Publicidade

João 1

Shoko Ridova Nyama

1 Pakuthanga kwanga kuno Shoko, Shoko ranga rina Mwari, futi Shoko ranga riri Mwari. 2 Wanga ari pakuthanga naMwari. 3 Zvinhu zvese zvidoitiwa kuburikidza naye, futi kunze kwache hapanai chokugadzihwa changa chidogadzihwa. 4 Maari maiva noupenyu, futi upenyu hwacho hwaiva chiedza chovanhu. 5 Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harinai kuchikunda.

6 Kwanga kuno munhu adotumiwa naMwari, waiitiwa Johwani. 7 Adouira kuti apfakazire chiedza chakarecho, kuti vese vatende kuburikidza naye. 8 Iye wanga asiri chiedza chacho, asi adouya kuti apase upfakazi hwochiedza. 9 Chiedza chochokwadi chinovhenekera vanhu vese changa chichiuya panyika.

10 Wanga ari panyika, futi nyika idonhadzihwa kuburikidza naiye, asi nyika yacho hainai kumuziva. 11 Adouya kuvanhu vache, asi vanhu vachevo havanai kumutambira. 12 Asi vese vadomutambira, vaye vadotenda muzita rache, adovapasa simba rokuva vana vaMwari, 13 vasinai kuzvahwa nomagazi kana nokuda kwomuviri wonyama, kana nokuda kwomunhu, asi vadozvahwa naMwari.

14 Shoko ridodzova munhu ndokugara pakati pedu, rizere nonyasha nochokwadi, tidoona kubhwinya kwache, kudoita kunge kwoMwanakomana mubodzi adobva kuna Baba.

15 Johwani adopasa upfakazi pamusoro pache ndokudaidzira achiti, "Wakareyu ndiye wandidoreva ndichiti, ‘Anouya mumasure mangu asi adondithangira, nokuti wanga aripo inini ndisati ndavapo.’"

16 Nokuti pakuzara kwache, tese tidotambira mutsa pamusoro pomutsa. 17 Nokuti mutemo udouya kuburikidza naMozisi, asi mutsa nochokwadi zvidouya naJesu Khirisitu. 18 Hapanai adomboona Mwari, asi Mwanakomana mubodzi ari pachipfuwa chaBaba ndiye adoita kuti azikane.

Upfakazi hwaJohwani Muombeki

19 Uhwu ndihwo upfakazi hwaJohwani, padouya nhume dzovaJudha kwaari dzichibva kuJerusarema, dzaiva vaphirisita novarevhi, vadomubvunza vachiti, "Ndiwe yani?"

20 Adopasa upfakazi, haanai kuramba, asi adopasa upfakazi achiti, "Ndiniba Khirisitu."

21 Ivo vadomubvunza vachiti, "Chii manje? Ndiwe Eriya chere?"

Iye adoti, "Ndiniba."

Vadomuti, "Ndiwe muporofiti chere?"

Iye adopindura achiti, "Neye."

22 Vadodzoti kwaari, "Ndiwe yani? Tinoda mhinduro yokopasawo vadotituma. Unozviti ndiwe yani?"

23 adoti,

"Ndini ‘izvi roanokuwa musango,

yororai nzira yaIshe!’" Ndokunyohwa kwazvidoitiwa nomuporofiti Isaya.

24 Zvino vaimubvunzavo vanga vatumiwa kubva kuvaFarise. 25 Vadomubvunza vachiti, "Manje kana usiri Khirisitu, kana Eriya, kana kuti muporofiti, sei uri kuombeka?"

26 Johwani adovapindura achiti, "Ndinoombeka nomvura, asi pakati penyu padomira umwe wamusingazive, 27 wakareyo anouya mumasure mangu, ndinokodzeraba kusugudura murawu woshangu dzache."

