1 Jesu paadonyaira mazvi yakareya, adonangara kudzuru ndokuti, "Baba, nguwa yasvika. Kudzai Mwanakomana kuti Mwanakomana akukudzei, 2 ndava mudomupasa simba pamusoro povanhu vese, kuti apase upenyu husingapere kuno vese vamudomupasa. 3 Futi uhu ndihwo upenyu husingapere, kuti vakuzivei imimi Mwari wega wochokwadi, naJesu Khirisitu wamudotuma. 4 Ndidokukudzai panyika, nokupedzisa basa ramudondipasa kuti ndiite. 5 Zvino Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudziwa kwanga ndinako ndinaimimi nyika isati yagadzihwa."
6 "Ndaita kuti zita renyu rizikane novanhu vamudondipasa panyika, vanga vari venyu, futi mudovapasa kwandiri, futi vadochengeta shoko renyu. 7 Manje vaakuziva kuti zvese zvamudondipasa zvidobva kwamuri, 8 nokuti ndidovapasa mashoko yamudondipasa, futi vadoyatambira, vadoziva zvochokwadi kuti ndidobva kwamuri, futi vadotenda kuti imimi mudondituma."
9 "Ndiri kuvanamatira ndiri kunamatiraba nyika asi vakareva vamudondipasa, ndava mbenyu, 10 vese vangu mbenyu, futi venyu mbangu, pakare ndinokudziwa kuburikidza nomavari. 11 Futi handichava panyika, asi ivo vari panyika, inini ndiri kuuya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu, ramudondipasa, kuti vave vabodzi, sezvatiri mubodzi. 12 Pandaiva navo, ndidovachengeta muzita renyu ramudondipasa, ndidovachengeta, futi hapanai umwe wavo adotaika asi mwanakomana wokuparadziwa, kuti gwaro rizazisiwe. 13 Asi zvino ndiri kuuya kwamuri, futi zvinhu zvakarezvi ndinozvinyaira panyika, kuti mufaro wangu uzazisiwe mavari. 14 Ndidovapasa shoko renyu, nyika ndokuvavenga ndava mbonyikaba, kunge inini ndisiri wonyika. 15 Ndinonamataba kuti muvabiritse panyika, asi kuti muvachengete kubva kuno uyo adoipa. 16 Havasi vonyika, fanike inini ndisiri wonyika. 17 Vaitei vatsvene muchokwadi shoko renyu ndiro chokwadi. 18 Kunge kutuma kwamudondiita panyika, saka ndidovatuma kunyika. 19 Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuitira kuti vaitiwewo vatsvene muchokwadi."
20 "Handinamatire vakareva chete, asi noavo vanotendawo kwandiri kuburikidza noshoko ravo, 21 kuti vese vave mubodzi, kunge imipa, Baba muri mandiri, nainini ndiri mamuri. Ndinonamatira kuti vavewo matiri, kuitira kuti nyika itende kuti mudondituma. 22 Kubhwinya kwamudondipasa ndidovapasa, kuti vave mubodzi kunge isisu tiri mubodzi, 23 inini ndiri mavari futi imimi muri mandiri, kuti vanatse kuita mubodzi, kuitira kuti nyika izive kuti mudondituma futi kuti mudovada zvidofanana nokundida kwamudoita."
24 "Baba, ndinoditsa kuti vakareva vamudondipasa, vave nainini pandinenge ndiri, kuti vaone kubhwinya kwangu kwamudondipasa murudo renyu nyika isati yavapo. 25 Baba vadorurama, kunyange nyika isinai kukuzivai, asi inini ndidokuzivai, futi ava vanoziva kuti mudondituma. 26 Ndidoita kuti vakuzivei, futi ndicharamba ndichiiita kuti muziviwe, kuitira kuti rudo ramudondida naro ruvewo mavari, kuti inini pachangu ndive mavari."