1 Zvino zuva roPendekositi paridosvika, vese vanga vari pabodzi, panzvimbo ibodzi. 2 Pakarepo nokamangu kuunga kudobva kudenga kunenge kwomhepo inovhuvhuta nosimba, kudozaza imba yese mavanga vadogarikika. 3 Uye vadoona marimi yanenge yomoto, yachiparadzana nokuvhoda pamusoro poumwe noumwe wavo. 4 Vese vadozaziwa naMweya Mutsvene ndokuthanga kunyaira noimwe mitauro, sekupasiwa kwavadoitiwa naMweya.
5 Zvino paJerusarema panga padogara vaJudha vaicha Mwari kubva kunyika dzese dzopasi pano. 6 Pavadonzva kuunga kwakareku gurusvusvu rovanhu ridoungana pabodzi, vadoshamisika maninge ndava umwe noumwe adovanzva vachinyaira nomutauro wache. 7 Vadokanganisika vese nokushamisika, ndokuti, "Anga ivova vese vanonyairava mbaGaririyaba nai? 8 Zvino seiko, umwe noumwe wedu tikuvanzva vachinyaira nomutauro wedu watidozvahwa nawo? 9 VaPhatiya novaMidhiya novaIrami novanogara kuMesopotamiya, Judhiya noKapadhokiya, Pondasi noEzhiya, 10 Firigiya noPhamufiriya, Ijipiti nomativi yonyika dzoRibhiya dziri panyasi noKurini, novarendo vadobva kuRoma, 11 vaJudha novadopindukira kuchitendero chochiJudha, vaKhirete novaArabhiya, tinovanzva vachinyaira nomitauro yedu mabasa makurufutiyo yaMwari." 12 Vadoshamisika vese nokukanganisika ndokunyairirana vachiti, "Anga zvakarezvi zvinorevei?"
13 Asi vamwe vadovanyomba vachiti, "Vakorewa nowaini vaimwitsa."
14 Asi Pita, adomira novanogumi nomubodzi, adosumudza dzinga rache ndokuvaparidzira achiti, "Varume vokuJudhiya novese vanogara muJerusarema, rekai ndikutsanangurirei zvinhu zvakarevi motetekeretsa zvandinokunyepai. 15 Nokuti varume vakareva havanai kukorewa sezvamuri kufunga imipa, zvadzichiri nguwa dzochipfemba dzomangwanani. 16 asi zvakarezvi ndizvo zvidonyaihwa namuporofiti Juweri achiti,
17 ‘Mwari anoti mumazuva yokupedzisira,
Ndichadurura Mweya wangu pamusoro povanhu vese,
vanakomana venyu novanasikana venyu vachaporofita,
majaha yenyu vachaona zviratidzo,
noharahwa dzenyu dzicharota hope,
18 Inde, kana nopamusoro povaranda vangu vanhurume novanhukadzi
ndichadurura Mweya wangu, mumazuva yakareyo vachaporofita.
19 Uye ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro,
nozviratidzo panyika pasi,
magazi, nomoto, nokupwititika kwoutsi,
20 zuva richasanduriwa kuva rima
nomwedzi uchasanduriwa kuva gazi,
zuva raIshe rikuru rinoshamisa risinati rasvika.
21 Zvino wese anodaidza kuzita raIshe achaponesewa.’
22 Hama vaIzirairi, tetekerai mashoko yakareya, Jesu woNazareta, murume adoisiwa kwamuri naMwari nomabasa yosimba nozvishamiso nozviratidzo zvidoitiwa naMwari kuburikidza naye pakati penyu, sezvamunozviziva imipa pachenyu, 23 Murume wakareyu Jesu, adoisiwa kwamuri maererano nourongwa chaihwo hwaMwari nokuziva kwache zviri kumberi, imipa mudomurovera pamuchinjikwa ndokumubaya kuburikidza nomanja yovanhu vadoipa. 24 Asi Mwari adomumutsa, kubva kuvadopfa achimusunungura kubva kumahwadzo yoipfa, nokuti zvaikonekaba kuti ipfayo irambe idomubata. 25 Nokuti Dhavhiti adonyaira pamusoro pache achiti,
‘Ndidoona Ishe pamberi pangu nguwa dzese,
nokuti ari kuruji kwangu, kuti ndireke kugwetedzewa.
