1 Jesu adoenda kugomo roMiorivhi. 2 Adopinda futi muimba yaMwari mambakwedza, vanhu vese vadouya kwaari, saka adogarikika ndokuvadzidzisa. 3 Vadzidzisi vomutemo novaFarisi vadounza mukadzi wanga awanikidziwa achiita zvobonde, ndokubva vamumisa pakati pavo 4 vadobva vati, "Mudzidzisi, mukadzi iyeyu wawanikidziwa achihura. 5 Manje pamutemo, Mozisi adotiraira kuti titeme nomatombo mukadzi adodaroyo. Munoti chii naye?" 6 Vadonyaira zvakarezvo kumuedza, kuti vawane mhosva yokumutonga nayo, asi Jesu adokotama ndokuthanga kunyora pasi nokakumo kache. 7 Pavadoramba vachimubvunza, adokotamuka ndokuti kwavari, "Wakareyo asinai chitadzo pakati penyu mbaave wokuthanga kumukhuva nodombo." 8 Adokotama pakare ndokunyora pasi nokakumo kache. 9 Asi pavadonzva zvakarezvo, vadobirika mubodzi mubodzi, zvichithanga nomukuru wacho, vadosiya Jesu wega nomukadzi adomira pamberi pache. 10 Jesu adokotamuka ndokumubvunza achiti, "Nai amai, vari poi? Hapanai wakunenedzerai mhoka chere?"
11 Adopindura achiti, "Hapanai Ishe."
Jesu adobva wati, "Nainini ndinokupaiba mhosva, endai zvenyu, mureke kudzotadza pakare."
12 Jesu adotaura kwavari pakare achiti, "Ndini chiedza chonyika, uyo anonditevera anofambaba murima, asi achawana chiedza choupenyu."
13 VaFarisi vadobva vati kwaari, "Uri kuzviitira upfakazi, kupupura kwako hakunai chokwadi." 14 Jesu adopindura achiti,
"Kana dai ndikazviitira upfakazi, upfakazi hwangu ngwochokwadi, ndava ndinoziva kwandidobva nokwandiri kuenda. Asi munozivaba kwandidobva nokwandiri kuenda. 15 Imimi munotonga nomutoo wovanhu, inini hapanai wandinotonga. 16 Kana zvazvene ndikatonga, kutonga kwangu ndokwochokwadi, ndava handitonge ndega, asi ndinaBaba vadondituma. 17 Mumutemo wenyu mudonyohwa kuti upfakazi hwovairi ichokwadi, 18 ndinozvipa upfakazi, futi Baba vadondituma vanopawo upfakazi pamusoro pangu."
19 Saka vadoti kwaari, "Vari poi Baba vakovo?"
Jesu adovapindura achiti, "Munondizivaba kana naBaba vangu, dai maindiziva maizivawo Baba vangu."
20 Adonyaira mazvi yakareya ari paiisihwa zvipo, paanga achidzidzisa muimba yaMwari, asi hapanai adomusunga, nokuti nguwa yache yanga isinati yasvika.
21 Pakare Jesu adoti kwavari, "Ndinobirika ndichienda, muchanditsvaga futi muchapfira muzvitadzo zvenyu, kwandiri kuenda munokonaba kuuya." 22 Vatungamiri vovaJudha vadobva vati, "Achazvibaya chere, asi ndicho chikonzero chaanonyairira kuti, ‘Kwandiri kuenda munokonaba kuuya?’" 23 Adoti kwavari, "Muri vopasi pano, inini handisi wopano, ndinobva kumusoro. 24 Ndakunyepai kuti muchatopfira muzvitadzo zvenyu ndipo. Kusiya kwokunge matenda kuti ndini iye, chokwadi muchapfira muzvitadzo zvenyu." 25 Vadomubvunza vachiti, "Ndiwe yani?"
Jesu adovapindura achiti, "Ndiri iye wandaikuudzai kubvira pakuthanga. 26 Ndinozvidowanda zvokutaura pamusoro penyu zvokukutongai, asi adondituma ngwochokwadi, futi zvandidonzva kwaari ndinozvinyaira pachena kuvanhu vonyika." 27 Havanai kunzvitsitsa kuti wainyaira kwavari nozvaBaba vache. 28 Saka Jesu adoti, "Kana masumudza Mwanakomana woMunhu, pakarepo ndopamuchaziva kuti ndini iye, futi kuti ndinoitaba chinhu mumasimba yangu ndega asi ndinotaura sezvandidodzidzisiwa naBaba. 29 Adondituma aneni, haanai kundisiya ndega, ndava ndinombondoita zvinomufadza." 30 Paanga achitaura daipo vazinji vadotenda kwaari.
