Publicidade

João 16

1 Ndidonyaira kwamuri zvakarezvi zvese kuti mureke kuwa pakutenda. 2 Vachakubiritsai mumasinagoge, chokwadi nguwa iri kuuya yokuti wese anokubayai anofunga kuti ari kushandira Mwari. 3 Futi vachaita zvakarezvi ndava havanai kuziva Baba, kana inini. 4 Asi ndidonyaira zvakarezvi kwamuri, kuti kana nguwa yazvene yasvika muyeuke kuti ndidokuudzai pamusoro pazvene.

Basa roMweya Mutsvene

"Ndidonyairaba kwamuri zvinhu zvakarezvi pakuthanga, ndava ndanga ndinemi. 5 Asi manje ndaakuenda kuno adondituma, hapanai wenyu ari kundibvunza kuti, ‘Muri kuenda poi?’ 6 Futi pandakunyepai zvinhu zvakarezvi, mwoyo yenyu yazara nokusuwa. 7 Zvisinei ndinokunyairirai chokwadi: zvidotonakira imimi kuti ndiende, ndava ndikarega kuenda, Mubatsiri anouyaba kwamuri, asi kana ndikaenda, ndinomutuma kwamuri. 8 Futi kana auya, achakomwesa nyika pamusoro pochitadzo nopamusoro pokururama nopamusoro pokutongewa. 9 Havanai kukohoroka pamusoro pochitadzo, ndava havatendi kwandiri. 10 Havanai kukohoroka pamusoro pokururama, ndava ndinoenda kuna Baba, futi muchandionaba kamu, 11 futi pamusoro pokutongewa, ndava mubati wopasi pano watotongewa. 12 Ndino zvidowanda zvokunyaira kwamuri, asi munokonaba kuzvibata manje. 13 Kana Mweya wochokwadi wauya, achakutungamirirai muchokwadi chese, nokuti achanyairaba musimba rache wega, asi chese chaachanzva achachinyaira, futi achakuudzai zvinouya. 14 Achatora shoko rangu achikupasai. 15 Zvese zvinaBaba nzvangu, ndosaka ndati achatora zvandinomupasa achikuudzai.

Kusuwa Kunosanduka kuva Mufaro

16 "Mukanguwa kadiki, muchandionaba, asi musure mokanguwa kadiki modzondiona pakare."

17 Vamwe vovadzidzi vache vadonyairirana vachiti, "Anorevei kana achiti, ‘Mukanguwa kadiki, muchandionaba, asi musure mokanguwa kadiki modzondiona pakare. Ndava ndinoenda kuna Baba?’" 18 Vadoti, "Anoreva chii paanoti, ‘kanguwa kadiki?’ Tinozivaba zvaanoreva."

19 Jesu adoziva kuti vaida kumubvunza, saka adoti kwavari, "Ndozvamuri kuzvibvunza nai izvozvi, kuti ndinorevei kana ndichiti, ‘Kanguwa kadiki, munondionaba, pakare kanguwa kadiki, futi muchandiona futi?’ 20 Chokwadi ndinoti kwamuri, mucharira nokuita maundu, asi nyika ichafara, muchasuwa, asi kusuwa kwenyu kuchapinduka kuva mufaro. 21 Kana mukadzi waakupona anova nokusuwa, nokuti nguwa yache yasvika, asi kana wapona mwana, anokangamwa kutambura kuye, nondava yokufarira kuti mwana wazvahwa panyika. 22 Saka munosuwa iye manje, asi ndichakuonai pakare futi muchapfara, hapanai achakutorerai mufaro wenyu."

23 "Pazuva rakarero hapanai chamuchandikumbira. Chokwadi ndinoti kwamuri, mukakumbira Baba chinhu chipi zvachene muzita rangu vanokupasai. 24 Kusvika ipopa hamusati makumbira chinhu muzita rangu, kumbirai, muchapasiwa, kuti mufaro wenyu uzare.

Kukunda Nyika

25 "Ndanyaira kwamuri zvakarezvi nodimikira, nguwa iri kuuya pandicharega kunyaira kwamuri nodimikira asi ndichanyaira zviri pachenu pamusoro paBaba. 26 Pazuva rakarero muchakumbira muzita rangu, futi handiti kwamuri ndichakukumbirirai kuna Baba, 27 nokuti Baba pachavo vanokudai, ndava mudondida futi mudotenda kuti ndidobva kuna Baba. 28 Ndidobva kuna Baba futi ndidouya panyika, ndiri kubirika panyika futi ndiri kuenda kuna Baba pakare."

29 Vadzidzi vache vadoti, "Hamuone, manje maakunyaira zviri pachenu, aikona nobimikira! 30 Manje taakuziva kuti munoziva zvinhu zvese, futi hapanai angakubvunzei, nokuda kwozvakarezvi tinotenda kuti mudobva kuna Mwari."

31 Jesu adovapindura achiti, "Munotenda manje chere? 32 Nguwa iri kuuya, izvozvi yatouya, pamuchapamwadziwa, mumwe nomumwe kumba kwache futi muchandisiya ndega. Asi handisi ndega, ndava Baba vaneni. 33 Ndakunyairirai zvakarezvi, kuti muve norugare mandiri. Munyika munotambudziwa, asi tsungai mwoyo, inini ndakunda nyika."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-