Publicidade

Atos 16

Timoti Anoenda pabodzi naPhauro naSairasi

1 Adosvikawo paDhebhe nopaRisitira. Mudzidzi wanga ari pakarepo, waiitiwa Timoti, mwanakomana womukadzi muJudha wanga ari mutendi, asi baba vache vaiva muGiriki. 2 Iye waipfakazihwa zvidonaka nohama dzopaRisitira nopaIkoniyo. 3 Phauro waida kuenda naTimoti, saka adomutora ndokumuchecheudza nokuda kwovaJudha vanga vari kunzvimbo dzakaredzo, ndava vese vaizviziva kuti baba vache vaiva muGiriki. 4 Zvino vadoenda hwendo hwavo vachipinda nomumaguta, vachivapasa dzidziso dzokuti vachengete mirau yanga yaitiwa nonhumwa novakuru vaiva kuJerusarema. 5 Nokudaro kherekhe dzidosimbisiwa pakutenda, futi dzidoingidzika pakuwanda kwovanhu zuva rimwe norimwe.

Chiratidzo chaPhauro muThiroasi

6 Vadopinda nomumatunhu yoFirigiya noGaratiya, vabva kurambidziwa naMweya Mutsvene kunyaira shoko paEzhiya. 7 Zvino pavadosvika padonangarana noMizhiya, vadoedza kupinda muBhitiniya, asi Mweya waJesu haunai kuvabvumidza. 8 Vapfuura paMizhiya, vadosvika kuTiroasi. 9 Zvino chiratidzo chidoonewa naPhauro usiku, murume wokuMakedhoniya wanga adomira achimukumbira achiti, "Yambukiraiwo kuno kuMakedhoniya mutibatsire." 10 Zvino paadoona chiratidzo, tidotsvaga nokamangu kuenda Makedhoniya tichiti, Mwari watidaidza kovaparidzira vhangeri.

KuPinduka kwaRudhiya paFiripi

11 Tichisumuka kubva paTiroasi nochikepe, tidonanga kuSamoturasi, mangwana yacho tidosvika paNeyapori, 12 kubva pakarepo tidoenda kuFiripi, rinova guta rikuru rodunhu roMakedhoniya, riri pasi poRoma. Tidogara muguta rakarero kwomazuva, 13 pazuva roSabata tidobirika kunze kwosuwo rikuru kuhwizi, kwataiti kuno nzvimbo yokunamatira, zvino tidogara pasi tichinyaira kuvakadzi vanga vaungana pabodzi. 14 Umwe adotinzva wanga ari mukadzi waiitiwa Rudhiya, waibva muguta roTiyatira, mutengesi womachira yadotsvukuruka, wanga ari munamati waMwari. Ishe vadovhura mwoyo wache kuti anzve zvainyaihwa naPhauro. 15 Paadoombekewa, iye novoimba yache, adotikumbira achiti, "Kana maona ndidotendeka kuna Ishe, uyai kumba kwangu mugare." Uye adotipenzverera.

MuTorongo paFiripi

16 Zvino pataienda panzvimbo yokunamatira, tidosangana nomuranda wochisikana wanga ano mweya wosvikiro, waiwanisa atenzi vache mari izinji nokuwombeza kwache. 17 Iye adotevera Phauro naisisu, achidaidzira achiti, "Varume vakareva varanda vaMwari Wokumusorosoro, vanokuparidzirai nzira yoruponiso." 18 Adoita zvakarezvo mazuva mazinji. Zvino Phauro adosemburiwa nazvo, ndokubva wachungunuka achiti kumweya, "Ndinokuraira muzita raJesu Khirisitu kuti ubirike maari." Udobirikirafuti nonguwa yakareyo. 19 Zvino varidzi vache vadoti vachiona kuti tariro yokunota kwavo yaenda, vadobata Phauro naSairasi, vachivazvuvira kudare pamberi povatongi, 20 pavadovaendesa kuvatongi, vadoti, "Vanhu vakareva vaJudha uye vari kukanganisa guta redu, 21 vanotiparidzira tsika dzatisingabvumihwe isisu vaRoma kuti tidzitambire, kana kudzitevera." 22 Zvino mhomho idopindira pakuvahwisa,

uye vakuru vovatongi vadovakerurira hembe, ndokuraira kuti vabutiwe notsvimbo. 23 Zvino pavadovashapura zvidokungudza, vadovakhanda mutorongo, ndokuraira muchengeti wotorongo kuti avachengetetse. 24 Waraihwa, adovaisa mutorongo romukatikati, adosungirira makumbo yavo pamatanda.

25 Asi panenge pakati pousiku Phauro naSairasi vainamata nokuimbira Mwari zvimbo, uye vamwe vasungwa vanga vachivatetekera. 26 Kabodzi nokabodzi padova nokugwetedzeka kwonyika kukuru, zvokuti nheyo dzotorongo dzidozunguzika, pakarepo misuwo yese idovhurika uye misungo yomunhu wese idopfudzunuka. 27 Zvino muchengeti wotorongo paadopepuka ndokuona misuwo yotorongo idovhurika, adovhomora bakatwa rache achida kuzvibaya, achifunga kuti vasungwa vatsvudumuka. 28 Asi Phauro adodaidzira nodzinga ropamusoro achiti, "Reka zvako kuzvikuwadza. Tiripo tese!"

29 Ipopo adodaidzira moto ndokumhanyira makaremo, achitetemera nokucha adowira pasi pamberi paPhauro naSairasi, 30 adovabiritsa kunze ndokuti, "Varume, chii chandinofanira kuita kuti ndiponesewe?"

31 Ivo vadoti, "Tenda muna Ishe Jesu, uchaponesewa, iwewe novoimba yako." 32 Vadonyaira shoko raIshe kwaari novese vanga vari mumba mache. 33 Adovatora nonguwa yakareyo yousiku, ndokusuka zvironda zvavo, achibva waombekehwerafuti pakarepo, iye nomhuri yache yese. 34 Paadoenda navo mumba mache, adovapasa zvokuja, adofara novoimba yache vese kuti, wanga watenda muna Mwari.

35 Asi pakudochena, vatongi vomhosva vadotuma mapurisa, vachiti, "Biritsai vanhu vaye."

36 Muchengeti wotorongo adonyepa Phauro mashoko iyoyo, achiti, "Vatongi vatumira shoko rokuti mubiritsiwe, saka zvino birikai muende norugare."

37 Asi Phauro adoti kwavari, "Vadotirova paruzinji, tisinai kutongewa isisu tiri nzvahwa dzokuRoma, vachitotiisa mutorongo, zvino vaakutibiritsa kabisira? Neye! Mbavauye ivo vatibiritse."

38 Mapurisa yadonyepa vatongi mashoko yakareya, ivo vadocha pavadonzva kuti vanga vari nzvahwa dzokuRoma, 39 saka vadouya vachikumbira ruregerero kwavari. Zvino vadovabiritsa ndokuvakumbira kuti vabirike muguta. 40 Saka vadobirika mutorongo, ndokubvakachira Rudhiya, vadoti vaona hama, vadovakurudzira vachibva vaenda.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-19_11-20-24-