1 Pavanga vachiri kunyaira novanhu, vaphirisita nomukuru wovachengeti voimba yaMwari novaSadhusi vadouya kwavari, 2 vadokaripa nokuti vanga vachidzidzisa vanhu nokuparidza zvokumuka kwovadopfa muna Jesu. 3 Vadovasunga ndokuvaisa mutorongo kusvika mangwana mangwanani, nokuti kwanga kwadoka. 4 Asi vazinji panovadonzva shoko vadotenda, uwandu hwovarume vanga vakutoda kusvika zviuru zvishano.
5 Nozuva ridotevera vatongi vavo novakuru novadzidzisi vomutemo vadoungana pabodzi muJerusarema. 6 Anasi muphirisita mukuru naKefasi naJohwani naArekizanda, novamwe vomhuri yomuphirisita mukuru. 7 Pavadoisa Pita naJohwani pakati pavo, vadovabvunzitsitsa vachiti, "Mudozviita nosimba ripi kana nozita ripi zvakarezvi?" 8 Ipopo Pita, adozara naMweya Mutsvene, adoti kwavari, "Vatongi vovanhu novakuru, 9 kana tiri kubvunzitsitsiwa nasi pamusoro pobasa ridonaka ridoitihwa munhu adoremara, kuti adoporesewa tini, 10 mbazvizikane naimimi mese, novaIzirairi vese, kuti nozita raJesu Khirisitu woNazareta, wamudorovera pamuchinjikwa, iye adomutsiwa naMwari kuvadopfa, nozita rakareri munhu wakareyu adomira pano pamberi penyu wapora. 11 Rakareri ndiro
‘ribwe ridorambiwa naimimi vavakhi,
asi ridodzova musoro wokhona.’
12 Uye hapanai ruponiso kunoumwe, nokuti hapanai rimwe zita pasi podenga ridopasiwa pakati povanhu, ratingaponesewe naro."
13 Zvino pavadoona zvivindi zvaPita naJohwani, vachiona kuti vanga vasinai kudzidza, vari vanhuwo zvavo, vadoshamisiwa nazvo, vadobva vaziva kuti vanga vanaJesu. 14 Asi vachiona munhu wanga waporesewa wacho adomira padivi pavo, vadosairafuti zvokunyaira vachivapikisa. 15 Saka vadovaraira kuti vabirike pamberi podare, pakarepo ndokurangana pakati pavo. 16 "Tichaita tiniko novarume vakareva?" Nokuti chiratidzo chavaita chiri pachenu kuvanhu vese vanogara muJerusarema, uye tinozvirambaba. 17 Asi kuti zvireke kuramba zvichipararira pakati povanhu, mbativatsindikire kuti damba wanyaira nomunhu upi noupi nozita rakareri."
18 Saka vadovadaidza ndokuvatsindikira kuti varekeretu kudzonyaira kana kudzidzisa kamu nozita raJesu. 19 Asi Pita naJohwani vadovapindura vachiti, "Zvingave zvidonaka pamberi paMwari nai kuti tikutetekerei imipa pano kuti titetekere Mwari, imipa tongai. 20 Nokuti isisu tinokonaba kureka kunyaira zvatidoona nokunzva." 21 Zvino pavadoingidzira kuvachichidzira, vadovarekera vadosaya kuti vanovarova tini, nokuda kwovanhu; nokuti vese vadorumbiza Mwari nozvidoitiwa. 22 Nokuti munhu wanga waitihwa chiratidzo chakarechi chokuporesewa wanga waanomakore makumi manai yachiraudza.
23 Pavadosununguriwa vadodzokera kwanga kuna abiyavo ndokuvanyepa zvese zvanga zvanyairiwa kwavari novaphirisita vakuru novakuru. 24 Ivo pavadozvinzva, vadosumudza mazvi yavo pabodzi mumunamato kunaMwari vachiti, "Ishe, imimi mudoita denga nonyika nogungwa nozvese zviri mukati mazvene, 25 mudonyaira naMweya Mutsvene kuburikidza nomuromo womuranda wenyu Dhavhiti baba vedu, paadoti,
‘Ko yamwe Marudzi vasiri vaJudha vadokaripireiko,
novanhu vadofungireiko zvinhu zvisinai kabonyo?
26 Madzimambo vonyika vadotozvigadzirira,
novatongi vadoungana pabodzi,
kudzohwisana naIshe noMuzodziwa wache.’
27 Nokuti nzvochokwadi kuti Herudhe naPondiyasi Pirato vadoungana pabodzi, novoyamwe Marudzi vasiri vaJudha, novana vaIzirairi muguta rino kuti vahwisane nomuranda wenyu mutsvene Jesu wamudozodza. 28 Vadoita zvamanga mudosarudza kare nosimba renyu nochido chenyu kuti zviitiwe. 29 Zvino, Ishe, nangarai kutsindikira kwavo, batsirai varanda venyu kuti vanyaire shoko renyu vano ushingi hwese. 30 Tambanudzai janja renyu kuti muporese nokuita zviratidzo nozvishamiso kuburikidza nozita romuranda wenyu mutsvene Jesu."
31 Zvino vadoti vanyengetera, nzvimbo yavanga vadoungana pabodzi idogwetera, uye vese vadozaziwa naMweya Mutsvene, ndokunyaira shoko raMwari nochivindi.
32 Zvino gurusvusvu rovanotenda vanga vanomwoyo nomweya mubodzi, panga pasinai waiti chinhu chaanacho nyhache wega, asi zvinhu zvese vadoti nzvavo vese. 33 Nosimba rikuru nhumwa dzidopfakaza nozvokumuka kwaIshe Jesu, mutsa mukuru ndokuva pamusoro pavo vese. 34 Hapanai kudzova nomunhu waisaya chinhu pakati pavo, ndava vese vanga vanominda kana dzimba vadotengesa, vachiuya nomari yozvinhu zvavanga vatengesa, 35 ndokuyiisa pamberi ponhumwa. Mari idokovehwa munhu umwe noumwe pakushaiwa kwache.
36 Uye Josefa adotenzewa nonhumwa kuti Bhanabhasi, (ndokuti mwanakomana wokukurudzira), Murevhi, nzvahwa yokuSaipurasi, 37 adotengesa munda wache, ndokuuya nomari achiiisa patsoka dzonhumwa.