1 Tiyofirasi, ndidonyora mubhuku rangu rokuthanga pamusoro pozvese zvidothanga kuitiwa nokudzidzisiwa naJesu, 2 kusvikira pazuva raadokwidziwa kudenga. Mumasure mokupasa rairo kuburikidza naMweya Mutsvene kunhumwa dzaadosarura. 3 Vaadozvinangidzawo kwavari nozviratidzo zvidowanditsa kuti mupenyu, mumasure mokutambudzika kwache. Iye adozvinangidza kwavari kwomazuva makumi manai achinyaira pamusoro pozvoumambo hwaMwari. 4 Adovaraira paanga achija navo achiti, "Rekai kubirika muJerusarema, asi garirirai chipo chidovimbisiwa naBaba vangu chamudonzva ndichinyaira pamusoro pachene. 5 Nokuti Johwani adoombeka nomvura, asi mumazuva mashomashoma muchaombekewa naMweya Mutsvene."
6 Manje vadoti vaungana, vadomubvunza, vachiti, "Ishe maakudzotsera umambo kuvaIzirairi nonguwa ino chere?"
7 Iye adoti kwavari, "Hazvinai kufanira kuti muzive nguwa nomisi idotahwa naBaba pachavo nosimba ravo. 8 Asi muchatambira simba kana Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu, ipopo muchava pfakazi dzangu paJerusarema, nopaJudhiya rese, nopaSamariya, kusvikira kudoperera nyika." 9 Zvino mumasure mokunyaira zvakarezvi, vadomunangara daipo, adokwidziwa kudenga, uye guti ridomusvisva havanai kudzomuona.
10 Zvino pavanga vadonangaritsa kudzuru iye achikwira, pakarepo nokamangu vadoona varume vairi vanga vadosimira hembe dzichena vadomira padivi pavo 11 ivo vadoti, "Naimi varume voGaririya, mudomirireiko popano mudonangara kudzuru? Jesu mubodzibodziyu, wabiritsiwa kwamuri achikwidziwa kudenga, achadzoka nonzira ibodzibodzi yamamuona achienda nayo kudenga."
12 Pakarepo nhumwa dzidodzokera kuJerusarema dzichibva kugomo rinoitiwa Miorivhi, riri papfupi noJerusarema huri yohwendo hwoSabata kubva muguta. 13 Pavadopinda muguta vadokwira kukamuri yokumusoro mavanga vachigara. Pita, naJohwani, naJakobho naAndireya, naFiripi naTomasi, naBhatoromiyu naMateo, naJakobho mwanakomana waArufiyasi, naSimoni woushingi, naJudhasi mwanakomana waJakobho. 14 Ivova vese vadotsungirira nomwoyo mubodzi pakunyengetera, pabodzi novanhukadzi, naMariya amai vaJesu, novanin'ina’ina vache.
15 Pamazuva yakareyo Pita adosumuka pakati pohama, vanhu vaisvika zana nomakumi mairi achiti, 16 "Hama gwaro rinofanira kuzazisiwa, pamusoro pozvidonyaihwa naMweya Mutsvene, karekare kuburikidza naDhavhiti, maererano nozvaJudhasi adoperekedza vakarevaye vadosunga Jesu. 17 Nokuti wanga adoverengewa pabodzi naisisu, tichitoshanda naye muushumiri hwedu.
18 Nomubairo waadobhadhariwa nokuda kwozvidoipa zvache, Judhasi adotenga munda, munova maadowira pasi nomusoro, muviri wache udophabuka nopakati, ura hwache hwese hudobva hwabirika kunze. 19 Vanhu vese vaigara muJerusarema vadonzva pamusoro pozvakarezvi, saka vadotenza munda wakareyu kuti Akadhama, mumutauro wavo ndokuti, Munda woMagazi."
20 "Nokuti mubhuku raMaphisarema mudonyohwa kuti,
‘Musha wache mbauve don’o,
mbaureke kuva nomunhu anogara makaremo.’
Uye kuti,
‘Umwe mbaapinde pabasa rache.’
21 Naizvozvo zvinokodzera kusarudza mubodzi pakati povarume vaiungana naisisu nguwa yese Ishe Jesu yaadorarama pakati pedu, 22 kuthangira pakuombeka kwaJohwani kusvikira pazuva Jesu raadobiritsiwa kwatiri, mubodzi pavarume vakareva anofanira kuva pfakazi yokumuka kwache pabodzi naisisu."
23 saka vadosarudza varume vairi, Josefa waitiwa Bhasabhasi wanga adotenzewa kamu kuti Jusito, naMatiyasi. 24 Pakarepo vadonyengetera vachiti, "Imimi Ishe munoziva mwoyo yovanhu vese, tinangidzei kuti mbani wamasarudza pakati poivova vairi 25 kuti atore nzvimbo pabasa rakareri rounhumwa hwakarehu hwudosiiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yache chaiyo." 26 Zvino vadokhanda hakata, hakata idowira pana Matiyasi, iye adoingidzihwa kuboka ronhumwa gumi nomubodzi.