Publicidade

João 19

1 Zvino Pirato adotora Jesu ndokumurova. 2 Futi mauto yadorukha ngundu yomwinza, ndokuiisa mumusoro mache, futi vadomusimidza jasi ridotsvukuruka, 3 Vadoramba vachiuya kwaari vachiti, "Moroi Mambo wovaJudha!" Futi vadomurova mambama.

4 Pirato adobirika panze pakare, ndokuti kwavari, "Nangarai, ndaakumubiritsa kunze kwamuri, kuti muzive kuti mhosva yache ndaisairira." 5 Saka Jesu adobirika panze adosimira ngundu yomwinza nojasi ridotsvukuruka. Pirato adoti kwavari, "Munhu ndiyeyu!"

6 Vakuru vovaphirisita novatungamiri vovanhu pavadondomuona, vadodaidzira vachiti, "Murovererei pamuchinjikwa, murovererei pamuchinjikwa!" Pirato adoti kwavari, "Mutorei mega mumuroverere pamuchinjikwa, ndava inipano ndasaya mhosva yache."

7 Vatungamiri vovaJudha vadomupindura vachiti, "Tinomutemo, nomutemo wakareyo anofanira kupfa, ndava anozviti Mwanakomana waMwari."

8 Pirato paadonzva mazvi yakareya adotonyanyitsirafuti kucha, 9 adopinda mumuzinda pakare ndokuti kuna Jesu, "Uri wopoi?"

Asi Jesu adomupinduraba. 10 Pirato adodzoti kwaari, "Unoreka kunyaira kwandiri? Unozivaba nai kuti ndinomasimba yokukusugudura, nomasimba yokukuroverera pamuchinjikwa?"

11 Jesu adomupindura achiti, "Unoitaba simba pamusoro pangu iwe, kusiya kwokunge waripasiwa kubva kumusoro, saka wandipereka kwauri ndiye anochitadzo chikuru."

12 Kubva panguwa yakareyo Pirato adotsvaga zano rokumusunungura, asi vatungamiri vovaJudha vadodaidzira vachiti, "Kana ukasunungura munhu wakareyu, unotsvatsvana naKhesari, wese anozviita mambo anenge achitozviita mhandu yaKhesari." 13 Pirato paadonzva mazvi yakareyo, adobiritsa Jesu panze, ndokugarikika pamupando wokutonga uri panzvimbo yomabhwe inoitiwa Gabhata muchiHebheru. 14 Manje iroro ranga riri zuva roGadziriro yoSabata, yava masikati paawa yochitanhatu. Adoti kuvaJudha, "Onai mambo wenyu!"

15 Vadodaidzira vachiti, "Mubiritsei pano! Muroverei!" Vatungamiri vovaphirisita vadopindura vachiti, "Hatinai umwe mambo kusiya kwaKesari."

16 Saka adomupereka kwavari kuti arovehwe pamuchinjikwa.

Jesu Anorovehwa Pamuchinjikwa

Saka vadotora Jesu 17 Adobirika adotakura muchinjikwa wache, ndokuenda kunzvimbo inoitiwa Kadehenya, asi muchiHebheru ichiitiwa Gorogota. 18 Pakarepo vadomurovera pamuchinjikwa, pabodzi novamwe vairi, vanga vari kumativi yache, iye ari pakati pavo. 19 Pirato adonyora chikwangwari chaiti, "Jesu woNazareta, Mambo wovaJudha" ndokuchiturika pamuchinjikwa 20 VaJudha vazinji vadoriverenga, ndava panzvimbo panga padorovehwa Jesu, panga pari papfupi nomuguta, futi panga padonyohwa muchiHebheru, muchiRatini nomuchiGiriki. 21 Vatungamiri vovaphirisita novakuru vovaJudha vadodzoti kuna Pirato, "Reka kunyora kuti, ‘Mambo wovaJudha,’ asi kuti, Munhu uyu waiti, ‘Ndiri Mambo wovaJudha.’" 22 Pirato adopindura achiti, "Zvandanyora ndanyora." 23 Mauto pavadorovera Jesu vadotora zvipfeko zvache ndokuzviita zvipenga zvinai, uto regarega ridoita charene, nochipfeko chache chomukati. Asi chipfeko chomukati changa chisinai musono, changa chidondoita chibodzi kubva kumusoro kusvika kumukombero, 24 Mauto yadonyairirana yachiti, "Mbatiregei kurikerura, asi mbatikhandei hakata kuti tione kuti richava raani." Zvakarezvi zvanga zviri kuzazisa gwaro rinoti,

