1 Paanga achitekaira, adoona murume adozvahwa ari rombe. 2 Vadzidzi vache vadomubvunza kuti, "Mudzidzisi, ko mbani adotadza, murume wakareyu kana kuti vabereki vache, zvidoita kuti azvariwe ari rombe?"
3 Jesu adovapindura kuiti, "Ndizvoba kuti murume iyeyu adotadza, kana kuti mbabereki vache, asi kuti mabasa yaMwari yaoneke maari. 4 Tinofanira kuita mabasa yoadondituma kuchiri kweru daipa, usiku huri kuuya, ipopo hapanai anodzokona kushanda. 5 Ndichiri munyika, ndiri chiedza chonyika."
6 Paadonyaira zvakarezvo, adosvipira mathe pasi ndokukanya tumatope nayo, achiparanga mumaziso yorombe, 7 achiti kwaari, "Enda koshamba mugambwa rinoitiwa Siromi" (zvinoreva kuti kutuma). Saka adoenda ndokushamba, ndokudzoka waakuona.
8 Vavakidzani novadombomuona kare achiri kuita zvokupemha vadoti, "Iyeyu ndiyeba nai munhu waigara achikumbira kare?"
9 Vamwe vadoti, "Ndiyeyu," vamwewo ndokuti, "Neye, vadondofanana." asi iye waimbondoti, "Ndini." 10 Vadoramba vachindomubvunza vachiti, "Naiwe, meso yako yadovhurika tini?"
11 Iye adovapindura achiti, "Murume anoitiwa Jesu adokanya tumatope ndokuparanga mumaziso mangu achinditi, ‘Enda kuSiromi koshamba’ saka ndidoenda ndokubva ndaakuona."
12 Vadoti kwaari, "Ari poi?"
Iye adopindura achiti, "Handizive."
13 Vadoendesa kuvaFarisi murume waiva bofu. 14 Zvino raiva zuva roSabata Jesu paadokanya tumatope achimusvinudza. 15 VaFarisi vadomubvunza pakare kuti adoona tini. Iye adoti kwavari, "Adoisa tumatope pamaziso yangu, ndokubva ndashamba, ndokubva ndaakuona."
16 Vamwe vovaFarisi vadoti, "Murume wakareyu haabve kuna Mwari, ndava haachengete Sabata."
Asi vamwe vadoti, "Ko munhu anenge ari mutadzi angaite tini zviratidzo zvidodai?" Padova nokupesana pakati pavo.
17 Saka vadoti pakare kumunhu wanga ari rombe, "Unoti chii naye, iye wakusvinudza meso daipa?"
Adoti, "Muporofiti."
18 Vatungamiri vovaJudha havanai kuzvitenda kuti, wanga ari rombe futi kuti adodzovhuriwa meso, kusvikira vatodaidza vabereki vomurume adovhuriwa meso, 19 vadovabvunza vachiti, "Ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti adozvahwa ari rombe chere? Manje waakuona tini?"
20 Vabereki vache vadovapindura kuti, "Tinoziva kuti iyeyu mwanakomana wedu, futi kuti adozvariwa riri rombe, 21 asi kuti manje waakuona sei hatizivi, futi tinozivaba kuti mbani wasvinudza meso yache. Mubvunzei wayaruka, anozvinyairira wega." 22 Vabereki vache vadotaura daipo nokuti vaicha vatungamiri vovaJudha, nokuti vatungamiri vovaJudha vanga vatorangana kuti kana ani zvache akaita upfakazi hwokuti Jesu ndiye Khirisitu, waidzodzingiwa musinagoge. 23 Saka vabereki vache vadodzoti, "Wayaruka, mubvunzei." 24 Saka vadodaidza kochipiri murume wokuzvahwa ari rombe, ndokuti kwaari, "Pasa mbiri Mwari, tinoziva kuti munhu wakareyu mutadzi." 25 Adovapindura achiti, "Kana ari mutadzi, ndinozvizivaba, chinhu chibodzi chandinoziva nyhokuti, ndaiva rombe, manje ndaakuona."
26 Vadomubvunza vachiti, "Adoita chii kwauri? Adokupenyesa tini?"
27 Adovapindura achiti, "Ndakunyairirai kare, asi munotetekeraba. Munodirei kuzvinzva pakare? Munodawo kuita vadzidzi vache nai?"
28 Manje vadobva vamushora vachiti, "Iwepa ndiwe mudzidzi wache, asi isisu tiri vadzidzi vaMozisi. 29 Tinoziva kuti Mwari adotaura naMozisi, asi kana ari munhu wakareyu, tinozivaba kwaanobva."
30 Murume adopindura achiti, "Sei, izvi zvinoshamisa! Hamuzivi kwaanobva, asi iye wasvinudza meso yangu. 31 Tinoziva kuti Mwari haatetekeri vatadzi, asi kana ari anocha Mwari, achiita zvinomufadza, Mwari anomutetekera. 32 Hazvinai kumbonzvika kubva pakuthanga kwonyika kuti panoadovhura meso yomunhu adozvahwa ari rombe. 33 Dai munhu wakareyu asinai kubva kuna Mwari, waikonaba kuita chinhu."
34 Vadomupindura vachiti, "Udozvahwa muzvitadzo zvizinji, waakuda kudzidzisa isisu futi?" Vadobva vamudzingira kunze kwosinagoge.
35 Jesu paadonzva kuti vamubiritsa panze, uye paadodzomuwana adomuti, "Unotenda chere kuMwanakomana woMunhu?" 36 Adomupindura, "Changamire, ndiudzei kuti ndiyani kuti nditende kwaari?" 37 Jesu adoti kwaari, "Wamuona, futi ndiye ari kunyaira kwauri."
38 Adoti, "Ishe ndinotenda," achibva wamunamata. 39 Jesu adoti, "Kutonga ndiko kwandidovinga panyika pano, kuti vaye vasingaone vaone, futi kuti vaye vanoona vave marombe." 40 Vamwe vaFarisi vanga vari papfupi naye pavadonzva zvakarezvo, vadoti kwaari, "Naisisuwo tiri marombe chere?" 41 Jesu adoti kwavari, "Dai maiva marombe, maivaba nomhosva, asi zvino munoramba munomhosva nokuti munoti, munoona.