Publicidade

João 6

Jesu Anoposha Zviuru Zvishano

1 Mumasure mozvakarezvi Jesu adoenda kumhiri kwogungwa roGaririya raidaidziwawo kuti Taibheriyasi. 2 Manje vanhu vadowanditsavo vadomutevera nondava yokuti vadoona zviratidzo zvaadoita pano vaye vanga vanomatenda. 3 Jesu adokwira pagomo, ndokugarikika novadzidzi vache. 4 Ipopo Phasika, unova mutambo wovaJudha yanga yaakusvika. 5 Paadonangara ndokuona gurusvusvu raiuya kwaari, ndokuti kuna Firipi, "Tichatenga poi mazingwa kuti vanhu ivova vaje?" 6 Adonyaira zvakarezvo kuti amuedze, nokuti Jesu pachake waiziva zvaanga achidzoita. 7 Firipi adomupindura achiti, "Muhoro womwedzi mitanhatu unokwanaba kutenga mazingwa yanoita kuti munhu wese awane kachimepfu." 8 Umwe mudzidzi wache, Andireya anova mukoma nomunin'ina naSimoni Pita adoti kwaari, 9 "Panomukomana pano ano mazingwa yobhaari mashano nohove dziiri, asi izvozvi zvingave chii pavanhu vadowanditsa zvidodai?"

10 Jesu adoti kwavari, "Itai kuti vanhu vagarikike pasi." Zvino panzvimbo yakareyo panga panousva huzinji, vanhurume vadogarikika pakarepo vaitosvika zviuru zvishano. 11 Jesu adodzotora mazingwa, ndokuita munamato wokukomborera, adodzoyakovanisa vanhu vanga vadogarikika, ndokuita zvakarezvo nohove, achivapasa zvidoenderana nozvavaida. 12 Pavadoja vachiguta, adoudza vadzidzi vache achiti, "Unganidzai zvimepfu zvasara kuti pareke kuva nochinotaiwa." 13 Saka vadodzozviunganidza ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu zvidosiiwa novadoja kubva pamazingwa mashano yobhaari.

14 Vanhu pavadoona chiratidzo chaadoita, vadoti, "Chokwadi uyu muporofiti waidzouya munyika!" 15 Jesu paadoziva kuti vanga vaakutouya komutora nochisimba kuti vamusukumidze kuita mambo, Jesu adobirika pakare kuti ave wega kugomo.

Jesu Anotekaira Pamusoro Pomvura

16 Pakwanga kwadoka vadzidzi vache vadoenda kugungwa, 17 vadopinda mukamwadiya ndokuthanga kuyambukira kuKaperenaume. Kwanga kwatodoka, Jesu asati wadzoka kwavari. 18 Masaisai yogungwa yadosumuka nokuti duthu ridosimba ranga richivhuvhuta. 19 Pavanga vafambisa kamwadiya makhiromita yanenge mashano kana matanhatu, vadoona Jesu achitekaira pamusoro pomvura mugungwa achitonyedza kukamwadiya. Vadocha, 20 asi iye adoti kwavari, "Ndini, rekai kucha." 21 Saka vadoda kumutora kuti apinde mukamwadiya, ipopo kamwadiya kadobva kasvika panyika kwavaienda.

Vanhu Vanotsvaga Jesu

22 Mangwana yacho vanhu vadosara kumhiri kwogungwa vadoziva kuti kwanga kwandova nokamwadiya kabodzi, futi Jesu wanga asinai kupinda mukamwadiya novadzidzi vache, asi kuti vadzidzi vache vadoenda vega. 23 Zvisinei, tumwadiya tudobva kuTaibheriyasi tudonyedza panzvimbo yavadojira mazingwa musure mokunamata kudoitiwa naJesu. 24 Saka vanhu pavadoona kuti Jesu kana vadzidzi vache vanga vasiri pakarepo, ivo pachavo vadopinda mutumwadiya ndokuenda kuKaperenaume vachimutsvaga.

Jesu Ndiye Zingwa Roupenyu

25 Pavadomuwana kuimwe kumhiri yogungwa, vadomuti, "Mudzidzisi, mauya riniko kuno?"

26 Jesu adovapindura achiti, "Chokwadi ndinoti kwamuri, munonditsvaga isiri ndava yokuti mudoona zviratidzo, asi nondava yokuti mudoja mazingwa muchiguta. 27 Rekai kushandira kuti muwane zvokuja zvinoparara, asi zvokuja zvinogara kusvikira kuupenyu husingapere. Ndizvo zvamunopasiwa noMwanakomana woMunhu nokuti paari Mwari Baba vadoisa chisimbiso."

28 Zvino vadoti kwaari, "Tingaitei kuti tiite mabasa yanodiwa naMwari?"

29 Jesu adovapindura achiti, "Basa raMwari ndorokuti mutende uyo waadotuma."

30 Saka vadoti kwaari, "Nyhipi chiratidzo chaunoita, kuti tione tikutende? Ibasa ripi rauchaita? 31 Madzibaba yedu vadoja mana musango, sekunyohwa kwazvidoitiwa, ‘Adovapasa zingwa ridobva kudenga kuti vaje.’"

