1 Mumasure mozvakarezvo Jesu adopoterera nomuGaririya, waifamba fambaba muJudhiya nokuti maJudha vaitsvaga kumubaya. 2 Zvino mutambo wovaJudha woMatumba wanga waakusvika. 3 Saka vanin'ina vache vadoti kwaari, "Birika pano uende kuJudhiya kuti vadzidzi vako vaone mabasa yauri kuita. 4 Nokuti hapanai munhu anoshanda kabisira iye achida kuti azikane. Kana uchiita zvinhu zvakarezvi, zvinangidze kunyika." 5 Nokuti naivo vanin'ina vache vanga vasingamutendewo.
6 Jesu adoti kwavari, "Nguwa yangu hainati yasvika, asi kwamuri chero nguwa idokodzera. 7 Vanhu vomunyika havagone kukuzondai, asi vanozonda inini ndava ndinopasa upfakazi hwokuti mabasa yavo yadonyangara. 8 Endai kumutambo imimi, inipano ndiri kuendaba kumutambo wakareyu, ndava nguwa yangu inokodzera hainati yasvika." 9 Mumasure mokunyaira ikoko, adoramba ari muGaririya.
10 Asi mumasure mokuenda kwovanin'ina vache kumutambo, iye adozoendawo, asingazviise pachenu, asi achizvisvisva. 11 Vatungamiri vovaJudha vanga vachimutsvaga pamutambo, vachiti, "Ari poi?"
12 Panga pano kunyaira nyaira kwovanhu kudowanda pamusoro pache. Ukuwo vamwe vaiti, "Munhu adonaka," vamwe vachiti, "Neye, ari kutsambutsa vanhu." 13 Asi nokucha vatungamiri vovaJudha hapanai adonyaira pachena pamusoro pache.
14 Panenge pakati pomutambo Jesu adoenda muchivanze choimba yamwari ndokudzidzisa. 15 MaJudha vadoshamisika nazvo vachiti, "Seiko munhu wakareyu achiziva maninge, asi iye asinai kupfunda?"
16 Saka Jesu adovapindura, "Dzidziso yangu njanguba, asi njaiye adondituma. 17 Kana munhu upi zvache achida kuita kuda kwaMwari, achaziva kana kudzidzisa kwangu kuchibva kuna Mwari, kana kuti ndiri kundonyaira zvangu ndega. 18 Uyo anozvinyaira pachake anotsvaga kukudziwa kwache. Asi anotsvaga kukudziwa kwoadomutuma pachokwadi, munowakareyo hamunai mabhwodo. 19 Mozisi adokupasaiba mutemo? Asi hapanai kana mumwe wenyu anouchengeta. Sei muchitsvaga kundibaya?"
20 Vanhu vadopindura vachiti, "Unoshave! Mbani ari kuda kukubaya?"
21 Jesu adovapindura achiti, "Ndidoita chishamiso chibodzi, imipa mese mudoshamisika nacho. 22 Mozisi adokurairai kuti muchecheudze vanakomana venyu (aikona kuti zvidobva kwaari, asi zvidobva kumadzibaba yenyu), naimipa munochecheudza munhu paSabata. 23 Kana munhu achichecheudziwa paSabata, kuti mutemo waMozisi uregedze kuchohwa, maakundikaripira ndava ndaporesa munhu paSabata? 24 Regedzai kutongera tsvete, asi tongai zvidorungama."
25 Vamwe vanhu vokuJerusarema vadodzoti, "Iyeyu ndiyeba nai munhu wavanga vachitsvaga kuti vabaye? 26 Nguyu ari kunyaira pajekerere, futi hapanai chavari kunyaira kwaari! Zvingave izvo chere kuti vakuru vanonatsa kuziva kuti ndiye Khirisitu? 27 Manje tinoziva kunobva munhu wakareyu, asi panooneka Khirisitu, hapanai anoziva kwaanobva."