28 Zvakarezvi zvidoitika muBhetani kumhiri kwohwizi Jorodhani, kwaanga achiombekera Johwani.

Hwayana raMwari

29 Mangwanachimuka Johwani adoona Jesu achiuya kwaari ndokubva wati, "Nangarai Hwayana raMwari, rinobvisa zvitema zvonyika! 30 Iyeyu ndiye wandidoreva ndichiti, ‘Mumasure mangu muchauya umwe adondithangira, nokuti wanga aripo kumberi kwangu.’ 31 Inipano handinai kuziva kuti ngupi, nondava yakareyo ndidouya ndichiombeka nomvura, kuti iye anangidziwe kuvaIzirairi."

32 Johwani adopasa upfakazi achiti, "Ndidoona Mweya achiburuka kubva kudenga adoita kunge njiva, ndokuvhoda nokuramba ari paari. 33 Inini pachangu ndaimuzivaba, asi adondituma kuti ndiombeke nomvura, ndiye adoti kwandiri, ‘Waunoona achivhodewa naMweya achigara paari, wakareyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ 34 Inini ndidoona ndokupasa upfakazi kuti, wakareyu ndiye Mwanakomana waMwari."

Vadzidzi vaJesu Vokuthanga

35 Mangwanachimuka Johwani wanga adomira novadzidzi vache vairi, 36 ndokunangara Jesu waitekaira zvache, Johwani adobva wati, "Onai Hwayana raMwari!"

37 Vadzidzi vairi vadomunzva achitaura zvakarezvo, vadobva vatevera Jesu. 38 Jesu adocheuka, ndokuvaona vachimutevera, iye ndokuti kwavari, "Anga muri kutsvaga chii?"

Vadoti kwaari, "Mudzidzisi" zvinoreva kuti Mudzidzisi, "Muri kugara poi?"

39 Adoti kwavari, "Uyai muone." Vadouya ndokuona paanga achigara, ndokugara naye zuva rakarero, ndava nguwa yanga yaakusvika paawa yochigumi.

40 Umwe wovairi vadonzva Johwani achitaura, achibva watevera Jesu, ndiAndireya, waiva mukoma nomunin'ina naSimoni Pita. 41 Chinhu chaadothanga kuita kuwana Simoni hama yache, adomunyepa achiti, "Tawana Mesiya," zvinoreva kuti Khirisitu. 42 Adoenda naye kuna Jesu.

Jesu adomunangara ndokubva wati, "Saka ndiweka Simoni, mwanakomana waJohwani? Uchaitiwa Kefasi." Izvozvo zvinoreva kuti Pita.

Jesu Anodaidza Firipi naNatanieri

43 Zuva ridotevera Jesu adosarudza kuenda kuGaririya. Adowana Firipi ndokumuti, "Nditevere." 44 Zvino Firipi waibva kuBhetisaidha, guta raibva Andireya naPita. 45 Firipi adowana Natanieri ndokuti kwaari, "Tamuwana adonyohwa naMozisi pamusoro pache mumurairo, novaporofiti, Jesu woNazareta Mwanakomana waJosefa."

46 Natanieri adobva wati kwaari, "Pano chinhu chidonaka chingabvewo kuNazareta chere?"

Firipi adobva wamuti, "Uya uone." 47 Jesu paadoona Natanieri achiuya kwaari adomuti, "Nangarai muIzirairi wochokwadi, asinai unyengeri!"

48 Natanieri adoti kwaari, "Ko munondiziva tini?"

Jesu adomupindura achiti, "Ndakuona usati wadaidziwa naFiripi, pawanga uri pasi pomukuyu."

49 Natanieri adoti, "Mudzidzisi, muri Mwanakomana waMwari! Muri Mambo wovaIzirairi!"

50 Jesu adobva wamupindura achiti, "Watenda ndava ndati kwauri ndakuona pasi pomukuyu? Uchaona zvidokuritsa kukunda zvakarezvi." 51 Zvino adoti kwaari, "Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizuruka, ngirozi dzaMwari dzichikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-