32 Jesu adoti kwavari, "Chokwadi ndinokunyepai, ndiMozisiba adokupasai zingwa ridobva kudenga, asi Baba vangu vanokupasai zingwa rochokwadi kubva kudenga. 33 Ndava zingwa raMwari ndiro rinouya kubva kudenga, ropasa upenyu kunyika." 34 Vadoti kwaari, "Ishe, tipasei zingwa rakareri nguwa dzese." 35 Jesu adoti kwavari, "Ndini zingwa roupenyu, uyo anouya kwandiri anodzonzvaba nzara, noanotenda kwandiri anodzonzvaba nyota. 36 Asi sekukuudzai kwandidoita, mudondiona asi nanasi hamusati manditenda. 37 Vese vandinopasiwa naBaba vachauya kwandiri, nouyo anouya kwandiri ndinomutairaba kunze. 38 Ndava ndidoburuka kudenga, aikona kudzoita zvandinoda, asi kuda kwaiye adondituma. 39 Kwakareku ndiko kuda kwoadondituma, kuti ndireke kurasikihwa kana nomubodzi panovese vaadondipasa, asi kudzozvimutsa pazuva rokupedzisira. 40 Nokuti uku ndiko kuda kwaBaba wangu, kuti wese anonangara Mwanakomana nokutenda kwaari anofanira kuva noupenyu husingapere, futi ndichamumutsa nozuva rokupedzisira." 41 Zvino vaJudha vadon'un'uzika ndava wanga wati, "Ndini zingwa ridoburuka kubva kudenga." 42 Vadobva vati, "NdiJesuba uyu mwanakomana waJosefa, anababa namai vatinoziva? Sei waakuti, ‘Ndidobva kudenga?’" 43 Jesu adovapindura achiti, "Rekai kun'un'uzika pakati penyu megamega. 44 Hapanai angakone kuuya kwandiri kunze kwokutoti Baba vadondituma vamukwezvera kwandiri, futi ndichamumutsa pazuva rokupedzisira. 45 Zvidonyohwa mumabhuku yovaporofiti kuti, ‘Futi vese vachafundisiwa naMwari.’ Wese adonzva achidzidza kubva kuna Baba anouya kwandiri. 46 Hapanai adoona Baba kusiya kwouyo basi adobva kuna Mwari, ndiye adoona Baba. 47 Chokwadi ndinoti kwamuri, uyo anotenda anoupenyu husingapere. 48 Ndini zingwa roupenyu. 49 Madzibaba yenyu yadoja mana musango, asi vadopfa. 50 Iri ndiro zingwa ridoburuka kubva kudenga, kuti munhu arije areke kupfa. 51 Ndini zingwa ripuma ridoburuka kubva kudenga, wese zvache anoja zingwa rakareri, anochira nokusingapere, futi zingwa randichapasa, kuitira kuti nyika iwane upenyu ndiwo muviri wangu." 52 VaJudha vadozvipikisa pakati pavo, vachiti, "Ko murume wakareyu angatipase sei muviri wache kuti tije?" 53 Saka Jesu adoti kwavari, "Chokwadi ndinokunyepai kuti, kusiya kwokuti matoja muviri woMwanakomana woMunhu nokumwa gazi rache, hamunai upenyu mamuri, 54 uyo anoja muviri wangu nokumwa gazi rangu ano upenyu husingapere, futi ndichamumutsa nozuva rokupedzisira, 55 nokuti muviri wangu chikafu chaicho, pakare gazi rangu nyhokumwa chaicho. 56 Uyo anoja muviri wangu nokumwa gazi rangu anogara mandiri, nainini maari. 57 Fanike Baba vapenyu vadondituma, inini ndinorarama nokuda kwaBaba, saka uyo anondija achararama nokuda kwangu. 58 Iri ndiro zingwa ridouya kubva kudenga, risinai kufanana noridojiwa nomadzibaba vadodzopfa, uyo anoja zingwa rakareri anochira nokusingapere." 59 Izvozvi adozvinyairira musinagoge, paanga achidzidzisa kuKaperenaume.

Shoko Roupenyu Husingapere

60 Vadzidzi vache vazinji pavadozvinzva, vadoti, "Kunyaira kwakareku kudooma, mbani angakutambire?" 61 Asi Jesu paadoziva mukati mache kuti vadzidzi vache vadonyunyuta nozvakarezvi, adoti kwavari, "Ko magumbuhwa nozvakarezvi nai? 62 Ko kana mukadzoona Mwanakomana woMumhu achikwira kuenda kwanga ari kare? 63 Mweya ndiye anopasa upenyu, nyama inobatsiraba chinhu, mashoko yandidonyaira kwamuri, ndiyo mweya noupenyu. 64 Asi pano vamwe venyu vasingatende." Nokuti Jesu waiziva kubva pakuthanga kuti mbapi vasinai kutenda, futi kuti mbani waidzomupandukira. 65 Adodzoti pakare, "Ndosaka ndakunyepai kuti hapanai angauye kwandiri kusiya kwokunge wazvigonesewa naBaba vangu." 66 Mumasure mozvakarezvo vadzidzi vache vazinji vadoita chinepfu ndokurega kumutevera. 67 Jesu adoti kuno vanogumi novairi, "Naimipa munoda kuendawo chere?" 68 Simoni Pita adomupindura, "Ishe, tingaende kunani? Ndimi munomazvi youpenyu husingapere. 69 Futi tidotenda, ndokuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari." 70 Jesu adovapindura, "Handinai kukusarudzai imipa gumi novairi? Manje mumwe wenyu ndijabhurosi!" 71 Adotaura achireva Judhasi mwanakomana waSimoni Sikariyoti, ndava wanga ari umwe wovanogumi novairi, waidzomupandukira.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_10-32-54-