1 Pazuva rochitatu kudoitika muchato kuKana romuGaririya. Amai vaJesu vanga variko, 2 futi Jesu novadzidzi vache vanga vakokewawo kumuchato wakareyo. 3 Waini paidopera, amai vaJesu vadomunyepa vachiti, "Havachinai waini."
4 Zvino Jesu adoti kwavari, "Nai amai, munoda kuti ndiitei nazvo? Nguwa yangu hainati yasvika." 5 Amai vache vadobva vanyairira vashandi vachiti, "Itai zvese zvaanokunyepai."
6 Zvino pakarepo panga padogadzikiwa makhate yomabhwe matanhatu, nochikonzero chotsika yokuzvinatsa kwovaJudha. Gate ribodzi raipinda marita yangasvike zana. 7 Jesu adoti kuvashandi, "Zazai makhate yakareya nomvura." Vashandi vadobva vayazaza kuti punumunu. 8 Adodzoti kwavari, "Chitekai muende kopasa mukuru womutambo." Ivo vadobva vaita zvakarezvo. 9 Mukuru womutambo paadoraidza mvura yanga yava waini. Adozivaba kwayanga yabva asi vashandi, vanga vateka mvura ndivo vaiziva. Mukuru womutambo adodaidza murume waichata 10 ndokuti kwaari, "Munhu wese anothanga kukovera waini idonaka, kana vaphunga vakorewa, wodzovapasa waini yomaruhwi. Asi iwewe wanga udondochengeta waini idonaka kusvika manje!"
11 Chakarechi nyhiratidzo chokuthanga, chidoitiwa naJesu paKana roGaririya. Paadonangidza kubhwinya kwache vadzidzi vache vadotenda kwaari.
12 Mumasure mozvakarezvi, Jesu adoenda kuKaperenaume namaache, novanin'ina vache, novadzidzi vache vadogara kunzvimbo yakareyo mazuva mashoma.
13 Phasika mutambo wovaJudha pawanga waakusvika, Jesu adoenda kuJerusarema. 14 Adowana muimba yaMwari munovanhu vaitengesa mombe, mahwai, hangaiva novaiita basa rokusandura mari vadogara pamatafura yavo. 15 Adobva watora thambo achibva wagadzira siwepu nayo, ndokuvabiritsa muimba yaMwari vese nomombe nomahwai, achibva wataya mari yovaichinjana, achiphidigura mathafura yavo. 16 Adonyairira vaitengesa hangaiva achiti, "Biritsai zvinhu zvakarezvi, rekai kuita imba yaBaba vangu musika wokutengeserana." 17 Vadzidzi vache vadoyeuka kuti zvidonyohwa kuti, "Shungu dzoimba yenyu dzichandipedza."
18 VaJudha vadodzoti kwaari, "Unochiratidzo chipi chaungatinangidze kuti unochikuriri chokuita zvakarezvi?"
19 Jesu adovapindura achiti, "Pwanyai imba yaMwari yakarei, ndinoivakha futi pamazuva matatu."
20 VaJudha vadobva vati, "Kudopera makore makumi manai nomatanhatu imba yaMwari yakarei ichivakhiwa, manje iwepa ungaivakhe chere pamazuva matatu?"
21 Asi iye imba yaMwari yaaireva wanga uri muviri wache. 22 Paadodzomutsiwa kuvadopfa, vadzidzi vache vadoyeuka kuti wanga wanyaira zvakarezvo, vadobva vatenda magwaro noshoko ridonyaihwa naJesu.
23 Zvino paanga ari muJerusarema pamutambo woPhasika, vazinji vadotenda muzita rache pavadoona zviratidzo zvaadoita. 24 Asi Jesu haanai kuzvipereka kwavari nokuti waiziva unhu hwovanhu vese. 25 Saka haanai kuda kuti umwe munhu amupase upfakazi pamusoro pomubiyake.