1 Zvino umwe murume waiitiwa Razaro wanga achihwara, waibva kuBhetani, musha waMariya, mukoma nomunin'ina naMarita. 2 Uyu ndiye uye Mariya wokuzora Ishe mapfuta achipukuta tsoka dzaIshe nobvudzi rache, ndiye wanga anohanzvadzi yaihwara, yaiitiwa Razaro. 3 Saka hanzvadzi dzaRazaro dzidotumira shoko kuna Jesu dzichiti, "Ishe, uyeuye wamunoda wahwara." 4 Asi Jesu paadozvinzva adoti, "Kuhwara kwakareku hakusi kwoipfa, ndokwokuitira kuti Mwari akudziwe kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudziwe nako" 5 Zvino Jesu waida Marita naMariya, naRazaro wacho. 6 Saka paadonzva kuti Razaro wahwara, adoita mazuva mairi adondogara panzvimbo yaanga ari. 7 Mumasure mozvakarezvo adoti kuvadzidzi vache, "Mbatiendei kuJudhiya pakare."
8 Vadzidzi vadoti kwaari, "Mudzidzisi, vaJudha vanga vachida kukutemai nomatombo, asi manje maakuenda kwakarekuye pakare?"
9 Jesu adovapindura achiti, "Pazuva hapanai maawa gumi nomairi nai? Kana umwe munhu akatekaira masikati, haagwetsewe, ndava anovhenekehwa nochiedza chonyika. 10 Asi kana munhu akatekaira usiku, anogwetsewa, ndava haanai chiedza." 11 Wanyaira deipo, ndokudzoti kwavari, "Shamwari yedu Razaro waenzera, asi ndinoenda komumutsa." 12 Vadzidzi vadoti kwaari, "Ishe, kana waenzera, achapora." 13 Zvino Jesu wanga wanyaira zvoipfa yaRazaro, asi ivo vadofunga kuti waireva zvokundozorora adoenzera zvache. 14 Saka Jesu adodzovanyairira zviri pachenu, "Razaro wapfa, 15 futi nokuda kwenyu ndinofara kuti ndanga ndisipo, kuitira kuti mutende. Asi mbatiendei kwaari."
16 Thomasi, waiitiwa womamhasa adoti kuno vadzidzi biyache, "Tiendeiwo naye, kuti tipfe pabodzi naye."
17 Zvino Jesu paadosvika, adowana Razaro watoisiwa muguwa, patova nomazuva manai. 18 Bhetani ranga riri papfupi nokuJerusarema, kudondoita makhiromita matatu, 19 vaJudha vazinji vanga vaenda kuna Marita naMariya kobata maoko nokuda kwomayanga yohanzvadzi yavo.
20 Marita paadonzva kuti Jesu wanga achiuya, adoenda kokumana naye, asi Mariya adoramba adogara mumba. 21 Marita adoti kuna Jesu, "Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu yaipfaba. 22 Asi naipopa ndinoziva kuti chese chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupasai."
23 Jesu adoti kwaari, "Hanzvadzi yako ichamuka pakare."
24 Marita adoti kwaari, "Ndinoziva kuti achamuka pakare pakumuka kwozuva rokupedzisira."
25 Jesu adoti kwaari, "Ndini kumuka noupenyu; uyo anotenda kwandiri, kana akapfa, asi achararama, 26 futi wese mupenyu anotenda kwandiri achapfaba. Unozvitenda chere?" 27 Adoti kwaari, "Hinde, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Khirisitu, Mwanakomana waMwari, ari kuuya panyika."
28 Paadonyaira zvakarezvo adoenda kodaidza Mariya mukoma nomunin'ina naye, achimuti nokazevezeve, "Mudzidzisi ari pano, futi ari kukudaidza." 29 Paadondozvinzva izvozvo, adosumuka nokamangu ndokuenda kwanga kuna Jesu. 30 Zvino Jesu wanga asati wapinda mumusha, asi wanga achiri panzvimbo yaadosangana naMarita. 31 VaJudha vanga vanaye mumba, vachimunyaradza, vadoona Mariya achisumuka kamangu achibirika, vadomutevera vachifunga kuti wanga achienda kuguwa korira ari ikoko.
