1 Mumasure mozvakarezvi Jesu adobirika pachenu kuvadzidzi panyasi pogungwa roTaibheriyasi, futi adozvionesa nomutoo udodai. 2 Simoni Pita, Thomasi waiitiwa womaMhasa, naNatanieri wokuKhana roGaririya, vanakomana vaZebhedhiya pabodzi novamwewo vadzidzi vairi. 3 Simoni Pita adoti kwavari, "Ndaakuenda koraura."
Vadoti kwaari, "Tichaenda naiwewe." Vadobirika ndokupinda mukamwadiya, asi havanai kubata chinhu usiku hwakarehwo. 4 Zuva paranga rakubirika, Jesu adomira pamhenderekedzo yogungwa, uku vadzidzi vadozivaba kuti wanga ari Jesu. 5 Jesu adoti kwavari,
"Shamwari dzangu, munohove chere?" Vadomupindura vachiti, "Neye." 6 Adoti kwavari, "Khandirai mambure kuruji rokamwadiya, kuti mubate." Saka vadoyakhanda, ndokutotadza kuyadhonzera mukati nokuwanda kwohove.
7 Uye mudzidzi waidiwa naJesu adoti kuna Pita, "NdiIshe!" Simoni Pita paadonzva kuti ndiIshe, adopfeka hembe dzache, ndava wanga wadzisunhura, wandosara nozvomukati, adozvikhandira mugungwa. 8 Asi vamwe vadzidzi vadouya vari mukamwadiya, vachizvuva mambure yadozara nohove, ndava vanga vasiri kurefu nopanyika, asi panga padondoita mamita yanokwana zana. 9 Pavadobirika vava panyika vadoona moto womarasha padotosasikiwa hove nomazingwa. 10 Jesu adoti kwavari, "Uyai nodzimwe hove dzamabata popa."
11 Saka Simoni Pita adopinda ndokuzvuva mambure kunze, yanga yadozara nohove dzikurufutidzo, dzanga dzichitosvika zana ribodzi nomakumi mashano yanodzitatu, futi kunyange dzanga dzidowanditsa daipo mambure hayanai kukeruka. 12 Jesu adoti kwavari, "Uyai muje zvokuja zvomangwanani." Zvino hapanai mudzidzi adotsunga kumubvunza kuti, "Ndimi yani?" Vadoziva kuti ndiIshe. 13 Jesu adosvika ndokutora mazingwa achivapasa, nohove pakare.
14 Kakareka kanga kari kochitatu, Jesu achizvinangidza kuvadzidzi mumasure mokumuka kuvadopfa.
15 Pavadopedza kuja kwomangwanani, Jesu adoti kuna Simoni Pita, "Simoni, mwanakomana waJohwani, unondiditsa kukunda ava chere?" Adoti kwaari,
"Inde, Ishe; munozviziva kuti ndinokudai."
Jesu adoti kwaari, "Posha hwai dzangu dzidiki." 16 Kochipiri adomuti pakare, "Simoni, Mwanakomana waJohwani, unondida chere?" Adoti kwaari,
"Inde, Ishe; munozviziva kuti ndinokudai."
Adoti kwaari, "Chengeta hwai dzangu." 17 Adoti kwaari kochitatu, "Simoni, mwanakomana waJohwani, Unondida chere?"
Pita adokaripa nazvo ndava wanga wati kwaari kochitatu, "Unondida chere?" Adoti futi kwaari, "Ishe, munoziva zvinhu zvese; munoziva kuti ndinokudai."
Jesu adoti kwaari, "Posha hwai dzangu. 18 Ndinokunyairira zvochokwadi, pawanga uri mudiki, waizvisunga wotekaira kuenda kwawaida; asi kana wakura uchatambanudza manja yako, umwewo achakusunga wokuendesa kwausingade kuenda." 19 (Zvakarezvi adozvinyairira kunangidza rudzi roipfa yaaidzoita kuti Mwari akudziwe). Futi pazvidopera zvakarezvo adoti kwaari, "Nditevere."
20 Pita adocheuka ndokuona mudzidzi waidiwa naJesu achivatevera, uye wanga adotsveyamira papfupi naye pakuja kwomauro, adodzoti, "Ishe, mbani achakupandukirai?" 21 Pita paadomuona adoti kuna Jesu, "Ishe, komurume uyu?"
22 Jesu adoti kwaari, "Kana kukava kuda kwangu kuti arambe aripo kusvikira ndauya, zvinochokuita chei naiwewe? Nditevere!"
23 Kunyaira kwakareku kudopamwarira kwese kwese pakati pohama kuti mudzidzi wakareyu waidzopfaba, asi Jesu haanai kumuti wanga asingadzopfa, asi, adoti, "Kana kuri kuda kwangu kuti arambe aripo kusvika ndichiuya, zvinochokuita chei naiwewe?"
24 Ndiye mudzidzi ari kupa upfakazi hwozvinhu zvakarezvi, adodzonyora pakare zvakarezvi; futi tinoziva kuti kupupura kwache mhwochokwadi.
25 Asi panozvimwewo zvinhu zvidowanda zvidoitiwa naJesu, dai zvese zvidonyorewa chibodzi nochibodzi, ndinofunga kuti pasi pese paikonaba kukwana mabhuku yaidzonyorewa.