Publicidade

João 3

Jesu naNikodhimo

1 Kwanga kuno murume muFarisi waiitiwa Nikodhimo, waiva mukuru wovaJudha. 2 Murume wakareyo adouya kuna Jesu usiku ndokumuti, "Mudzidzisi, tinoziva kuti muri mudzidzisi anobva kuna Mwari, ndava hapanai munhu angaite zviratidzo zvamunoita, kusara kwokunge achitova naMwari."

3 Jesu adomupindura achiti, "Ndinokunyepa chokwadi, munhu haangaone umambo hwaMwari kusiya kwokunge watozvariwa pakare."

4 Nikodhimo adoti kwaari, "Munhu angazvariwe tini kana wakura? Angapinde pakare chere mumimba mamaache kuti azvariwe?" 5 Jesu adopindura achiti, "Ndinokunyepa chokwadi, kunze kwokunge munhu wazvahwa nomvura noMweya, anopindaba muumambo hwaMwari. 6 Icho chidozvahwa nomunhu munhu, nochidozvahwa noMweya mweya. 7 Reka kushamisiwa ndava ndakuti, unofanira kuzvahwa pakamu. 8 Mhepo inopupuza ichienda kwainoda, unondonzva ruzha rayene, asi unozivaba kwainobva nokwainoenda. Zvakarezvo ndozvidoita wese adozvahwa noMweya."

9 Nikodhimo adomubvunza achiti, "Izvozvi zvinoitika tini?"

10 Jesu adomupindura achiti, "Uri mudzidzisi wovaIzirairi, saka unonzvitsitsaba zvakarezvi nai? 11 Chokwadi, ndinoti kwauri, tinonyaira zvatinoziva nokupa upfakazi hwozvatidoona, asi imipa hamutambire upfakazi hwedu. 12 Kana ndidokunyairira zvopasi pano imipa motadza kuzvitenda, mungadzotenda tini ndikakunyairira zvokudenga? 13 Hapanai adokwira kudenga kunze kwaiye Mwanakomana woMunhu adoburuka achibva kudenga."

14 Futi sezvidoitiwa naMozisi zvokuturika nyoka musango, naiyewo Mwanakomana woMunhu anofanira kuturikiwa pamusoro, 15 kuti wese anotenda kwaari ave noupenyu husingapere. 16 Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere. 17 Nokuti Mwari haanai kutuma Mwanakomana wache kuti apase murandu nyika, asi kutoti nyika iponesewe kuburikidza naye.

18 "Uyo anotenda kwaari haatongewe. Asi asingatende watotongewa kare, nokuti haanai kutenda kuMwanakomana waMwari mubodzi. 19 Kutongewa nghuku, kuti chiedza chidouya panyika, asi vanhu vadofarira rima pachinzvimbo chochiedza, nokuti zviito zvavo zvanga zvidoipa. 20 Ndava wese anoita zvidoipa anovenga chiedza, futi haauye pachiedza, kuti zviito zvache zvireke kufumuhwa. 21 Asi uyo anoita zvochokwadi anouya pachiedza, kuti zvioneke pachenu kuti zviito zvache zvidoitiwa muna Mwari."

Jesu naJohwani Muombeki

22 Mumasure mozvakarezvi Jesu adoenda kunyika yoJudhiya novadzidzi vache. Adoramba anavo kwakareko achiombeka vanhu. 23 NaJohwaniwo wanga achiombeka ari paAnoni panyasi noSarimu, nokuti pakarepo panga panomvura idowanditsa, futi vanhu vadouya vachiombekewa. 24 Nokuti Johwani wanga asati waisiwa mutorongo.

25 Manje nharo dzidomuka pakati povadzidzi vaJohwani noumwe muJudha, pamusoro pokuzvinatsa. 26 Vadouya kuna Johwani ndokuti kwaari, "Mudzidzisi, uyeuye wamanga munaye kumhiri kwohwizi Jorodhani, wakareuye wamudopfakazira uye, waakuombeka, futi vanhu vese vaakutoenda kwaari."

27 Johwani adovapindura achiti, "Hapanai angawane chaangatambire kunze kwokunge wachipasiwa kubva kudenga. 28 Imipa munotondipupurira kuti ndidoti, ‘Ndiniba Khirisitu, asi ndidotumiwa pamberi pache.’ 29 Uyo anomwenga ndiye murume, muperekedzi womurume, anomira achinzva, anofara chaizvo achinzva dzinga romurume, saka mufaro wanguyu wapfachukira. 30 Anofanira kuingidzika, asi inini ndinofanira kuderedzeka."

Uyo Adobva kuDenga

31 Uyo anobva kumusoro ari pamusoro povese, uyo ari pasi ndowopasi, anonyaira zvinhu zvopasi futi, uyo anobva kudenga ari pamusoro povese. 32 Anopasa upfakazi hwozvinhu zvaadoona nozvaadonzva, asi hapanai anotambira zvaanopfakaza. 33 Uyo anotambira upfakazi hwache anoisa chisimbiso chache chokuti, Mwari ngwochokwadi. 34 Nokuti iyeyo adotumiwa naMwari anonyaira mazvi yaMwari, nokuti adopasiwa Mweya asingapimihwe. 35 Baba vanopfarira Mwanakomana, futi vadoisa mumaoko yache zvinhu zvese. 36 Uyo anotenda kuMwanakomana anoupenyu husingapere, uyo asingatetekere Mwanakomana haazoona upenyu, asi ukari hwaMwari huchagara pamusoro pache.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_18-40-07-