Publicidade

João 5

Kuporesewa Padziva

1 Mumasure mozvakarezvo Jesu adoenda kumutambo wovaJudha, waiva kuJerusarema. 2 Zvino muJerusarema panyasi posuwo rikuru rohwai pano dziva ridotenzewa muchiHebheru kuti Bhetezidha, raiva notumathumba tushano tudoripoteredza. 3 Makaremo ndimo maienzerera chaunga chozvirema zvidowanditsazvo, marombe, mhetamakumbo, novadotonhora nhengo. 4 Ndava panoimwe nguwa ngirozi yaiburukira mudziva ichibvundura mvura, saka wese waithanga kupinda mudziva kana mvura yabvunduriwa, waiporesewa chihwere chese chaanenge anacho. 5 Umwe murume waiva pakarepo, wanga wahwara kwomakore makumi matatu nomasere. 6 Jesu paadomuona achiziva kuti wanga adoenzera pakarepo nguwa idorepha maninge, adoti kwaari, "Unoda kuporesewa chere?"

7 Muhwere adopindura achiti, "Changamire, hapanai anondiwisira mudziva kana mvura yabvunduriwa, pandinenge ndichiri kuenda umwe anobva wandithangira kupinda."

8 Jesu adoti kwaari, "Sumuka, tora bonde rako, utekaire." 9 Kabodzi nokabodzi murume adobva wapora. Adotora bonde rache ndokutekaira. Manje zuva rakarero ranga riri Sabata. 10 MaJudha vadobva vati kumurume wanga waporesewa, "Nasi iSabata, haubvumihwe kutakura bonde rako."

11 Asi iye adovapindura achiti, "Munhu wandiporesa ndiye wanditi, ‘tora bonde rako utekaire.’"

12 Vadomubvunza vachiti, "Mbani munhu wacho wakuudza kuti, utore bonde rako utekaire?"

13 Manje murume adoporesewa waizivaba adomuporesa, ndava Jesu wanga waporika muvanhu panzvimbo yakareyo, pachaunga chovanhu.

14 Mumasure mozvakarezvo, Jesu adowana murume uye ari muimba yaMwari ndokubva wamuti, "Onaka waporesewa, reka kuita zvitadzo pakare kuti zvidoipitsitsa zvireke kuuya kwauri."

15 Murume uye adobva waenda konyepa vaJudha kuti ndiJesu wamuporesa. 16 Izvozvi ndizvo zvidoita kuti vaJudha vatambudze Jesu, ndava waiita zvakarezvi paSabata. 17 Asi Jesu adovapindura achiti, "Baba vangu vachiri kushanda, nainini ndiri kushanda."

18 Izvozvo ndizvo zvidoitisa kuti vaJudha vatsvagitsitse mabairo yavangamuite, ndava haanai kundochora mutemo woSabata chete, asi waidaidza Mwari kuti ndiBaba vache, kutozvienzanisa naMwari.

Simba roMwanakomana roChikuriri

19 Jesu adoti kwavari, "Ndinokunyepai chokwadi, Mwanakomana hapanai chaangaite ari wega, asi zvaanoona Baba vachiita basi, nokuti zvese zvinoitiwa naBaba zvakarezvo ndizvo zvinoitiwawo noMwanakomana. 20 Nokuti Baba vanofarira Mwanakomana, vanomunangidza zvese zvavanoita ivo, vachamunangidza mabasa makuru kukunda yakareya, zvokutoti muchashamisika. 21 Sezvinoita Baba kumutsa vadopfa vachivapasa upenyu, naiyewo Mwanakomana anopasa upenyu munhu waanoda. 22 Baba hapanai wavanotonga, asi vadopasa kutonga kwese kuMwanakomana, 23 kuti vese varemekedze Mwanakomana, sekuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedze Mwanakomana haaremekedzewo Baba vadomutuma."

24 "Ndinokunyairirai zvochokwadi, uyo anonzva Shoko rangu achitenda kuna iyeyo adondituma, anoupenyu husingapere, haauye pakutongewa, asi wabirika muipfa wapinda muupenyu. 25 Ndinokunyepai chokwadi ndichiti, nguwa iri kuuya, izvozvi yatosvika, apo vadopfa vachanzva dzinga roMwanakomana waMwari, futi vacharinzvavo vachararama. 26 Baba sezvavanoupenyu mavari, saizvozvo vadopasawo Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. 27 Futi vadomupasa simba rochikuriri kuti atonge, ndava Mwanakomana woMunhu. 28 Rekai kushamisiwa nozvakarezvi, nokuti nguwa iri kuuya apo vese vari mumanda vachanzva dzinga rache 29 vobirika, avo vadoita zvidonaka vomukira kuupenyu, avo vadoita zvidoipa vomukira kutongewa."

Vanopfakazira Jesu

30 "Hapanai chandinokona nosimba rangu ndega, ndinotonga sezvandinonzva, kutonga kwangu kudokohoroka, ndava ndinotsvagaba zvangu ndega asi zvinodiwa noadondituma. 31 Kana ndikazvipupurira, upfakazi hwangu hunenge huri hwomabhwodo, 32 Aripo umwe anoupfakazi pamusoro pangu, futi ndinoziva kuti anondiitira upfakazi hwochokwadi. 33 Pamudotuma vanhu kuna Johwani, iye adopasa upfakazi hwochokwadi. 34 Zvinorevaba kuti ndinotambira upfakazi hunobva kuvanhu, asi ndinonyaira zvakarezvi kuti muponesewe. 35 Johwani wanga ari mwenje waipfuta uchipasa chiedza, naimipa mudoda nokufarira chiedza chache kwokanguwa. 36 Asi upfakazi hwandinahwo mbukuru kukunda hwaJohwani, nokuti basa randidopasiwa naBaba kuti ndipedzise, rakarero randiri kuita, rinondipfakazira kuti Baba vadondituma. 37 Baba pachavo vadondituma vadondipupurira. Dzinga ravo hamunai nokundorinzva kwese, chimiro chavo hamunai nokundochiona kwese, 38 nokuti imipa hamunai shoko ravo rinogara mamuri, nokuti hamutende wavadotuma. 39 Munonzvera magwaro nondava yokuti munofunga kuti mayari muno upenyu husingapere, magwaro yakareyo ndiyo yanopfakaza pamusoro pangu. 40 Asi imipa munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu. 41 Handitambire kukudziwa kunobva kuvanhu. 42 Asi ndinokuzivai kuti hamunai rudo raMwari mukati menyu. 43 Ndidouya muzita raBaba vangu, asi hamunditambire, kana umwewo akauya muzita rache, iyeyo muchamutambira. 44 Mungatende sei, iyemi munotambira kurumbidzana asi musingatsvage kurumbidziwa kunobva kuna Mwari chete? 45 Rekai kufunga kuti ndichazokunenedzerai pamberi paBaba. Mozisi wamunovimba naye ndiye anokupasai mhosva. 46 Dai mudotenda Mozisi, maitendawo inini, nokuti Mozisi adonyora pamusoro pangu. 47 Asi kana musingatende zvaadonyora, mungatende tini mashoko yangu?"

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_09-43-29-