Publicidade

João 15

Jesu Muzambiringa Chaiwo

1 "Ndini muzambiringa wochokwadi, futi Baba vangu murimi. 2 Thai rese riri mandiri risingaite muchero, anoritema, futi thai rese rinoita michero anorichekerera, kuti riite michero mizinji. 3 Mudotonatsiwa kare nokudzidzisa kwandidonyaira kwamuri. 4 Garai mandiri, nainini mamuri. Fanike thai risingakone kuita muchero riri rega, kana risiri pamuzambiringa, naimimiwo hamugone kubereka muchero, asi kutoti muchigara mandiri basi."

5 "Ndini muzambiringa, imimi muri mathai. Uyo anogara mandiri, nainini maari, ndiye anoita muchero idowanda, nokuti pasina inini hapanai chamunoita. 6 Kana munhu asingagare mandiri, anogwatiwa kunge thai wooma, futi mathai yadodaro yanounganidziwa yokhandihwa mumoto yopisiwa. 7 Kana mukagara mandiri, nomashoko yangu yachigara mamuri, kumbirai zvese zvamunoda, muchazviitihwa. 8 Kukudziwa kwaBaba vangu kunonangidziwa nokubereka kwenyu muchero idowanda, zvakarezvo ndizvo zvamudoitira vadzidzi vangu. 9 Kunge kudiwa kwandidoitiwa naBaba, ndomwenze madiro yandinokuitai, garai murudo rangu. 10 Kana mukachengeta mitemo yangu, muchagara murudo rangu, fanike kuchengeta kwandidoita mitemo yaBaba vangu ndokugara murudo ravo."

11 "Zvinhu zvakarezvi ndidokunyairirai kuti mufaro wangu uve mamuri, futi kuti mufaro wenyu uzare. 12 Uku ndiko kuraira kwangu, kwokuti mudane sezvandidokudai imimi. 13 Hapanai anorudo rinokunda rakareri, rokuti munhu anopfira shamwari dzache. 14 Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurairai. 15 Handichakudaidzai kuti vashandi, nokuti mushandi anozivaba zviri kuitiwa tenzi wache, asi ndidokudaidzai kuti shamwari, nokuti zvese zvandidonzva kuna Baba ndidokuzivisai. 16 Hamunai kundisarudza, asi ndidokusarudzai nokukugadzai kuti muende kobereka muchero futi kuti muchero wenyu urambe uripo, kuitira kuti chipi nochipi chamunokumbira Baba muzita rangu, vakupasei chakarecho. 17 Uku ndiko kuraira kwangu, kuti mudanane.

Chizondo choNyika

18 "Kana nyika ichikuzondai, zivai kuti idondizonda isinati yakuzondai imimi. 19 Dai muri vonyika, nyika yaikudai sevanhu vayene. Asi ndidokusarudzai kubva munyika ino saka hamusi vonyika ndokusaka nyika ichikuzondai. 20 Yeukai shoko randidokunyepai rokuti, ‘Muranda haakurire tenzi wache.’ Kana inini vadonditambudza, vachakutambudzaiwo, kana vadochengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu. 21 Asi zvese zvakarezvi vachakuitirai nokuti muri vangu, ndava havazive uyo adondituma. 22 Dai ndisinai kuuya ndichinyaira kwavari, dai vasinai chitadzo, manje havanai mapukunyukiro yavachaita pamusoro pochitadzo chavo. 23 Uyo anondivenga anovengawo Baba wangu. 24 Dai ndisinai kuita mabasa yasinai kumboitiwa noumwe munhu pakati pavo, dai vasinai zvitadzo, asi manje vadoona ndokuvenga tese inini naBaba vangu." 25 Izvi zvidoitika kuti shoko riri mumutemo wavo riitike rinoti, "Vadondivenga pasinai nyiyo."

26 "Kana Mubatsiri wauya, wandichakutumirai kubva kuna Baba, iye Mweya wochokwadi, anobva panaBaba, achapasa upfakazi pamusoro pangu, 27 naimimi muri pfakaziwo, ndava manga muneni kubvira pakuthanga."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-