1 Zvino mutambo woPhasika usati wasvika, Jesu achiziva kuti nguwa yache yasvika yokuti abirike panyika achienda kuna Baba, paadoda vache vanga vari panyika, adovada kusvika pakupedzisira. 2 Panguwa yokuja kwomauro, jabhurosi wanga watodira kare mumwoyo maJudhasi mwanakomana waSaimoni Sikariyoti pfungwa yokupandukira Jesu. 3 Jesu achiziva kuti Baba vadoisa zvese mumanja yache, futi kuti adouya kubva kuna Mwari futi kuti wanga achienda kuna Mwari, 4 saka adosumuka kubva patafura ndokubisa jasi rache rokunze achidira padivi, achibva wazvisunga nothauro, 5 zvino adodururira mvura mumbiya ndokuthanga kushambidza tsoka vadzidzi achidzipukuta nothauro raanga adozvisunga naro. 6 Adosvika pana Simoni Pita, zvino Pita adobva wati kwaari, "Ishe, maakushambidza tsoka dzangu chere?"
7 Jesu adomupindura, "Zvandiri kuita hauzvizive iye manje, asi uchadzozvinzvitsitsa pasure."
8 Pita adoti kwaari, "Hamungamboshambidza tsoka dzangu."
Jesu adomupindura, "Ndikareka kukushamba, haungave wangu."
9 Simoni Pita adoti kwaari, "Ishe, aikona tsoka dzangu chete asi nomaoko yangu nomusoro wangu futi!"
10 Jesu adoti kwaari, "Uyo anenge washamba zvichadaba kuti ashambidziwe, kusiya kwomakumbo yacheyo chete, ndava watochena muviri wese, futi mudotochena, asi hamusi mese." 11 Ndosaka adoti "Mudochenaba mese" ndava waiziva kuti mbani waidzomupandukira.
12 Paanga washamba tsoka dzavo watotora jasi rache achirisimira nokudzokera panzvimbo yache, adovabvunza achiti, "Manzvitsitsa chere zvandaita kwamuri? 13 Munondidaidza kuti Mudzidzisi uye Ishe, ipopo munokohorora, ndava ndozvandiri. 14 Manje kana inini Ishe wenyu noMudzidzisi, ndashamba tsoka dzenyu, saka munofanirawo kushambidzana tsoka. 15 Nokuti ndakupasai muenzaniso, kuti muitewo zvandaita kwamuri. 16 Ndinokunyepai chokwadi kuti, muranda haakurire tenzi wache, kana nhume haikurire anoituma. 17 Kana muchiziva zvinhu izvozvi, mudokomborehwa kana muchizviita. 18 Handisi kureva imimi mese ndinoziva vandidosarura. Asi kuti gwaro rizadzisiwe, ‘Uyo wandaija naye zvokuja zvangu wandipandukira,’ 19 Ndinokunyairirai zvakarezvi iye zvino, zvisati zvaitika, kuti pazvinodzoitika mutende kuti Ndini Iye. 20 Chokwadi ndinokutaurirai kuti wese anotambira wandinotuma anotambirawo inini, futi anotambira inini anotambirawo adondituma."
21 Zvino Jesu paadonyaira zvakarezvo, adotambudzika mumweya wache ndokuti, "Chokwadi, umwe wenyu achandipandukira."
22 Vadzidzi vadonangarana nangarana, vasingazive waanga achireva. 23 Mumwe wovadzidzi vache, waidiwa naJesu, wanga adotsveyamira papfupi nochipfuwa chaJesu, 24 adotsvetehwa naSimoni Pita achimuti, "Mubvunze kuti ari kutaura ani." 25 Saka wanga ari papfupi naJesu adoti kwaari, "Ishe, angave yani?" 26 Jesu adomupindura achiti, "Nguyo wandichapasa chimepfu kana ndachiseva mumbenge." Saka paadoseva chimepfu adochipasa Judhasi, mwanakomana waSimoni Sikariyoti. 27 Saka mumasure mokutora chimepfu chozingwa, Sathani adopinda muna Judhasi. Jesu adobva wati kwaari, "Zvese zvauchaita, ita nokukurumidza." 28 Zvino vanga vari patafura hapanai adoziva kuti sei adonyaira zvakarezvi kwaari. 29 Vamwe vadofunga kuti, ndava Judhasi waigara nohomwe yomari, saka Jesu waimunyepa kuti atenge zvavaida pamutambo, kana kuti waifanira kupasa zvimwe zvinhu kuvarombo.
30 Saka paadondotambira chimepfu, adoenda panze nokamangu, futi hwanga hwava usiku.
31 Judhasi paadobirika, Jesu adoti, "Zvino Mwanakomana woMunhu wakudziwa, futi maari Mwari vakudziwa, 32 Kana Mwari akudziwa maari, Mwari achakudzawo Mwanakomana maari, uye achamukudza kabodzi nokabodzi. 33 Vana vangu, ndichava nemi kwokanguwa kadiki. Muchanditsvaga, sezvandidoudza vaJudha saka ndava kukuudzaiwo, ‘Kwandiri kuenda munokonaba kuuya.’ 34 Ndinokupasai mutemo mutsva, wokuti mudanane. Sekuda kwandidokuitai, naimimi mudanane daro. 35 Kana muchidanana vanhu vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu."
36 Simoni Pita adomubvunza achiti, "Ishe, muri kuenda poi?"
Jesu adomupindura kuti, "Kwandiri kuenda haugone kunditevera zvino, asi uchadzotevera pasure."
37 Pita adoti kwaari, "Ishe sei ndisingakone kukuteverai iye manje? Ndinopereka upenyu hwangu nokuda kwenyu."
38 Jesu adomupindura achiti, "Uchapereka upenyu hwako nokuda kwangu chere? Chokwadi, ndinokunyepa kuti, uchandiramba katatu jongwe risati rarira."