1 Zvino Jesu paadoziva kuti vaFarisi vanga vanzva kuti iye wanga achiita nokuwombeka vadzidzi vadowanda kukunda Johwani, 2 kunyange Jesu pachake wanga asingawombeke, asi vadzidzi vache basi. 3 Zvino adosiya Judhiya ndokuenda pakare kuGaririya. 4 Asi waifanira kupinda nomuSamariya. 5 Nokudaro adosvika muguta rinoitiwa Saika riri muSamariya, panyasi pomunda Jakobho waadopasa senhaka kumwanakomana wache Josefa. 6 Pakarepo panga panosime raJakobho. Jesu waneta nohwendo hwache, adogarikika panyasi posime. Yanga yakutova masikati makuru. 7 Ipopo mukadzi muSamariya adouya koteka mvura. Jesu adoti kwaari, "Ndipasewo mvura yokumwa." 8 Nokuti panguwa yakareyo vadzidzi vache vanga vaenda muguta kotenga zvokuja. 9 Mukadzi muSamariya adoti kwaari, "Waita tini naiwe! Uri muJudha, inini ndiri mukadzi muSamariya. Unondikumbira tini mvura yokumwa?" (Nokuti vaJudha havajidzane novaSamariya). 10 Jesu adomupindura achiti, "Dai waiziva chipo chaMwari, futi kuti mbani ari kuti kwauri, ‘Ndipasewo chokumwa,’ waitomukumbira, iye wokupasa mvura inopasa upenyu peno."
11 Mukadzi adoti kwaari, "Changamire, hamunai mukombe wokutekesa, apa sime ridonoka kuti gwiri. Munoitora poi mvurayo inopasa upenyu? 12 Muri mukuru chere kuna baba vedu Jakobho, vadotipasa sime rakareri, nokumwa pakarepa ivo novanakomana vavo nozvipfuwo zvavo?"
13 Jesu adoti kwaari, "Wese anomwa mvura yakarei anonzva nyota pakamu, 14 asi wese anomwa mvura yandichamupasa anodzonzvaba nyota pakare. Mvura yandichamupasa ichava maari chithubu chinobirika mvura inothubukira kuupenyu husingapere."
15 Mukadzi adoti kwaari, "Changamire, ndipaseiwo mvura yakareyo, kuti ndirege kunzva nyota, nokudzouya pano koteka mvura."
16 Jesu adoti kwaari, "Enda kodaidza murume wako, muuye pano."
17 Mukadzi adomupindura achiti, "Handinai murume."
Jesu adobva wamuti, "Wakohorora pawati, ‘Handinai murume.’ 18 Ndava udoita varume vashano, nomurume waunaye ngwakoba, ipopa wanyaira chokwadi."
19 Mukadzi adoti kwaari, "Changamire, ndiri kuona kuti muri muporofiti. 20 Madzibaba yedu vainamatira pagomo rakareri, manje imipa munoti vanhu mbavanamatire muJerusarema."
21 Jesu adoti kwaari, "Amai imi, nditendei kuti nguwa iri kuuya, yamusingadzonamata Baba muri pagomo rakareri kana muJerusarema. 22 Munonamata zvamusingazive, isisu tinonamata zvatinoziva, nokuti ruponiso runobva kuvaJudha. 23 Asi nguwa inouya, naipopa yatosvika, yokuti vanamati vochokwadi vachanamata Baba mumweya nomuchokwadi, ndava Baba vanotsvaga vadodaro kudzovanamata. 24 Mwari ndiMweya, vanomunamata vanofanira kunamata muMweya nomuchokwadi."
25 Mukadzi adoti kwaari, "Ndinoziva kuti Mesiya ari kuuya, iye anoitiwa Khirisitu, kana wauya achatitsanangurira zvinhu zvese."
26 Jesu adoti kwaari, "Inipano ndiri kutaura naiwewe ndini wacho."
27 Pakarepo vadzidzi vache vadobva vasvika. Vadoshamisika kuti wanga achinyaira nomunhikadzi, asi hapanai adoti kumukadzi, "Anga chii chauri kuda?" Kana kuti kuna Jesu, "Muri kunyairireiko naye?"