31 Jesu adodzoti kuvaJudha vadotenda kwaari, "Kana mukaramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvochokwadi, 32 futi muchaziva chokwadi, chokwadi chichakuitai vadosununguka."
33 Vadomupindura vachiti, "Tiri nzvahwa dzaAbhurahamu, futi hapanai adombotiita varanda vache. Unodzotaura tini uchiti, ‘Muchasununguhwa?’" 34 Jesu adovapindura achiti, "Chokwadi ndinoti kwamuri, wese anoita chitadzo muranda wochitadzo. 35 Muranda haagari mumba nokusingapere, mwanakomana anopfuurira nokusingapere. 36 Saka kana Mwanakomana achikusunungurai muchasununguka chaizvo izvo. 37 Ndinoziva kuti muri nzvahwa dzaAbhurahamu, asi muri kuda kundibaya, ndava mamuri hamunai nzvimbo yoshoko rangu. 38 Ndiri kukunyairirai zvandidoona kuna Baba vangu, naimimi munoita zvamudonzva kuna baba venyu." 39 Vadomupindura vachiti, "Abhurahamu ndivo baba vedu." Jesu adoti kwavari, "Dai manga muri vana vaAbhurahamu maiita zvidoitiwa naAbhurahamu. 40 Asi manje muri kuda kundibaya, inini munhu adokunyairirai chokwadi chandidonzva kuna Mwari, zvakarezvi ndizvoba zvidoitiwa naAbhurahamu. 41 Munoita zvidoitiwa nababa venyu." Vadoti kwaari, "Hatisi vana vouhure, tina Baba mubodzi, iye Mwari." 42 Jesu adoti kwavari, "Dai Mwari waiva Baba venyu, maindida, ndava ndidobva kuna Mwari, handinai kuzviuyira, asi adondituma saka ndiri pano. 43 Nondava yei musiri kunzvitsitsa zvandinonyaira? Chikonzero nyhokuti munotambiraba kudzidzisa kwangu. 44 Muri vababa venyu jabhurosi, futi chido chenyu nyhokuita zvinodiwa nababa venyu. Anga ari mhondi kubvira pakuthanga, futi haanai chokuita nochokwadi, nokuti haanai chokwadi maari. Paanobhwodoka anonyaira zvache chaizvo, ndava ndinyamabhwodo futi ndibaba wayene. 45 Asi nondava yokuti ndinonyaira chokwadi, hamunditende. 46 Mbani wenyu angandikomwese kuti ndaita chitadzo? Ndikakunyairirai chokwadi, sei musinganditende? 47 WaMwari, anonzva mashoko yaMwari, chikonzero chokureka kunzva kwenyu indava yokuti hamuzi vaMwari."
48 Vatungamiri vovaJudha vadomupindura vachiti, "Hatisi kunyaira zvidokohoroka chere patiri kuti uri muSamariya futi unoshave?"
49 Jesu adopindura kuti, "Handinai shave, asi ndinoremekedza Baba vangu, asi munondizvidza. 50 Handizvitsvagire kuremekedzewa, asi aripo anotsvaga kuremekedzewa wakareyo ndiyewo mutongi. 51 Chokwadi ndinoti kwamuri, wese anochengeta shoko rangu anodzopfaba."
52 VaJudha vadoti kwaari, "Manje taakuziva kuti unoshave. Abhurahamu adopfa, kunge zvidoitawo vaporofiti, iwewe waakuti, ‘Wese anochengeta shoko rangu, anopfaba!’ 53 Uri mukuru kuna baba vedu Abhurahamu? Ivo vadopfa, novaporofiti vadopfawo! Unozviti ndiwe yani?"
54 Jesu adovapindura achiti, "Kana ndikazvirumbidza, kuzvirumbidza kwangu hakureve chinhu, Baba vangu vamunoti ndivo Mwari wenyu ndivo vanondirumbidza. 55 Asi hamunai kumuziva, inini ndinomuziva. Ndikati, handimuzive, ndingavewo womabhwodo kunge imimi, asi ndinomuziva, futi ndinoteerera kudzidzisa kwache. 56 Baba venyu Abhurahamu vadokondwa kuti vaidzoona zuva rangu, vadoriona ndokupfara."
57 Vatungamiri vovaJudha vadodzoti kwaari, "Hausati wasvika makore makumi mashano, manje udoona Abhurahamu iwewe?"
58 Jesu adopindura kuti, "Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahamu asati wavapo, Ndiripo."
59 Saka vadohwenga matombo kuti vamuteme nayo, asi Jesu adoverera kubva muimba yaMwari.