1 Mazuva matanhatu Paseka isati yasvika Jesu adoenda kuBhetani kwaigara Razaro, waadomutsa kubva pakupfa. 2 Vadomugadzirira zvokuja zvomauro, Marita adovapasa zvokuja, naRazaro wanga ari pabodzi novaiva patafura naJesu. 3 Mariya adotora chiyero chopakati nopakati chorita yochizoro chaidhura maninge chinoitiwa nadhi, ndokuchizora patsoka dzaJesu achidzipukuta nobvudzi rache, futi mumba mese mudozara kunushira. 4 Asi Judhasi Isikarioti, mumwe wovadzidzi vache, nyakudzomupandukira adoti, 5 "Sei mapfuta yakareya yasinai kutengesewa nomadhinari yopasiwa kuvarombo?" 6 Adonyaira zvakarezvi, zvisingareve kuti waiva nohanya novarombo, asi nondava yokuti waiva mbavha, waigara nochikwama chomari waimbotora zvaiisiwa makaremo.
7 Jesu adoti kwavari, "Siyanai naye, rekai ayachengetere zuva rokuvigiwa kwangu. 8 Varombo munavo nguwa dzese, asi hamuve nainini nguwa dzese."
9 Mhomho ikuru yovaJudha paidoziva kuti Jesu wanga ari muBhetani, vadoenda, vasingazviitire Jesu basi asi kuti vaone Razaro, waadomutsa kuvadopfa. 10 Saka vatungamiri vovaphirisita vadoronga kubayawo naRazaro wacho, 11 ndava nokuda kwaRazaro vaJudha vazinji vanga vachivasiya vachitenda kuna Jesu.
12 Mangwana chimuka mhomho ikuru idouya kumutambo idonzva kuti Jesu wanga achipinda muJerusarema. 13 Saka vadochora tumathai tomichindwe ndokubirika kosangana naye vachidaidzira vachiti, "Hozana! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe, adokomborehwa Mambo wovaIzirairi!" 14 Futi Jesu adowana kamwana kombongoro ndokukagadha, sezvazvidonyohwa,
15 "Reka kucha mhandara yoZioni,
Nangara mambo wako ari kuuya,
Adogadha kamwana kombongoro!"
16 Vadzidzi vache vadozvinzvitsitsaba pakuthanga, asi Jesu paadokudziwa, ndopavadodzobengenuka kuti zvidonyohwa pamusoro pache futi kuti vadozviita kwaari. 17 Mhomho yanga inaye paadodaidza Razaro kubva muguwa ndokumumutsa pakupfa idoramba ichipasa upfakazi. 18 Ndochikonzero mhomho idoenda kosangana naye, vanga vanzva kuti adoita chiratidzo chakarecho. 19 Saka vaFarisi vadonyairirana vachiti, "Muri kuonaka kuti hapanai chinhu chamungaite, nangarai, vanhu vese vaakumutevera."
20 Pakati povaye vadoenda konamata kumutambo paivawo nomaGiriki 21 Vakarevo vadoenda kuna Firipi, waiva wokuBhetisaidha kuGaririya, vadoti kwaari "Changamire, tinodawo kuona Jesu."
22 Firipi adoenda koudza Andireya, Andireya adodzoenda naFiripi ndokuudza Jesu. 23 Jesu adoti kwavari, "Nguwa yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudziwe. 24 Chokwadi ndinokunyairirai kuti, kunze kwokunge mbeu yogorosi yawira muivhu yopfa, inogara iri yega, asi ikapfa, inoita zvibereko zvidowanda. 25 Uyo anoda upenyu hwache achataikihwa nahwo, asi uyo anovenga upenyu hwache pasi pano, achahuchengeta kuupenyu husingapere. 26 Wese anondishandira, anofanira kunditevera, futi pandinenge ndiri, pakarepo ndopachavawo nomuranda wangu, kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza."
27 "Zvino mwoyo wangu waakutambudzika. Manje ndichati chii? Ndoti, Baba ndiponesei panguwa yakarei chere? Aiwa, nondava yakarei ndidouya panguwa idodai. 28 Baba, kudzai zita renyu."
Zvino izvi ridouya richibva kudenga ndokuti, "Ndatorikudza, futi ndicharikudza pakare."
29 Mhomho yanga idomira idozvinzva ndokubva yati, kwadhirima. Vamwe vadoti, "Ngirozi yanyaira naye."
30 Jesu adovapindura, "Dzinga rakareri rauya nondava yenyu, aikona yangu inini. 31 Iye zvino kutongewa kwopasi pano kwasvika, iye zvino muchinda wopasi pano achataihwa kunze, 32 futi inini, kana ndasumudziwa kubva panyika, ndichakwevera vanhu vese kwandiri." 33 Adonyaira zvakarezvi kuti anangidze mapfiro yaaidzoita. 34 Mhomho idomupindura, "Tidonzva kubva kumutemo kuti Khirisitu achararama nokusingapere. Unotaura tini uchiti Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudziwa? Mwanakomana woMunhu wacho mbani?" 35 Jesu adoti kwavari, "Chiedza munacho kwokanguwa kapfupi zvishoma. Tekairai machiri, kuti mureke kusvikihwa norima, uyo anotekaira murima haazive kwaanoenda. 36 Muchinacho chiedza, tendai machiri kuti muve vana vochiedza."
Jesu paadonyaira zvakarezvi adobirika achibva wavahwanda. 37 Hundoriramuwa kuti mumasure mokunge Jesu waita zviratidzo zvizinji pamberi pavo, ivo havanai kumutenda, 38 kuti shoko ridotauhwa nomuporofiti Isaya rizazisiwe rokuti,
"Ishe mbani adotenda zvaadonzva kwatiri,
Futi simba renyu ridonangidziwa kunani?"
39 Saka vadotadza kutenda. Ndava Isaya anoti pakare,
40 "Adovaita marombe
nokuomesa mwoyo yavo,
kuitira kuti vangadzoona nomeso yavo,
nokunzvitsitsa nomwoyo yavo,
vodzopindukira kwandiri,
kuti ndivaporese."
41 Isaya adonyaira zvakarezvi ndava adoona kubhwinya kwaJesu saka adonyaira pamusoro pache.
42 Zvidodaipo zvazvene vazinji naivowo vatungamiri vadotenda kwaari, asi nopamusaka pokucha vaFarisi havanai kuzviratidza pachena, kuti vareke kudzobiritsiwa musinagoge, 43 ndava vaifarira kupembedzewa novanhu kupinda kupembedzewa naMwari.
44 Zvino Jesu adodaidzira achiti, "Uyo anotenda kwandiri, haatende kwandiri, asi kuno adondituma. 45 Futi wandiona inini waona uyo adondituma. 46 Ndidouya ndiri sechiedza munyika, kuti wese anotenda kwandiri areke kumbondogara murima. 47 Wese anonzva kudzidzisa kwangu, woreka kukuteerera, ndinomutongaba, ndava ndidouyaba kudzotonga nyika, asi kudzoponesa nyika. 48 Uyo anondiramba asingatambire zvandinonyaira pano umwe anomutonga, mazvi yandidonyaira yachadzova mutongi wache pazuva rokupedzisira. 49 Ndava ndidonyairaba musimba rangu ndega, asi Baba vadondituma ndivo vadondiraira zvokunyaira. 50 Futi ndinoziva kuti mutemo wache upenyu husingapere. Saka zvandinonyaira ndinonyaira sekuraihwa kwandinoitiwa naBaba."