26 Nokudaro mwoyo wangu unofara
nochirimi changu chinofaritsa,
uyewo muviri wangu,
uchazorora mutariro,
27 nokuti munosiyaba mweya wangu uri munzvimbo yovadopfa,
kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
28 Mudondizivisa nzira dzoupenyu,
muchandizaza nokufara muhuvepo hwenyu.’
29 Hama vaIzirairi, ndinokunyairirai pachenu zvateteguru vedu Dhavhiti, kuti iye adopfa, ndokuvikhiwa, guwa rache riri pakati pedu kusvikira nasi 30 Asi wanga ari muporofiti, waiziva kuti Mwari adomupikira mhiko yokuti achagadza pamupando wache woushe umwe wozvizvahwa zvache. 31 adoona zvanga zvichidzouya pamberi, ndokunyaira pamusoro pokumuka kwoMuponisi, kuti
haanai kusiiwa ari munzvimbo yovadopfa,
nomuviri wache haunai kuona kuora.
32 Mwari adomutsa wakareyu Jesu kubva kuvadopfa isisu tese tiri pfakazi dzozvakarezvi. 33 Zvino paadosumudzihwa kujanja roruji raMwari, adopasiwa chipikihwa choMweya Mutsvene kubva kunaBaba, wadzodurura zvakarezvi zvamuri kuona nokunzva. 34 Nokuti Dhavhiti haanai kukwira kudenga, asi iye adoti pachake,
‘Ishe adoti kuna Ishe wangu,
garikika kujanja rangu roruji,
35 kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chotsoka dzako.’
36 Zvino imba yese yovaIzirairi mbaizvizivitsitse kuti Jesu wakareyu, wamudorovera, Mwari adomuita zvese Ishe naMuponisi."
37 Zvino vanhu pavadonzva zvakarezvi, vadobaiwa pamwoyo ndokuti kuna Pita nodzimwe nhumwa, "Hama, anga manje toita tini?"
38 Pita adoti kwavari, "Pindukai umwe noumwe wenyu aombekewe muzita raJesu Khirisitu kuti murekerehwe zvitema zvenyu, uye muchatambira chipo choMweya Mutsvene. 39 Nokuti chipikihwa nyhenyu novana venyu, novese vari kurefurefu vachadzodaidziwa naIshe Mwari wedu."
40 Uye adopfakaza noyamwe mashoko mazinji achivayambira nokuvakohomedza achiti, "Zviponesei kubva parudzi rakareri ridoipa." 41 Zvino avo vadotambira shoko rache vadoombekewa, zuva rakarero vanhu vanoda kusvika kuzviuru zvitatu vadoingidzihwa kuungano yavo. 42 Vadozvipira kudzidziso dzonhumwa nopakuwadzana, nopakukomora mazingwa, nopaminyengetero.
43 Kucha kudouya kuvanhu vese, nokuda kwozvishamiso nozviratidzo zvizinji zvidoitiwa nonhumwa. 44 Vatendi vese vanga vari pabodzi vaiti zvinhu zvese nzvedu tese. 45 Vadotengesa pfuma yavo nozvinhu ndokuzvikovera kuno vese, umwe noumwe pakushaiwa kwache. 46 Zuva rimwe norimwe, vaikumana muimba yaMwari vari pabodzi, vachikomora mazingwa mudzimba dzavo, vachija zvokuja zvavo nomufaro, nomwoyo udonaka, 47 Vachirumbidza Mwari, vachidiwa novanhu vese, zuva rimwe norimwe Ishe adoingidzira vaiponesewa.