1 Zvino nozuva rokuthanga rosondo Mariya wokuMagadhara adofumira kuenda kuguwa, utonga huchidotsvuka, ndokuona kuti dombo ranga riri pamuromo poguwa ranga rabiritsiwa. 2 Saka adomhanyira kuna Simoni Pita nokunoumwe mudzidzi, uyeuye waidiwa naJesu, ndokuti kwavari, "Vabiritsa Ishe muguwa, futi tinozivaba kwavamuisa." 3 Pita adobva wabirika nomudzidzi biyache vadonanga kuguwa. 4 Vadotizira vese, asi mudzidzi umwe adosiya Pita ndokuthanga kusvika paguwa, 5 Paadosongorera achinangara adoona fuko ridondoti kwobvo makaremo, asi haanai kupinda mukati. 6 Saka Simoni Pita waitevera, adodzosvikawo, ndokupinda muguwa, achiona mapiza nofuko zvidondoti kwobvo, 7 norimwe jira ranga ridomonerera musoro wache, ranga ridotopetewa ridoisiwa parene rega. 8 Zvino uye umwe mudzidzi, wanga wathanga kusvika paguwa, adodzopindawo, ndokuona achibva watenda, 9 nokuti vanga vasati vanzvitsitsa gwaro rokuti waifanira kumuka kuvadopfa. 10 Saka vadzidzi vadodzodzoka vachienda kudzimba dzavo.
11 Mariya adomira kunze kwoguwa achirira, achirira daipo adokotama achisongorera muguwa, 12 adobva waona ngirozi dziiri dzidosimira zvichena, dzidogarikika panga padoradzikiwa chitunha chaJesu, imwe yanga iri kumusoro imwe kumakumbo. 13 Dzidoti kwaari, "Amai imi, muri kurirei?" Adoti kwadziri, "Ndava vadotora Ishe wangu, futi ndinozivaba kwavadomuisa." 14 Paadonyaira zvakarezvo adocheuka kumasure ndokuona Jesu adomira, asi haanai kumuziva kuti ndiJesu. 15 Jesu adoti kwaari, "Amai imi, sei muri kurira? Mbani wamuri kutsvaga?"
Achifunga kuti ndiye waichengeta dimba, adoti kwaari, "Changamire, kana mamubiritsa, ndiudzei kwamamuisa, kuti ndimutore." 16 Jesu adomudaidza achiti, "Mariya." Iye adochununguka ndokuti kwaari muchiHebheru, "Rabhoni!" zvinoreva kuti mudzidzisi. 17 Jesu adoti kwaari, "Reka kundibata, ndava handinati ndakwira kuna Baba, asi enda kuhama dzangu, wovanyepa kuti ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu."
18 Mariya wokuMagadhara adoenda ndokuti kuvadzidzi, "Ndaona Ishe, futi wandinyepa zvakarezvi zvese."
19 Kumauro kwozuva rakarero rokuthanga kwosondo, vadzidzi vanga vadoungana pabodzi vadovhara sasa romumba mavanga vari nondava yokucha vatungamiri vovaJudha, Jesu adosvika ndokuti puru pakati pavo achiti kwavari, "Runyararo kwamuri." 20 Mumasure mukunyaira zvakarezvi, adobva wavanangidza manja yache noparutivi pache. Saka vadzidzi vadodzokondwa pavadoona Ishe. 21 Pakare Jesu adoti kwavari, "Runyararo mbarive nemi. Sekutumiwa kwandidoitiwa naBaba naininiwo ndinokutumai." 22 Futi paadonyaira zvakarezvi, adovafuridzira, ndokuti kwavari, "Tambirai Mweya Mutsvene. 23 Kana munhu upi zvache wamaregerera zvitema, watoregerehwa, kana mukasaregerera zvitema munhu upi zvache haaregerehwe."
24 Manje Thomasi, waiitiwa woMamhasa ari umwe wovanogumi novairi, anga asiri pabodzi naabiyache padouya Jesu. 25 Saka vadzidzi biyache vadomunyepa vachiti, "Taona Ishe." Asi adoti kwavari, "Kusiya kwokutoti ndatoona mbonje mumaoko yache, ndabata nokakumo kangu mbonje dzozvipikiri, nokubata nojanja rangu parutivi pache ndinotendaba." 26 Mumasure momazuva masere, vadzidzi vache vanga vari mumba pakare, naTomasi anga anavo. Masasa yanga yadozarihwa, asi Jesu adouya ndokuti puru pakati pavo, adobva wati, "Runyararo mbarive kwamuri." 27 Manje adodzoti kuna Thomasi, "Isa kakumo kako apa, uone maoko yangu futi, utambanudze ruoko rako, uriise parutivi pangu, reka kutsakidza, asi tenda."
28 Thomasi adomupindura achiti, "Ishe wangu naMwari wangu!"
29 Jesu adoti kwaari, "Watenda ndava wandiona? Vadoropafadziwa vasinai kuona asi vachitenda."
30 Zvino Jesu adoita zvimwe zviratidzo zvizinji pamberi povadzidzi, zvisinai kunyorewa mubhuku rakareri, 31 asi zvakarezvi zvidonyorehwa kuti mutende kuti Jesu ndiye Khirisitu, Mwanakomana waMwari, futi matenda daipo mova noupenyu muzita rache.