28 Mukadzi adobva wasiya mukhate wache womvura ndokuenda muguta achiti kuvanhu, 29 "Uyai, muone munhu wandinyepa zvese zvandidoita. Angaveba Khirisitu nai wakareyu?" 30 Vadobirika muguta ndokuenda kwanga kuna Jesu.
31 Nguwa yakareyo vadzidzi vanga vachimukumbira vachiti, "Mudzidzisi, ijai."
32 Asi adoti kwavari, "Ndinochikafu chokuja chamusingazive."
33 Saka vadzidzi vadotaurirana vachiti, "Kuti pangave nowamuvigira zvokuja?"
34 Jesu adoti kwavari, "Chikafu changu ndiko kuita zvinodiwa naiye adondituma, nokupedzisa basa rache. 35 Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi minai kuti kukohwa kusvike?’ Ndinokunyepai kuti, nangarai muone minda yaibva yaakuda kukohwewa. 36 Zvino uyo anokohwa anotambira mubairo, achiunganidza muchero woupenyu husingapere, kuti mujari nomukohwi vafare pabodzi. 37 Pakarepa tsumo inoti, ‘Umwe adojara, umwe ndokukohwa,’ inobva yava chokwadi. 38 Ndidokutumai kokohwa pamusinai kushanda, vamwe vadoshanda, imimi mukakohwa kubva padukuta ravo."
39 Vanhu vazinji vomuSamariya vadobva muguta iroro raiitiwa Saika vadotenda kwaari nopamusaka pochapupu chomukadzi wakareyo chaadoti, "Wandiudza zvese zvandidoita." 40 Zvokuti vanhu vomuSamariya pavadosvika kuna Jesu, vadomukumbira kuti agare navo. Iye adodzogara ipopo mazuva mairi.
41 Novamwe vazinji vadotenda nondava yoshoko raJesu pachake. 42 Vadoti kumukadzi, "Hatichatenda nondava yomashoko yako, nokuti tazvinzvira tega, futi taakuziva kuti, chokwadi uyu ndiye Muponisi wonyika."
43 Mazuva mairi payadopera adosumuka ndokuenda kuGaririya. 44 Nokuti Jesu pachake adopupura achiti, "Muporofiti anokudziwaba munyika yache." 45 Saka paadosvika muGaririya, vanhu vomuGaririya vadomutambira, nokuti vadoona zvaadoita muJerusarema kumutambo woPhasika kwavanga vaendawo.
46 Saka adoenda pakare paKana roGaririya, paadosandura mvura kuiita waini. Zvino kuKaperenaume kwanga kuno mutungamiri waiva nomwanakomana waihwara. 47 Paadonzva kuti Jesu wanga wauya kuGaririya achibva kuJudhiya adoenda komuteterera kuti asvike kuKaperenaume korapa mwanakomana wache, nokuti wanga wakutopfa. 48 Jesu adobva wati, "Munotendaba kusiya kwokunge maona zviratidzo nozvishamiso."
49 Mutungamiri adobva wati kwaari, "Changamire, uyai mwanakomana wangu asati wapfa."
50 Jesu adoti kwaari, "Enda, mwanakomana wako achachira."
Murume adotenda shoko raadotaurihwa naJesu ndokubva waenda kumba. 51 Paanga achienda vashandi vache vadosangana naye ndokumuudza kuti mwanakomana wache wanga wapurumuka.
52 Saka adovabvunza nguwa mwana yaadothanga kupurumuka, vadomuudza kuti, "Nezuro masikati paawa yochinomwe ndipo padogwata kupisa muiri." 53 Baba vomwana vadobva vaziva kuti ndiyo nguwa Jesu yaadotaura achiti, "Mwanakomana wako achachira." Saka iye adotenda pabodzi nomhuri yache yese.
54 Wakareyu wanga uri munana wochipiri udoitiwa naJesu paadobva kuJudhiya achienda kuGaririya.