Publicidade

João 14

Jesu Nzira Kuna Baba

1 "Rekai kutambudzika mumwoyo; tendai muna Mwari, mutendewo mandiri. 2 Mumba maBaba vangu muno nzvimbo dzizinji, dai zvisinai kudaro, ndaikunyepai nai kuti ndinoenda kokunhadzirirai nzvimbo? 3 Futi kana ndaenda kokunhadzirirai nzvimbo, ndinodzoka pakare kokutorai, kuti muvewo pandinenge ndiri. 4 Futi munoziva nzira yokwandiri kuenda."

5 Thomasi adoti kwaari, "Ishe, tinozivaba kwamuri kuenda, ko tingazive tini nzira?"

6 Jesu adoti kwaari, "Ndini nzira, nochokwadi, noupenyu, hapanai anouya kuna Baba, asi nopandiri. 7 Dai mudondiziva, maizivawo Baba vangu, kubva ipopa munovaziva futi mudovaona." 8 Firipi adoti kwaari, "Ishe, tinangidzei Baba, tichagutsikana." 9 Jesu adoti kwaari, "Firipi, ndanga ndinemi pesepa, haunati wandiziva? Uyo anenge wandiona waona Baba. Unganyaire tini uchiti, ‘Tinangidzei Baba?’ 10 Unotendaba nai kuti ndiri muna Baba naBaba vari mandiri? Mazvi yandinonyaira kwamuri handinyaire musimba rangu ndega, asi Baba vanogara mandiri vanoita mabasa yavo. 11 Nditendei kuti ndiri muna Baba naBaba mandiri, kana kuti nditendei nondava yomabasa yandinoita. 12 Chokwadi ndinokunyepai, uyo anotenda kwandiri achaitawo mabasa yandinoita, futi achaita mabasa yadokuritsa kukunda yakareya, ndava ndinoenda kuna Baba. 13 Zvese zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Baba vakudziwe muMwanakomana, 14 Kana mukakumbira chinhu chipi zvachene muzita rangu, ndichachiita."

Jesu Anovavimbisa Mweya Mutsvene

15 "Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu. 16 Futi ndichanamata kuna Baba, ivo vachakupasai umwe Mubatsiri, kuti ave naimimi nokusingapere, 17 iye Mweya wochokwadi, asingakone kutambihwa nonyika, ndava haimuone kana kumuziva, imimi munomuziva, ndava anogara naimimi, futi achava mamuri. 18 Handikusiyei mudoita kunge hungwa, ndichadzoka kwamuri. 19 Asi pakanguwa kadiki, nyika haindione futi, asi imimi muchandiona, ndava ndinorarama, naimipawo muchararama. 20 Pazuva rakarero muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, futi imimi muri mandiri, inini ndiri mamuri. 21 Uyo anomitemo yangu achiichengeta, ndiye chaiye anondida, futi anondida achadiwawo naBaba vangu, nainini ndichamuda futi ndichazvinangidza pachena kwaari." 22 Judhasi, asiri Judhasi Sikariyoti, adoti kwaari, "Ishe, zvinofamba sei kuti munozvinangidza kwatiri, musingazvinangidze kunyika?" 23 Jesu adomupindura achiti, "Kana munhu achindida, achatetekera kudzidzisa kwangu, futi Baba vangu vachamuda, futi tichauya kwaari toita musha wedu naye. 24 Uyo asingandide haaterere kudzidzisa kwangu, futi kudzidzisa kwamudonzva mhwanguba asi mhwaBaba vadondituma. 25 Ndakunyairirai zvinhu zvakarezvi, ndichiri nemi. 26 Asi Mubatsiri, Mweya Mutsvene, achatumiwa naBaba muzita rangu, achakufundisai zvinhu zvese, nokukufungisai zvese zvandidokunyepai. 27 Ndinokusiirai runyararo, runyararo rangu ndinokupasai. Handikupasei sekupasa kunoita nyika. Mwoyo yenyu mbaireke kutambudzika, futi rekai kucha. 28 Mudondinzva ndichiti kwamuri, ‘Ndichaenda, futi ndichauya kwamuri,’ dai maindida, maitopfara, ndava ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba mbakuru kwandiri. 29 Futi ndakunyairirai zvisati zvaitika, kuitira kuti kana zvaitika, mutende. 30 Handichanyaira zvidowanda naimimi, ndava muchinda wopasi pano ari kuuya. Haanai simba pamusoro pangu, 31 asi ndinoita sezvandidoraihwa naBaba, kuti nyika izive kuti ndinoda Baba. Sumukai, mbatiendei."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-