1 PaIkoniyo vese vadopinda pabodzi musinagoge rovaJudha, vadotaura zvokuti vazinji vadotenda, vese vaJudha novaGiriki. 2 Asi vaJudha vanga vasingatende vadopandutsa pfungwa dzovaye voyamwe Marudzi kuti vamukire hama. 3 Nokudaro vadogara pakarepo nguwa irefu, vachinyaira zvaIshe vadoshinga, iye adopfakaza shoko romutsa wache, pakuvapasa kuita zviratidzo nozvishamiso nomanja yavo. 4 Asi vanhu vomuguta vadopesana: vamwe kudivi rovaJudha, vamwe kudivi ronhumwa.
5 Pakuedza kudoita voyamwe Marudzi novaJudha pabodzi novatungamiri vavo kuti vavabate uyanga nokuvataka nomabhwe, 6 ivo vadozviziva ndokubva vatizira kuRisitira nokuDhebhe, maguta yoRikaoniya, nokunyika idopoteredza, 7 vadoparidza vhangeri kwakareko.
8 Zvino paRisitira panga padogarikika umwe murume, wanga asingakone kushandisa tsoka dzache; wanga ari mhetamakumbo kubva pakuzvahwa, wanga asinati wambotekaira. 9 Iye adotetekera Phauro achinyaira, naPhauro adomunangaritsa ndokuona kuti anokutenda kwokuti aporesewe, 10 adoti nodzinga rino ruzha, "Sumuka umire notsoka dzako." Iye panguwa yakareyo adochiruka ndokutekaira. 11 Mhomho paidoona zvidoitiwa naPhauro, vadodaidzira nomazvi yavo vachinyaira nochiRikaoniya vachiti, "Vamwari vaburuka kwatiri, vadoita kunge vanhu!" 12 Vadotenza Bhanabhasi kuti Zeyasi, naPhauro vadomutenza kuti Hemasi, nokuti ndiye waiva munyairi mukuru. 13 Zvino chimwari chaiitiwa Zeyasi changa chidovakhihwa imba kunze kwoguta, muphirisita wachene adouya nongunzi nomaruva pamusuwo woguta achida kubaira chibairo kuna Bhanabhasi naPhauro.
14 Asi nhumwa dzakaredzi, Bhanabhasi naPhauro pavadozvinzva, vadokerura hembe dzavo ndokumhanyira pakati pogurusvusvu vachidaidzira vachiti, 15 "Varume, seiko muri kuita zvakarezvi? Tiri vanhuwo, vadoita kunge imimi, tiri kuuya kokupasai nyaya idonaka, yokuti mupindukire kuna Mwari mupenyu adoita denga nonyika nogungwa nozvese zviri makaremo. 16 Panguwa dzidopfuura adotendera marudzi yese kutekaira nonzira dzavo, 17 asi haanai kureka kuzviisira pfakazi, ndava adoita zvidonaka pakukupasai mvura kubva kudenga, nomwaka yomagutwa, achigutsa mwoyo yenyu nozvokuja nomufaro." 18 Nomashoko yavo vadoshupika chaizvo kudzivisa vanhu kuvabaira chibairo.
19 Asi vaJudha vadosvika kwakareko vachibva kuAndiyoki nokuIkoniyo, vadosukumidzira vanhu, ivo ndokutaka Phauro nomabhwe ndokumuzvuvira kunze kwoguta, vachiti wapfa. 20 Asi vadzidzi pavadomukomba, adosumuka achidzokera muguta. Pazuva ridotevera iye naBhanabhasi vadoenda kuDhebhe.
21 Pavadoparidza vhangeri paguta rakarero, nokuita vadzidzi vadowanda, vadodzokera kuRisitira noIkoniyo nokuAndiyoki, 22 vachisimbisa vadzidzi, nokuvakohomedza kuti varambire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda muushe hwaMwari nomatambudziko mazinji. 23 Vadoti vavasarudzira vatungamiri mukherekhe imwe noimwe, nokunyengetera nokutsanya, vadovaisa kuna Ishe wavadotenda.
24 Zvino vadopinda nomuPisidhiya, ndokusvika paPamufiriya. 25 Vadoti vanyaira shoko paPhega, vadoenda kuAtariya. 26 Kubva pakarepo vadodzokera nochikepe kuAndiyoki, kwavanga vabva kuisiwa pamutsa waMwari nokuda kwobasa ravanga vazazisa.
27 Zvino pavadosvika, vadounganidza kherekhe pabodzi vachirondedzera zvese zvanga zvaitiwa naMwari kuburikidza navo, nomavhuriro yaadoita musuwo wokutenda kuno voyamwe Marudzi. 28 Uye vadogara novadzidzi pakarepo nguwa irefu.