Publicidade

João 10

Mufananidzo WaNyakabusa Adonaka

1 "Chokwadi, ndinoti kwamuri, uyo asingapindi mubara rohwai nopamusuwo, asi achikwira nopamwewo, munhu iyeyo mbavha nogororo. 2 Asi uyo anopinda nopamusuwo ndiye nyakabusa wohwai. 3 Ndiye anozururihwa nomuchengeti wopamusuwo, hwai dzinonzva dzinga rache, futi anodaidza hwai dzache nomazita achidzikweerera kunze. 4 Kana wadziunganidza dzese kunze, anodzikweerera, idzo dzichimutevera, ndava dzinoziva dzinga rache. 5 Dzinoteveraba murendo, asi dzinotomutiza, ndava hadzizive dzinga rovarendo." 6 Mufananidzo wakareyu udoshandisiwa naJesu kwavari, asi vadonzvitsitsaba zvaaivanyepa.

Jesu Nyakabusa Adonaka

7 Saka Jesu adonyaira kwavari pakare achiti, "Chokwadi ndinoti kwamuri, ndini sasa robara romahwai. 8 Vese vadondithangira kuuya, mbavha nomakororo, saka mahwai hayanai kuvatetekera. 9 Ndini musuwo, wese zvache anopinda nopandiri anoponesewa, futi anopinda wobirika achiwana mafuro. 10 Mbavha inondouya kuti ibe, nokubaya nokupamwadza basi, ini ndidouya kuti vave noupenyu, kuti vave nahwo hudozara. 11 Ndini nyakabusa adonaka. Nyakabusa adonaka anopereka upenyu hwache nondava yomahwai. 12 Anenge ari wondomba asiri nyakabusa futi asiri muridzi womahwai, akaona svitsi richiuya anotiza achisiya mahwai, svitsi rinoyabvuta nokuyapamwadza. 13 Anotiza ndava ndowondomba asinai hanya nomahwai. 14 Ndini nyakabusa adonaka ndinoziva mahwai yangu futi mahwai yangu yanondiziva, 15 sekuziva kwandinoitiwa naBaba nainini ndinoziva Baba futi ndinopereka upenyu hwangu nokuda kwomahwai. 16 Futi ndinodzimwe hwai, dzisiri dzobara rino, ndinofanirawo kuuya, dzichanzva dzinga rangu. Saka pachaita boka ribodzi nanyakabusa mubodzi. 17 Nochikonzero chakarechi Baba vanondida, ndava ndinopereka upenyu hwangu, kuti ndidzohutora pakare. 18 Hapanai anohutora kwandiri, asi ndinohupereka ndega. Ndinosimba rokuhupereka, futi ndinosimba rokuhutora pakamu, murairo wakareyu ndidoupasiwa naBaba vangu." 19 Padova nokupesana pakare pakati povaJudha nokuda kwomashoko yakareya. 20 Vazinji vavo vadoti, "Anoshave, futi ari kupenga, sei muchimutetekera?" 21 Vamwewo vadoti, "Aya matauriroba youye anoshave. Shave ringaite kuti meso yorombe yaone?"

Jesu Anorambiwa

22 Yanga yava nguwa yomhepo, pamutambo wokupemberera kuKumikidziwa kwoimba yaMwari muJerusarema, 23 Jesu wanga achitekaira muchivanze choimba yaMwari, paberere raSoromoni. 24 Saka vaJudha vadomuunganira ndokuti kwaari, "Ucharamba uchida kuti timbondofungidzira kusvika rini? Kana uri Khirisitu wacho, tinyairire zvidojeka."

25 Jesu adovapindura achiti, "Ndidokunyairirai, asi munotendaba. Mabasa yandinoita muzita raBaba vangu, yanondipupurira, 26 asi hamutende ndava hamusi mahwai yangu. 27 Mahwai yangu yanonzva dzinga rangu, futi ndinoyaziva, pakamu yanonditevera, 28 futi ndinoyapasa upenyu husingapere, futi yanopfaba, hapanai achadzoyabvuta mujanja rangu. 29 Baba vangu vadondipasa iyo, mbakuru kuno vese, futi hapanai anokona kuyabvuta mujanja raBaba. 30 Inini naBaba tiri mubodzi."

31 VaJudha vadohwenga matombo pakare kuti vamuteme, 32 Jesu adovapindura achiti, "Ndidokunangidzai mabasa yadonaka yadowanda yadobva kuna Baba, ndipi racho panaiyoya ramunonditemera nomatombo?"

33 VaJudha vadomupindura vachiti, "Tinokutemeraba basa ridonaka, asi kushora Mwari, ndava iwepa uri munhuwo zvache daipa, uri kuzviita Mwari."

34 Jesu adovapindura achiti, "Zvidonyohwaba mumutemo wenyu kuti, ‘Ndidoti muri anamwari?’ 35 Kana adovati, anamwari ivo vadopasiwa shoko raMwari, nokuti magwaro yangachohweba, 36 mungati kuna iye adoitiwa mutsvene naBaba ndokutumiwa panyika, ‘Uri kushora Mwari,’ ndava ndati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari?’ 37 Kana ndisiri kuita mabasa yaBaba vangu, saka regai kunditenda ndipo, 38 asi kana ndichiyaita, kana zvazvene imipa musinganditende, tendai mabasa, kuti muzive nokunzvitsitsa kuti Baba vari mandiri, nainini ndiri muna Baba."

39 Vadoedza kumusunga pakare, asi adopukunyuka kubva mumaoko yavo. 40 Jesu adoenda pakare padonangarana nohwizi Jorodhani, panzvimbo Johwani yaadothanga kuwombekera, futi adoramba ari kwakareko. 41 Futi vanhu vazinji vadoenda kwaari, ndokubva vati, "Johwani haanai kuita chiratidzo, asi zvese zvaadonyaira pamusoro pomunhu wakareyu nzvochokwadi." 42 Futi vanhu vazinji panzvimbo yakareyo vadotenda kwaari.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-