1 Panguwa inenge yakareyo mambo Herudhe adosunga vamwe vanga vari vokherekhe achivatambudza. 2 Adobaya Jakobho, waiva mukoma nomunin'ina’ina naJohwani, nobakatwa, 3 zvino paadoona kuti zvidopfadza vaJudha, adoenderera mberi nokusunga Pita pakamu. Zvakarezvi zvidoitika pamazuva yomutambo woMazingwa yasinai Mbiriso. 4 Zvino paadomubata, adomuisa mutorongo, ndokumuisa kumapoka manai yovahwi, kuti vamuchengete, achida kuti mumasure moPhasika adzomuisa pamberi povanhu. 5 Saka Pita adochengetewa mutorongo, asi wanga achinyengeterehwa chaizvo noKherekhe kunaMwari.
6 Usiku hwakarehwo Herudhe hwaaida kumubiritsa, Pita wanga adoenzera pakati pomauto mairi, adosungiwa nongetani dziiri. uye vachengetedzi votorongo vanga vadogaririra pamusuwo. 7 Zvino nokamangu ngirozi yaIshe idooneka, chiedza ndokuvheneka mukamuri, ngirozi idorova Pita padivi ichimumutsa, ichiti, "Muka, nokamangu." Zvino ngetani dzidombwera kubva mumanja yache. 8 Zvino ngirozi idoti kwaari, "Simira hembe dzako noshangu dzako." Iye ndokuita zvakarezvo. Adoti kwaari, "Simira bhachi rako unditevere." 9 Adobirika, ndokumutevera, haanai kuziva kuti zvaiitiwa nongirozi nzvochaizvo, asi adofunga kuti wanga achiona chiratidzo. 10 Pavanga vapfuura muchengetedzi wokuthanga nowochipiri, vadosvika pasuwo rosimbi panopindiwa napo muguta, ridovavhurikira rega, vadobirika vachipinda munzira, pakarepo ngirozi idobva yamusiya.
11 Zvino Pita adochechuka, ndokuti, "Zvino ndino chokwadi kuti Ishe adotuma ngirozi yache kudzondipukunyutsa pajanja raHerudhe nopazvese zvaitarisihwa novanhu vochiJudha."
12 Paadoziva zvakarezvo, adoenda kumba kwaMariya, amai vaJohwani anoitiwa Mariko, kwanga kudoungana vanhu vazinji vachinyengetera. 13 Zvino paadogugudza pasasa, murandasikana waiitiwa Rodha adouya kudzodaira. 14 Nokuziva dzinga raPita, haanai kuvhura sasa nokufara asi adomhanyira mukati konyairira vamwe kuti Pita adomira pamusuwo. 15 Ivo vadoti kwaari, "Unopenga." Asi iye adosimbisa kuti ndizvo. Ivo vadoti, "Ingirozi yache!"
16 Asi Pita adoramba achigugudza, pavadodzovhura vadomuona vakashamisika. 17 Zvino iye adovaninira nojanja rache kuti vanyarare, adovatsanangurira mutoo Ishe waadomubiritsa nawo mutorongo. Adoti, "Nyepai Jakobho nodzimwe hama zvakarezvi." Ipopo adobva wabirika ndokuenda kuimwe nzvimbo.
18 Zvino kudzoti zuva rabuda, padoitaba bongozozo ridiki pakati pomauto pamusoro pokuti chii changa chaitika kuna Pita. 19 Uye Herudhe paadomutsvaga achimusaya, adobvunzitsitsa vachengetedzi votorongo ndokuraira kuti vabaiwe.
Zvino adodzika achibva kuJudhiya kuenda kuKesariya ndokugara kwakareko.
20 Zvino Herudhe adoitira ukari vanhu vokuThire novokuSidhoni, ivo ndokuuya kwaari vano pfungwa ibodzi, vabva kupenzveredza Bhurasitosi, mutariri woimba yamambo, vadokumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipona nonyika yamambo pazvokuja.
21 Pazuva ridotahwa Herudhe adosimira hembe dzoumambo, ndokugarikika pamupando wache woushe, achinyaira kwavari. 22 Ipopo Vanhu vadodaidzira vachiti, "Rakareri izvi ramwari ranyaira aikona romunhu." 23 Nokamangu ngirozi yaMwari idomuroverafuti pakarepo, nokuti haanai kupasa Mwari rukudzo, adojiwa nohonye ndokupfa.
24 Asi shoko raMwari ridokura rikawanda.
25 Zvino Bhanabhasi naSauro, pavanga vapedza basa ravo vadodzoka kubva kuJerusarema, vachiuya naJohwani anoitiwa Mariko.