32 Zvino Mariya paadosvika panga pana Jesu achimuona, adopfugama pasi pamberi potsoka dzache achiti kwaari, "Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu yaipfaba."
33 Zvino Jesu paadomuona achirira, pabodzi novaJudha vaadouya navo, adodzamihwa mumweya wache ndokushushikana, 34 futi adodzoti, "Mudomuviga poi?" Vadoti kwaari,
"Ishe, uyai muone."
35 Jesu adorira. 36 Saka vaJudha vadoti, "Onai kuti waimuda sei!"
37 Asi vamwe vavo vadoti, "Wakareyu wokusvinudza meso yorombe, waikonaba nai kudziirira munhu wakareyu kuti areke kupfa?"
38 Zvino Jesu adonzva kudzamihwa pakare, ndokuenda paguwa, ranga riri bako, nodombo ridoisiwa pamuromo parene. 39 Jesu adoti, "Biritsai dombo."
Asi Marita, hanzvadzi yomupfi adoti kwaari, "Ishe iye manje wakutonuhwa, nokuti kwatopera mazuva manai wapfa."
40 Jesu adoti kwaari, "Ko handinai kukunyairira kuti kana ukatenda uchaona kubhwinya kwaMwari?" 41 Saka vadobiritsa dombo. Jesu adosimudza chiso chache ndokuti, "Baba ndinokutendai kuti mandinzva. 42 Ndinoziva kuti munondinzva nguwa dzese, asi ndazvinyaira nondava yovanhu vadomira pano, kuti vatende kuti mudondituma." 43 Paadonyaira zvakarezvi, adodaidzira nodzinga ropamusoro achiti, "Razaro, birika." 44 Munhu adopfa adobirika muguwa, maoko nomakumbo yache yanga yadopomberedzewa nojira, chiso chache chidofukidziwa nofuko. Jesu adoti kwavari, "Mumononorei mapiza yomuguwa mumureke aende."
45 Saka vaJudha vazinji vanga vauya naMariya vachiona zvidoitiwa naJesu, vadotenda kwaari, 46 asi vamwe vavo vadoenda kuvaFarisi ndokuvanyairira zvanga zvaitiwa naJesu. 47 Saka vatungamiri vovaphirisita novaFarisi vadounganidza dare, ndokuti, "Toita tini? Nokuti murume iyeyu ari kuita zviratidzo zvidowanda. 48 Tikamureka achienderera mberi daipa, vese vachatenda kwaari, ipopo vaRoma vanodzouya kopwanya zvese, imba yaMwari yedu norudzi redu."
49 Asi mabiyawo waiitiwa Kefasi waiva muphirisita mukuru gore rakarero, adoti kwavari, "Hapanai chamunoziva peno, 50 munonzvitsitsaba kuti zvidokodzera kwamuri kuti munhu mubodzi apfire vanhu, pano kuti rudzi rese rirege kuparadziwa." 51 Haanai kunyaira zvakarezvi nokuda kwache wega, asi nondava yokuva kwake muphirisita mukuru gore rakarero, adoporofita kuti Jesu waifanira kupfira rudzi rovaJudha, 52 aikona kuti rudzi iroro rega, asi kuunganidza pabodzi vana vaMwari vadopamwarira pasi pese.
53 Saka kubva pazuva rakarero vadopangana kuti vangamubaye tini. 54 Zvino Jesu haanai kudzotekaira pachenu pakati povaJudha, asi adobirika achienda kudunhu rokunyasi kwosango, kuguta rinoitiwa Efuremu, futi adogara kwakareko novadzidzi vache. 55 Zvino Paseka mutambo wovaJudha, yanga yaakusvika, futi vazinji vadobva kumatunhu vachienda kuJerusarema Paseka isati yasvika, kuitira kuti vazvinatse. 56 Vanga vachitsvaga Jesu vachitonyairirana vadomira muimba yaMwari vachiti, "Munofungei? Kuti haangauye kumutambo?" 57 Manje vatungamiri vovaphirisita novaFarisi vanga vatsindikira vanhu vachiti, wese anenge wandoziva kwaiva naJesu, waifanira kuvaudza kuti vamusunge.