28 Saka Jesu paanga achidzidzisira muchivanze choimba yaMwari adodaidzira achiti, "Munondiziva, futi munoziva kwandinobva. Asi ndidouyaba nokuda kwangu, uyo adondituma ndiye chokwadi. asi munomuzivaba, 29 inini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, futi adondituma."
30 Saka vadotsvaga kumusunga, asi hapanai adomubata, nokuti nguwa yache yanga isati yakwana. 31 Zvidodaipo vanhu vadowanda vadotenda kwaari, vadoti, "Kana Khirisitu wacho wauya, achaita zviratidzo zvizinji kukunda zvidoitiwa nomunhu iyeyu chere?"
32 VaFarisi vadonzva mhomho yovanhu ichindonyaira nyaira pamusoro paJesu. Saka vatungamiri vovaphirisita novaFarisi vadotuma varindi voimba yaMwari kuti vamusunge. 33 Zvino Jesu adoti, "Ndichava nemi kanguwa kapfupi, ndobva ndaenda kuno adondituma. 34 Muchanditsvaga asi munondiwanaba, kwandinenge ndiri munokonaba kuuya."
35 Vatungamiri vovaJudha vadonyairirana vachiti, "Nghupi kwaari kuda kuenda munhu wakareyu kwatisingadzomuwana? Anoda kuenda koporika muvanhu vedu vari mukati momaguta yomaGiriki kodzidzisa maGiriki chere? 36 Anorevei kana achiti, ‘Muchanditsvaga asi munondiwanaba,’ uye kuti, ‘Kwandinenge ndiri munokonaba kuuya?’"
37 Pazuva rikuru rokupedzisira kwomutambo, Jesu adosimuka ndokudaidzira achiti, "Kana pano anonyota, mbaauye kwandiri amwe. 38 Uyo anotenda kwandiri, sezvidotauhwa noGwaro, ‘Mumwoyo mache muchaerera tuhwizi twomvura youpenyu.’" 39 Manje zvakarezvi wanga achireva Mweya, waidzotambiriwa novaye vadotenda kwaari, nokuti kupasiwa Mweya kwanga kusati kwaitika, ndava Jesu wanga asati wasimudzihwa pakubhwinya.
40 Pavadonzva mazvi yakareya, vamwe vavo vadoti, "Chokwadi iyeyu ndiye muporofiti uye wataitarisira."
41 Vamwe vadoti, "Iyeyu ndiye Khirisitu."
Asi vamwe vadoti, "Ko Khirisitu angauye achibva kuGaririya chere? 42 Ko Gwaro harina kuti Khirisitu waidzova nzvahwa yaDhavhiti, achibva kuBheterehema, musha waigara Dhavhiti?" 43 Saka padova nokupesana pakati povanhu nondava yache. 44 Vamwe vavo vaida kumusunga, asi hapanai adomubata.
45 Varindi voimba yaMwari vadodzoka kuvatungamiri vovaphirisita nokuvaFarisi, ndokubva vavabvunza vachiti, "Sei musina kuuya naye?"
46 Varindi voimba yaMwari vadopindura vachiti, "Hapanai munhu adombonyaira kunge munhu wakareyu!"
47 VaFarisi vadobva vavapindura vachiti, "Ko naimimiwo matsambutsiwa nai? 48 Pano umwe pakati povatungamiri kana pakati povaFarisi watenda kwaari chere? 49 Aiwa! Asi gurusvusvu rakareri, risingazivi mutemo ridoshurikidziwa."
50 Nikodhimo, uyo adomboenda kuna Jesu, uku ari umwe wavo, adoti kwaari, 51 "Ko mutemo wedu unopomera mhosva munhu asinati wanzviwa nokuzikana kuti anoitei chere?"
52 Vadopindura vachiti, "Naiwewe unobva kuGaririya chere? Zvitsvage mumaGwaro, uchaona kuti hapanai muporofiti achabva kuGaririya." 53 Ipopo munhu wese adobva waenda kumba kwache.