefu futi runyoro, rudo harinai chanje, harizvikudze kana kuzvitutumadza, harinai mutindi, harinai kwangukwangu, harichengete chigumbu, harikaripekaripe kana kunyangarihwa, rudo harifarire zvidoipa, asi rinofarira chokwadi. Rudo rinotsungirira pazvinhu zvese, rinotenda zvese, rinogurupira pazvinhu zvese, rinochiirira pazvinhu zvese.

Kuno vadoroora ndinoraira, aikona inini asi Ishe, kuti mukadzi mbaareke kusiyana nomurume wache asi kana akamusiya, mbaagare wega kana kudzokerana nomurume wache - uye kuti murume mbaareke kuramba mukadzi wache.

Murume mbaapase mukadzi wache kodzero dzobonde, nomukadzi mbaadarowo kumurume wache. Ndava mukadzi anotongaba muviri wache, asi murume, nzvibodziwo nomurume anotongaba muviri wache, asi mukadzi. Rekai kunyimana kunze kwokunge matobvumirana kwonguwa idiki, kuti muzvipe pakunamata, modzosangana kamu, ndava Sathani angakuedzei kuburikidza nokutadza kuzvibata.

Rekai kuita chinhu nonharo kana nomanyemwe, asi nokuzvidikipisa umwe noumwe mbaati vamwe vanomukunda pabuya. Umwe noumwe mbaareke kunangara zvinhu zvidonakira iye basi, asi mbaanangarewo nozvidonakirawo abiyache.

Onai kuti hapanai wenyu anotsiva chidoipa nochidoipa, asi nguwa dzese tsvagai kuitirana zvidonaka nokunovese.

Pamusoro pozvese, dananai zvidokungudza, sezvo rudo runofukidza zvitadzo zvizinji.

Seja o primeiro