"Vadokovana majasi yangu,

ndokukhanda hakata pazvipfeko zvangu." Saka mauto yadoita zvakarezvi.

25 Panyasi pomuchinjikwa waJesu panga padomira Mariya, amai vache nomunin'ina wavo, naMariya mukadzi waKhiropasi, naMariya Magadharini. 26 Jesu paadoona amai vache, nomudzidzi waaida vadomira papfupi, adoti kuna maache, "Amai, uyu ndiye mwanakomana wenyu!" 27 Manje adodzoti kumudzidzi, "Ava ndivo amai vako!" Futi kubvira pakarepo mudzidzi adovatora kuenda kogara navo kumba kwache.

Kupfa KwaJesu

28 Mumasure mozvakarezvi, Jesu achiziva kuti zvese zvanga zvapera, kuti azazise gwaro adoti, "Ndava nonyota." 29 Panga pano mbiya idozara vhiniga pakarepo, saka vadotora siponji ndokuijungirira kukamuti kohisopu ndokuinyika muvhiniga vachibva vaiisa kumuromo kwache. 30 Zvino Jesu paadondosvuta vhiniga, adoti, "Zvapera," Ipopo

adogurama ndokuregedzera mweya wache achibva warosa.

Jesu Anobayiwa Padivi

31 Nondava yokuti ranga riri Zuva Rogadziriro, kuti vareke kusiya zvitunha zviri pamuchinjikwa paSabata ndava Sabata yakarei yanga iri zuva rinokosha, vaJudha vadokumbira Pirato kuti makumbo yovadorovehwa vacho yachohwe, uye kuti vabiritsiwe. 32 Saka mauto yadoenda ndokuchora makumbo yowokuthanga, noyoumwe waanga adoroverehwawo pabodzi naye, 33 asi pavadosvika panga pana Jesu vachiona kuti wanga wapfa kare, havanai kumuchora makumbo yache. 34 Asi rimwe uto ridomubaya parutivi nopfumo, ndokubva gazi nomvura zvabirika pakarepo, 35 Iye adozviona adopasa upfakazi - upfakazi hwache ngwochokwadi, futi anoziva kuti anonyaira chokwadi, kuitira kuti naimimiwo mutende. 36 Ndava zvinhu zvakarezvi zvidoitika kuti gwaro rizadzisiwe rinoti, "Hapanai bvupa rache richachohwa." 37 Pakare rimwe gwaro rinoti, "Vachanangara kuna iye wavadojunga."

Kuvigiwa KwaJesu

38 Mumasure mozvakarezvo Josefa woAramatiya, wanga ari mudzidzi waJesu, asi asingazikane, nondava yokucha vatungamiri vovaJudha, adokumbira Pirato kuti amubvumire kutora chitunha chaJesu, Pirato adobva wamupasa mvumo. Saka adoenda ndokuburutsa chitunha chaJesu. 39 Nikodhimo wokuenda kuna Jesu usiku, adouyawo nomusanganisiwa womura nogavakava zvairema makhirogiramu makumi matatu. 40 Vadotora chitunha chaJesu, ndokuchiputiridza nofuko pabodzi nozvinonushira, mumaitiro yotsika yovaJudha kana vachiviga chitunha. 41 Zvino panyasi ponzvimbo paiva nodimba uye mudimba manga munoguwa ritsva ranga risina adombovigiwa makaremo. 42 Saka nondava yozuva Rogadziriro yovaJudha, vadobva vaviga Jesu muguwa rakarero ranga riri papfupi.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-