Publicidade

Atos 23

1 Zvino Phauro adonangaritsa kudare, ndokuti, "Hama, ndidorarama pamberi paMwari ndino hana idonaka kusvika pazuva ranasi." 2 Pakarepo muphirisita mukuru Ananiyasi adoraira vaye vanga vadomira naye kuti vamunzetemure pamuromopo. 3 Zvino Phauro adoti kwaari, "Mwari vachakurova iwepa madziro yadochenesewa kunze! Uri ngukhukhu kugarikika kuti unditonge maererano nomutemo, asi uchipikisana nomutemo pakuraira kuti ndirohwe?"

4 Vaye vanga vadomira panyasi vadoti, "Unotukana muphirisita mukuru waMwari?"

5 Ipopo Phauro adoti, "Handinai kuziva, hama, kuti ndiye muphirisita mukuru, nokuti kudonyohwa kuti, ‘Reka kunyaira zvidoipa pamusoro pomutongi wovanhu vako.’"

6 Asi Phauro paadoziva kuti chikwata chibodzi nyhovaSadhusi chimwe vaFarisi, adodaidzira mudare achiti, "Hama, ndiri muFarisi, mwanakomana womuFarisi, Nopamusaka potariro uye nokumuka kwovadopfa ndiri pakutongesewa."

7 Iye paadonyaira zvakarezvi, kupararana kudomuka pakati povaFarisi novaSadhusi, uye dare ridokamuka. 8 Nokuti vaSadhusi vanoti hakunai kumuka kwovadopfa, kana ngirozi, kana mweya, asi vaFarisi vanozvitambira zvese. 9 Nokudaro padoita ruzha ridokura, uye vamwe vanyori vochikwata chovaFarisi vadosumuka vachipikisa vachiti, "Hapanai zvidoipa zvataona pamurume wakareyu. Ko kana uri mweya kana ngirozi idonyaira naye?"

10 Zvino kupikisana pakudodzova nomunyonga, mukuru womauto, adocha kuti Phauro waidzoitiwa kanyama kanyama navo, adoraira mauto kuti vamutore nochisimba vachimubiritsa pakati pavo nokumuendesa kumuzinda womauto.

11 Usiku hudotevera Ishe adomira naye ndokuti, "Tsunga mwoyo, ndava sekupfakaza kwawaita pamusoro pangu muJerusarema, saka unofanira kupfakaza pakare kuRoma."

Rangano nozvoupenyu hwaPhauro

12 Pakwanga kwachena vaJudha vadoita chirangano ndokuzvipikira mhiko yokuti vaijaba kana kumwa kusvikira vabaya Phauro. 13 Vanga vadowanda zvokupindirira makumi manai vadorangana chiziriri. 14 Ipopo vadoenda kuvapirisita vakuru nokuvakuru, ndokuvati, "Tazvisunga zvidooma nokupika kurega kuraidza chokuja kusvikira tabaya Phauro. 15 Saka imipa, nodare perekai chiziviso izvozvi kumukuru womauto kuti vauye naye kwamuri, moita kunge munoda kunzvitsitsa nyaya yache chaiyo. Isisu tidotogadzirira kumubaya anati wasvika papfupi."

16 Zvino mwanakomana wohanzvadzi yaPhauro adonzva zvokuda kuhwandira kwavo; saka adoenda ndokupinda mumuzinda womauto achibva wataurira Phauro. 17 Zvino Phauro adodaidza umwe wovakuru vozana ndokuti, "Endesa mukomana uyu kumukuru womauto, ndava ano zvaanoda kumunyepa." 18 Saka adomutora ndokumuendesa kumukuru womauto achiti, "Phauro musungwa adondidaidza ndokundikumbira kuti ndiuye kwamuri nomukomana wakareyu, sezvo ano zvinhu zvokunyaira kwamuri."

19 Mukuru womauto adomubata ruoko, ndokuenda naye kwavo vega achimubvunza zvidohwanzika ndokumuti, "Chii chaunoda kundinyepa?"

20 Iye adoti, "VaJudha vadotenderana kukukumbirai kuti muunze Phauro kudare mangwana, fanike vanoda kudzobvunzitsitsa pamusoro pache vari papfupi. 21 Asi rekai kuvatetekera, nokuti vabiyavo vanodarika makumi manai vadoronga kumuhwandira, vadozvisunga nokupika kuti damba kuja kana kumwa kusvikira vamubaya, saka zvino vatogadzirira, vandomirira mvumo yenyu basi."

22 Saka mukuru womauto adoendesa mukomana, ndokumutsindikira achiti, "Reka kunyairira munhu kuti wandinyepa zvakarezvi."

Phauro Anotumihwa kuna Ferekisi Mutongi

23 Zvino adodaidza vakuru vozana vairi ndokuti, "Paawa yochitatu yousiku gadzirirai mauto mazana mairi pabodzi novarume vopamabhiza vanomakumi manomwe novarume mazana mairi vomapfumo kuti vaende zvokusvika, kuKesariya. 24 Unziraiwo Phauro bhiza nochokugarira, momusvitsa adochengeteka kunaFerekisi mutongi." 25 Uye adonyora tsamba idodai,

26 "Khiraudhiyasi Raisiyasi kuna Anoremekedzewa mutongi Ferekisi, moroi. 27 Munhu uyu adobatiwa novaJudha, uye wanga akutobaiwa navo, pandidovasvikira ndinomauto ndokumusvokodza, pandidonzvitsitsa kuti iye muRoma. 28 Uye pakuda kunzvitsitsa mhosva yavaimunenedzera, ndidomuendesa kudare ravo, 29 Ndidoona kuti wainenedzehwa zvinochokuita nomibvunzo yomutemo wavo, asi kutongewa kusinai chingade ipfa kana torongo. 30 Zvino pazvidoisiwa pachenu kwandiri kuti panga patoita kuhwandihwa kwomunhu wakareyu, ndidomutumira kwamuri kamangu, nokuraira vapikisi vache kuti vatsanangure pamberi penyu zvavanopikisana naye."

31 Saka mauto, zvidoenderana nokuraihwa kwavo, vadotora Phauro ndokumuendesa usiku kuna Andipatirisi. 32 Mangwana yacho vadodzokera kumuzinda, vachisiya vomabhiza kuti vaende naye. 33 Pavadosvika kuKesariya vachipasa tsamba kunomutongi, vadoperekawo Phauro pamberi pache. 34 Paadoverenga tsamba, adobvunza dunhu rache kuti ndipi. Paadoziva kuti waibva kuSirisiya 35 adoti, "Ndichakunzva kana vanenedzeri vako vasvika." Zvino adoraira kuti achengetewe ari mumuzinda waHerudhe.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-19_11-20-24-