Publicidade

Atos 8

1 Sauro wanga achibvumirana nokubaiwa kwache.

Sauro Anotambudza Kherekhe

Zvino pazuva rakarero kutambudziwa kukuru kwokherekhe muJerusarema kudomuka, vadopwamwadziwa vese vachienda mumatunhu yese yoJudhiya noSamariya, ndokundosara nhumwa. 2 Varume vadorurama vadoviga Sitefani, vachimurira zvidokungudza.

3 Asi Sauro adothanga kuparadza kherekhe, achipinda imba noimba, achizvuzvurudza vanhurume novanhukadzi achivaisa mutorongo.

Vhangeri Rinoparidziwa muSamariya

4 Zvino avo vadopwamwadziwa vadoenda vachiparidza shoko. 5 Firipi adoenda kuzasi kuguta roSamariya, achiparidza Khirisitu kwavari. 6 Gurusvusvu ridotetekera nomwoyo mubodzi zvainyaihwa naFiripi, vachinzva nokuona zviratidzo zvaanga achiita. 7 Nokuti mweya yotsvina idobirika muvanhu vazinji vanga vadopotehwa nayo, ichikuwa noruzha rikuru, uye vazinji vanga vari zvirema nomhetamakumbo vadoporesewa. 8 Nokudaro mudova nomufaro mukuru muguta rakarero.

9 Asi kare kwanga kuno murume waiitiwa Simoni waimboita zvomapipi mugutamo achishamisa vanhu voSamariya, achitodumba kuti iye mukuru. 10 Vese vaiteerera kwaari, kubva pamudiki kusvika kumukuru, vachiti, "Murume wakareyu anoitiwa Simba Rikuru raMwari." 11 Vadomutevera ndava wanga wavashamisa kwonguwa irefu nomapipi yache. 12 Asi pavadotenda Firipi paaiparidza nyaya idonaka pamusoro poumambo hwaMwari nozita raJesu Khirisitu, vadoombekewa, vese vanhurume novanhukadzi 13 Naiyewo Simoni pachake adotenda, mumasure mokuombekewa adoramba achitevera Firipi kwesekwese, achishamisiwa paaiona zviratidzo zvikuru nominana zvaiitiwa naFiripi.

14 Zvino nhumwa paJerusarema pavadonzva kuti Samariya ratambira shoko raMwari, vadotuma Pita naJohwani kwavari, 15 ivo vadoenda kovanamatira kuti vatambire Mweya Mutsvene, 16 nokuti wanga unati waburuka kana nokumubodzi wavo zvache, asi vanga vandoombekewa muzita raIshe Jesu basi. 17 Ipopo vadoturika manja yavo pamusoro pavo vachibva vatambira Mweya Mutsvene.

18 Manje Simoni paadoona kuti Mweya wapasiwa nokuturikiwa pamusoro kwomanja yonhumwa, adovapasa mari, 19 achiti, "Ndipaseiwo simba rakareri, kuti wese wandinenge ndaturika manja yangu pamusoro atambire Mweya Mutsvene."

20 Asi Pita adoti kwaari, "Sirivha yako mbaiparadziwe pabodzi naiwewe, nokuti udofunga kuti ungatenge chipo chaMwari nomari! 21 Haunai chikamu kana mugove pachinhu chakarechi, nokuti mwoyo wako haunai kukohoroka pamberi paMwari. 22 Pinduka ndipo paunyangadzi hwakohu, unamate kuna Ishe kuti, kana zvichikwanisika, uregerehwe pachinangwa chomwoyo wako. 23 Nokuti ndinoona kuti udozara noukari nochanje uri musungwa wochitadzo."

24 Pakarepo Simoni adopindura achiti, "Ndinamatirei kuna Ishe, kuti pareke kuva nochibodzi chozvamanyaira chingandiwire." 25 Zvino vadoti vapfakaza nokunyaira shoko raIshe, vadodzokera kuJerusarema, vachiparidza nyaya idonaka kumisha mizinji yomuSamariya.

Firipi noMukurumukuru woItopiya

26 Asi ngirozi yaIshe idoti kuna Firipi, "Sumuka, uende udonanga kuchamhembe kunzira inodzika ichibva kuJerusarema ichienda kuGaza." Iyi inzira yomugwenga. 27 Iye adosumuka achienda. Adobva waona murume anokosha wokuItopiya, waiva muranda waKhandasi, zvinoreva kuti mambokadzi woItopiya. Murume iyeyo waiva muchengeti wopfuma yese yoItopiya, futi wanga waenda kuJerusarema konamata. 28 Pakudzoka kwache kumba wanga adogarikika mungoro yache achiverenga kuna muporofiti Isaya. 29 Mweya adoti kuna Firipi, "Nyedza papfupi nongoro urambe uri papfupi nayo." 30 Saka Firipi adomhanyira kungoro ndokumunzva murume uye achiverenga muporofiti Isaya. Firipi adomubvunza achiti, "Ko uri kunzvitsitsa chere zvauri kuverengazvo?"

31 Iye adoti adoti kuna Firipi, "Anga ndinganzvitsitse tini pasinai anondirairira?" Saka adobva wakoka Firipi kuti akwire agare naye. 32 Zvino ndima yogwaro raanga achiverenga njiyi,

"Sehwai rinoisiwa kumubai

kana hwayana risingarire pamberi pomugeri warene, adonyarara,

haanai kushamisa muromo wache.

33 Pakuzvidziwa kwache, kururamisihwa adokurambihwa.

Mbani angatsanangure rudzi rache?

Ndava upenyu hwache hunobisiwa panyika."

34 Muranda adoti kunaFiripi, "Ndinokumbirawo kuziva, mbani ari kurehwa nomuporofiti, ari kuzvireva chere kana kuti ari kureva umwewo?" 35 Ipopo Firipi adothanga pagwaro rakareri ndokumuparidzira nyaya idonaka yaJesu. 36 Manje pavanga vachitekaira daro nonzira vadosvika panga pano mvura, muranda waKhandasi adoti, "Ona, mvura iri pano! Chiiko chinganditadzise kuombekewa?"

37 Zvino Firipi adomuti, "Kana uchitenda nomwoyo wake wese, zvinoita kuti uwombekewe." Zvino iye adopindura achiti, "Ndinotenda kuti Jesu Khirisitu ndiye mwanakomana waMwari." 38 Firipi adoraira kuti ngoro imisiwe, zvino vese vadopinda mumvura, Firipi ndokuombeka muranda. 39 Zvino vadoti vachibirika mumvura, Mweya waIshe udobvuta Firipi, muranda haanai kudzomuona pakamu, iye adotekaira hwendo hwache achifara. 40 Asi Firipi adowanika paAzoto, paaipinda waiparidza vhangeri pamaguta yese kusvikira wasvika kuKesariya.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-