Publicidade

Atos 11

Pita anozvidairira kuKherekhe yopaJerusarema

1 Zvino nhumwa nohama dzanga dziri paJudhiya vadonzva kuti voyamwe Marudzi vasiri vaJudha vadotambirawo shoko raMwari. 2 Zvino Pita paadoenda kuJerusarema, vatendi vokuchecheudziwa vadopikisana naye, 3 vachiti, "Seiko iwewe udoenda kuvarume vasinai kuchecheudziwa uchija navo?" 4 Zvino Pita adothanga kuvatsanangurira mukuteedzana kwazvene.

5 "Ndanga ndiri muguta roJopa ndichinyengetera, ndidobatiwa datsi ndidoona chiratidzo, chimwe chinhu chidoburuka, chinenge biza rikuru, chichiburutsiwa kubva kudenga chino makona manai, chichibva chasvika kwandiri. 6 Pandidochinangaritsa ndidoona mhuka dzomakumbo manai nozvirombo zvomusango, nozvinosvova notushiri tokudzuru. 7 Ndidonzva izvi richiti kwandiri, ‘Sumuka, Pita, baya uje.’ 8 Asi inini ndidoti, ‘Neye, Ishe, ndava hapanai chisinai kuchena kana chinotsambwa chidombopinda mukamwa mangu.’ 9 Asi izvi ridopindura kochipiri kubva kudenga richiti, ‘Chidonatsiwa naMwari, reka kumboti chinotsambwa.’ 10 Zvakarezvi zvidoitika katatu, zvichibva zvakwidziwa kudenga pakamu. 11 Panguwa yakareyo varume vatatu vadosvika pamumba patanga tiri, vadotumiwa kwandiri kubva kuKesariya. 12 Zvino Mweya adondiudza kuti ndiende navo, ndisingaite rusaruro. Hama idzi dzitanhatu dzidoendawo neni, tikapinda mumba momurume wakareyu. 13 Iye achakunyepai maonero yaadoita ngirozi idomira mumba mache, ichiti, ‘Tumira kuJopa kodaidza Simoni, anoitiwa Pita, 14 iye achakunyairira shoko rauchaponesewa naro, iwewe noimba yako yese.’ 15 Ndichindothanga kunyaira, Mweya Mutsvene adoburuka pamusoro pavo sezvaadoita patiri pakuthanga. 16 Zvino ndidoyeuka shoko raIshe, paadoti, ‘Johwani adoombeka nomvura, asi muchaombekewa naMweya Mutsvene.’ 17 Zvino kana Mwari adovapasawo chipo chibodzibodzicho chaadotipasa isisu patidotenda muna Ishe Jesu Khirisitu. Inini ndini yani kuti ndirambidze Mwari?"

18 Pavadonzva zvakarezvo vadonyarara. Ndokukudza Mwari vachiti, "Saka Mwari adopasawo yamwe Marudzi kutendeukira kuupenyu."

Kherekhe yopaAndiyoki

19 Zvino avo vadopwamwadziwa nokuda kwokutambudziwa kudomuka pamusoro paSitefani, vadoenda kusvikira paFonisiya nokuSaipurasi noAndiyoki, vasinganyairire shoko vamwe kusiya kwovaJudha basi. 20 Asi padoita vamwe pakati pavo, varume vokuSaipurasi noSairini, vadoti vasvika muAndiyoki, vadonyairirawo vaGiriki, vachiparidza Ishe Jesu. 21 Uye Mwari adoenderera mberi achivabatsira, nokudaro vanhu vazinji vadotenda vachizviisa kuna Ishe.

22 Nyaya yakarei idosvika munzeve dzokherekhe yopaJerusarema, vachibva vatuma Bhanabhasi kuAndiyoki. 23 Iye paadosvika achiona mutsa waMwari, adofara, ndovakurudzira vese kuti varambe vadotendeka kuna Ishe nokuchinangwa chidosimba, 24 nokuti waiva murume adonaka, adozara naMweya Mutsvene nokutenda. Vazinji vadoingidzihwa kuna Ishe.

25 Zvino Bhanabhasi adoenda kuThasasi kotsvaga Sauro, 26 uye paadomuwana, adouya naye kuAndiyoki. Kwogore rese vaiungana nokherekhe, vachidzidzisa vanhu vadowanda, uye paAndiyoki vadzidzi ndipo pavadothanga kudaidziwa kuti vaKhirisitu.

27 Zvino pamazuva yakareyo vaporofiti vadouya kuAndiyoki vachibva kuJerusarema. 28 Umwe wavo waiitiwa Agabhasi adosumuka ndokunyaira zvichauya kuburikidza naMweya Mutsvene kuti kuchauya nzara itsvuku pasi pese, uye izvozvo zvidoitika pamazuva yaKiraudhiyasi. 29 Ipopo vadzidzi vadomisikidza, kuti munhu wese paanokwanisa napo, atumire ruyamuro kuhama dzaigara kuJudhiya, 30 vadobva vaita zvakarezvo, ndokutumira zvipo zvavo kuvakuru kuburikidza naBhanabhasi naSauro.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-