1 Asi Sauro achitutuma noukari adovhundutsa nokubaya vadzidzi vaIshe. Adoenda kumuphirisita mukuru, 2 kokumbira matsamba yokuti aende kuDhamasiko kumasinagoge kuti kana akawana vanhurume kana vanhukadzi, voNzira yakarei, auye navo kuJerusarema vadosungiwa. 3 Zvino adoti watova papfupi noDhamasiko, kabodzi nokabodzi chiedza chidobva kudenga chidomutoya kumativi yese. 4 Uye adowira pasi, ndokunzva dzinga richiti kwaari, "Sauro, Sauro unonditambudzireiko?"
5 Iye adoti, "Ndimi yaniko Ishe?" Iye adoti, "Ndini Jesu wauri kutambudza. 6 Asi sumuka uende muguta, uchanyepewa zvaunofanira kuita." 7 Varume vaanga anavo pahwendo, vadomira vasinai noromuromo rese, vachinzva dzinga asi vasingaone munhu. 8 Zvino Sauro adosumuka kubva pasi, paadopenya, meso yache yanga yachaonaba, vadotomubata janja vachipinda naye muDhamasiko. 9 Adoitirafuti mazuva matatu, asingaone, kana kuja kana kumwa mvura chaiyo. 10 Zvino paDhamasiko panga pano mudzidzi waitiwa Ananiyasi. Ishe adoti kwaari nozvaadomunangidza muchiratidzo, "Ananiyasi!" Iye adoti,
"Ndiri pano Ishe."
11 Ishe adoti kwaari, "Sumuka uende munzira yomuguta inoitiwa Idorungama, ubvunze mumba maJudhasi munhu anoitiwa Sauro anobva kuThasasi, nokuti ari kunyengetera. 12 Naiyewo adoona murume anoitiwa Ananiyasi achipinda mumba achimuturika manja pamusoro wache kuti aone pakamu."
13 Zvino Ananiyasi adopindura akati, "Ishe ndidonzva novanhu vadowanda nozvo murume wakareyu kuti adobata uyanga vatsvene venyu muJerusarema. 14 Noipopano ano simba pakamu raadopasiwa novaphirisita vakuru kuti asunge vese vanonamata nozita renyu."
15 Asi Ishe adoti kwaari, "Enda, nokuti murume wakareyu mudziyo wangu wandidosarudza kuti aende nozita rangu kuvanhu voyamwe Marudzi, madzimambo nokuvana vaIzirairi, 16 nokuti ndichamunangidza zvese zvaachafanira kutamburira nokuda kwozita rangu." 17 Ipopo Ananiyasi adobirika ndokuenda achibva wapinda mumba, adoturika manja pamusoro paSauro ndokuti, "Hama Sauro, Ishe Jesu, adozviratidza kwauri munzira yaudouya nayo, wandituma kuti udzotsehwe kuona kwako futi kuti uzaziwe naMweya Mutsvene." 18 Ipopo mumaziso yache mudobirika tunenge tumabade, adothanga kuona pakamu, ndokusumuka achibva waombekewa.
19 Adoja zvokuja ndokuwana simba. Adogara novadzidzi paDhamasiko mazuva yadotikuti. 20 Ipopo adoparidzirafuti nozva Jesu mumasinagoge, kuti ndiye mwanakomana waMwari.
21 Vese vadozvinzva vadoshamisika vachiti, "Anga wakareyu ndiyeba waiparadza vaidana kuzita rakareri paJerusarema, adovinga zvakarezvo ikokuno, kuti aende navo vadosungiwa kuvapirisita vakuru?"
22 Asi Sauro adoramba achiingidzika simba, adokunda vaJudha vanga vari paDhamasiko, achiratidza kuti Jesu ndiye Khirisitu.
23 Zvino mazuva mazinji payadopera, vaJudha vadorangana kuti vamubaye. 24 Asi kurangana kwavo kudozikana naSauro. Vadogaririra misuwo yese masikati nousiku, kuti vamubaye. 25 Manje vadzidzi vache vadomutora usiku, ndokumuvikha mudengu, vachimuburutsa nopamadziro.
26 Zvino adoti wasvika kuJerusarema, adoedza kubatana novadzidzi, asi ivo vese vadomucha, vanga vasingatende kuti wava mudzidziwo. 27 Asi Bhanabhasi adomutora ndokuenda naye kunhumwa, ndokuvarondedzera maonero yaadoita Ishe, achibva wanyaira naye nomaparidziro yaadoita zita raJesu noushingi paDhamasiko. 28 Saka Sauro adogara paJerusarema, achifambidzana navo, 29 adoparidza nozita raShe asingambocha. Adonyaira nokupikisana novaJudha vainyaira chiGiriki, asi ivo vadoedza kumubaya. 30 Zvino hama dzidoti dzazviziva, dzidomuendesa kuzasi kuKesariya, ndokumutumira kuThasasi.
31 Zvino Kherekhe idova norunyararo paJudhiya rese, Gaririya, nopaSamariya. Kuburikidza naMweya Mutsvene kherekhe idosimbisiwa ichiingidzihwa muuwandu.
32 Zvino Pita adoti achitenderera kwese, pakati pavo vese adosvikawo nokuvatsvene vanga vari kuRidha. 33 Adowana kwakareko munhu, waiitiwa Eniyasi, wanga adoenzera pabonde kwomakore masere, nokuda kwokuremara. 34 Pita adoti kwaari, "Eniyasi, Jesu Khirisitu anokuporesa, sumuka, uwarure bonde rako!" Ipopo adosumukirafuti. 35 Zvino vese vanga vachigara muRidha noSaroni vadomuona, vachibva vapindukira kuna Ishe.
36 Zvino paJopa panga pano mukadzi waiva mudzidzi, waiitiwa Tabhita, ndokuti Dhokasi, kana zvichisanduhwa. Iye wanga adozara nomabasa yadonaka nokupereka zvipo. 37 Zvino nomazuva yakareyo adohwara, ndokupfa. Vadoti vashambidza mutumbi wache, vadouisa muimba yokumusoro. 38 Zvino Ridha zvaranga riri papfupi nopapfupi noJopa, pavadonzva kuti Pita ari kwakareko, vadomutumira vanhu vairi kuti vamukumbire vachiti, "Tapota rekai kuchehwa kuuya kwatiri." 39 Ipopo Pita adosumuka, ndokuenda navo. Adoti wasvika, vadomuperekedza kuimba yokumusoro chirikadzi dzese dzidomira naye dzichirira, vadomunangidza majasi nohembe, zvidoitiwa naDhokasi, achiri navo. 40 Pita adovabiritsa panze vese, ndokupfugama achinamata, adochunungukira kumutumbi ndokuti, "Tabhita, muka!" Wanga adopfa adovhura meso yache, zvino paadoona Pita, adobva wagarikika. 41 Adomubata janja ndokumusumudza, adodaidza vatsvene nochirikadzi, ndokumuisa pamberi pavo ari mupenyu. 42 Zvidozikana novese paJopa, vazinji vadotenda kuna Ishe. 43 Ipopo adogara mazuva mazinji paJopa, kuno umwe musuki womatehwe waiitiwa Simoni.