Publicidade

Atos 17

MuThesaronika

1 Zvino Phauro naabiyache pavadodarika nopaAmufiporisi noAporoniya, vadosvika paThesaronika, panga pano sinagoge rovaJudha. 2 Zvino Phauro adopinda mukati setsika yache, uye kwomasondo matatu adopikisana navo kubva mumagwaro, 3 achitsanangura nokuratidza kuti zvanga zvidokodzera kuti Khirisitu atambudzike nokumuka kuvadopfa, achiti, "Jesu wakareyu, wandinokuparidzirai, ndiye Khirisitu." 4 Vamwe vavo vadokurudzirika, ndokubatana naPhauro naSairasi, ndizvo zvidoitiwa novanamati vazinji vochiGiriki novanhukadzi vairemekedzewa aikona vashoma.

5 Asi vaJudha vanga vano chanje, vadotora varume vadoipa, mhandu, vadounganidza mhomho yovanhu, ndokumutsa bongozozo muguta, vachihwisa imba yaJasoni, vachida kuvabiritsira kuvanhu. 6 Pavadovasaya, vadozvuvira Jasoni nodzimwe hama pamberi povakuru voguta, vachidaidzira vachiti, "Varume vakareva vadosunamisa nyika vadosvikawo kuno, 7 Jasoni adovatambira, vese vari kuita zvinopesana nozvirevo zvaKesari, vachiti, panoumwe mambo, Jesu." 8 Vanhu pabodzi novakuru voguta, vadokanganisiwa pavadonzva zvakarezvo. 9 Zvino pavadotora chibatiso kuna Jasoni novamwe, vadovasiya vachienda.

MuBheriya

10 Nokamangu hama dzidoendesa Phauro naSairasi kuBheriya nousiku, ivo pavadosvika vadopinda musinagoge rovaJudha. 11 Zvino vaJudha vakareva vanga vadonaka kukunda vokuThesaronika, ndava vadotambira shoko nomwoyo unochido, vachinzvera magwaro zuva rimwe norimwe, kuti vaone kana zvinhu zvakarezvo zviri izvo. 12 Nokudaro vazinji vavo vadotenda, zvichisanganisira varume novakadzi vaikudziwa vaiva vaGiriki vanga vadowanditsa. 13 Asi vaJudha vokuThesaronika pavadozviziva kuti shoko raMwari raiparidziwa naPhauro nopaBheriyawo, vadouyawo ipopo, vachibvundurira nokunyonganisa mhomho. 14 Ipopo hama nokamangu dzidoendesa Phauro nokugungwa, asi Sairasi naTimoti vadosara pakarepo. 15 Avo vadoperekedza Phauro vadomusvitsa kuAtene, vadoti vatambira rairo yokuudza Sairasi naTimoti kuti vakurumidze kuuya kwaari, vadobirika vachienda.

MuAtene

16 Zvino Phauro paanga adovamirira paAtene, adosorewa mumweya wache paadoona kuti guta ranga ridozara nozvifananidzo. 17 Nokudaro adopikisana novaJudha, novanamati, novamwe vaaikumana navo musinagoge, nopamusika zuva rimwe norimwe. 18 Vamwe vafungitsitsi vovaEpikurini novaSitoiki vadosangana naye. Vamwe vadoti, "Chiiko chinonyaihwa nomuwawati wakareyu?" Vamwe vadoti, "Anenge muparidzi wanamwari vasingazikane" ndava adoparidza Jesu norumuko. 19 Ipopo vadomubata, ndokumuisa paAreyopago, vachiti, "Tinoda kuziva kuti nghupi kudzidzisa kutsva uku kwaunoreva? 20 Nokuti uri kuuya nozvinhu zvitsva panzeve dzedu; saka tinoda kuziva kuti zvinhu zvakarezvi zvinorevei?" 21 Zvino vanhu vokuAtene vese, novatohwa vaigara makaremo, hapanai chavaipedzera nguwa kunze kwokunyaira kana kunzva chinhu chitsva.

22 Zvino Phauro, adomira pakati poAreyopago, adoti, "Varume voAtene, ndinoona kuti pazvinhu zvese muri vanamati chaizvo. 23 Nokuti pandaipfuura, ndidowanawo atari ino munembo uyu, ‘Kuna mwari asingazikane.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai. 24 Mwari adoita nyika nozvese zviri mairi, ari Ishe wodenga nonyika, haagari muzvivakwa zvidogadzihwa novanhu, 25 haashumihwe nomanja yovanhu, kunge ano chinhu chaanosaya, sezvo ari iye anopasa vanhu vese upenyu nokufema nozvese, 26 iye adoita marudzi yese yovanhu yachibva pamunhu mubodzi kuti vagare panyika pese, wambotara nguwa nomigano yougaro hwavo, 27 kuti vatsvage Mwari, notariro yokuti vamutsvatsvadzire, vamuwane. Kana nepo asiri kurefu noumwe noumwe wedu. 28 Nokuti

‘Maari tinorarama nokufamba nokuva zvatiri,’

sezvidoreva vamwe vadetembi venyu,

‘Nokuti tiri vorudzi rache.’

29 Zvatiri rudzi raMwari, hatifaniri kufunga kuti hu Mwari hudofanana nondarama, kana sirivha, kana ribwe, zvidovezewa noumasiri nokufunga kwomunhu. 30 Mwari adoreka zvache kuyeuka nguwa dzokusaya zivo, asi zvino anoraira vanhu vese kwesekwese kuti vapinduke, 31 nokuti adotara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waadomisikidza, zvakarezvi adozvisimbisa kuvanhu vese nokumumutsa kubva kuvadopfa."

32 Zvino pavadonzva zvokumuka kovadopfa, vamwe vadoseka, asi vamwe vadoti, "Tichadzokunzva pakamu pamusoro pozvakarezvi." 33 Nokudaro Phauro adobirika pakati pavo. 34 Asi vamwe varume vadobatana naye pakutenda, pakati pavo paiva naDhiyonisiyasi, muAreyopago, nomukadzi wainzi Dhamari, novamwe pabodzi navo.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-