Publicidade

Atos 25

Phauro Anokwidza Nyaya kunaSiza

1 Zvino Fesitasi paadouya mudunhu rache, mumasure momazuva matatu adoenda kuJerusarema achibva kuKesariya. 2 Ipopo vaphirisita vakuru novakuru vovaJudha vadomuzivisa zvavaipikisana naPhauro, ndokumuteterera, 3 vachimukumbira tsvete kuti murume wakareyo atumihwe kuJerusarema, vachironga kudzomuhwandira vomubaya munzira. 4 Fesitasi adopindura kuti Phauro adochengetewa kuKesariya, uye iye pachake waitarisira kuenda kwakareko nokamangu. 5 Adoti, "Saka itai kuti, vakuru pakati penyu vaende neni, uye kana pano zvidonyangara pamunhu wakareyu, mbavamunenere." 6 Paadogara pakati pavo kwomazuva yasingapfuure masere kana gumi, adoenda kuKesariya, uye pazuva ridotevera adogara pamupando wache nodare ndokuraira kuti vauye naPhauro kwaari. 7 Zvino paadouya, vaJudha vanga vabva kuJerusarema vadomira vadomukomberedza, vachimunenedzera mirandu mizinji idokuritsa yavadotadza kupasa umboo hunogutsa. 8 Phauro pakuzvidairira adoti, "Handinai chidoipa chandidoita kana kupikisana nomutemo wovaJudha, kana kupikisana noimba yaMwari, kana kupikisana naSiza."

9 Asi Fesitasi pakuda kuitira tsvete vaJudha, adoti kuna Phauro, "Unoda chere kuenda kuJerusarema, kuti watongewa kwakareko pamusoro pomirandu yakarei pamberi pangu?"

10 Asi Phauro adoti, "Ndiri kudzomira pamberi podare raSiza, pandinofanira kuyedzewa, kuvaJudha hapanai chandidoita chidonyangara, sezvamunonatsa kuziva. 11 Kana ndiri muiti wozvidonyangara, uye ndidopara chimwe chinhu chandinofanira kupfira, handisi kutsvaga kunzvenga ipfa, asi kana pasinai chiripo pakundinenedzera kwavo, hapanai anokodzero yokundiisa kwavari. Ndinokwidza nyaya yangu kunaSiza."

12 Pakarepo Fesitasi, paadorangana nodare, adopindura achiti, "Wakwidza nyaya kuna Siza, saka uchaenda kuna Siza."

Phauro pamberi paAgiripa naBhenisi

13 Zvino mazuva mashoma yadoti yapera, mambo Agiripa naBhenisi vadosvika kuKesariya kotambira Fesitasi. 14 Sezvo vadogara pakarepo mazuva mazinji, Fesitasi adoisa nyaya yaPhauro pamberi pamambo, achiti, "Panomunhu adosiiwa naFerikisi ari muusungwa, 15 uye pandanga ndiri kuJerusarema vaphirisita vakuru novakuru vovaJudha vadondizivisa pamusoro pache, vachikumbira kuti atongehwe kuisiwa mutorongo. 16 Ndidovapindura kuti haisi tsika yochiRoma kupereka munhu upi zvache kana munenedzehwi wacho asinati wakumana chiso nochiso novanenedzeri, uye asinati wawana mukana wokuzvidairira pamirandu yaari kunenedzehwa. 17 Zvino pavadodzouya kuno pabodzi, handinai kuchehwa, asi pazuva ridotevera ndidogara pamupando wangu padare ndokuraira kuti vauye nomurume wacho. 18 Zvino vanenedzeri pavadosumuka, havanai kupasa umboo hunobatika panyaya yache sezvandaitarisira, 19 Asi vanga vanozvimwe zvavanga vachipikisana naye pamusoro pozvavanotenda uye nopamusoro poumwe anoitiwa Jesu, wanga adopfa, asi Phauro achisimbisa kuti mupenyu. 20 Ndidokundikana kuwana zvinobatika pamusoro ponyaya yakarei, ndidomubvunza kana waida kuenda kuJerusarema kotongewa kwakareko pamusoro pomirandu yakarei. 21 Asi Phauro paadokwidza nyaya yache adoda kuchengetewa muusungwa kuti adzotongewa nomutongi Siza. Saka ndidomuraira kuti achengetewe kusvikira ndadzomutumira kuna Siza."

22 Ipopo Agiripa adoti kunaFesitasi, "Ndinoda kumunzva murume wakareyu pachangu."

Iye adoti, "Muchamunzva mangwana."

23 Saka mangwana yacho Agiripa naBhenisi vadouya vadosimira mbacha dzinodhura dzidonakitsa, ndokupinda muimba ikuru yokutongera vano vakuruvakuru vomauto novakuru voguta. Zvino nokuraira kwaFesitasi vadouya naye Phauro. 24 Fesitasi adoti, "Mambo Agiripa naimipa mese muri pano, munoona murume wakareyu wandidokumbihwa pamusoro pache novanhu vese vochiJudha, vese vokuJerusarema nopano, vachidaidzira kuti haafaniri kuenderera mberi nokuchira. 25 Asi ndidowana kuti haanai chaadoita chingamusvitse paipfa, uye iye pachake zvaakwidza nyaya kuno mutongi mukuru, ndasarudza kumuendesa. 26 Asi handinai chaicho chokunyora kunaishe wangu pamusoro pache. Saka ndamuunza pamberi penyu, uye kunyanya pamberi penyu, mambo Agiripa, kuti, mumasure mokumuongorora, ndiwanewo chokunyora. 27 Nokuti kwandiri zvinova zvisinai hwenye, kutumira musungwa, pasinai kunangidza murandu waanonenedzehwa."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-19_11-20-24-