Publicidade

Atos 24

Murandu waPhauro

1 Mumasure momazuva mashano muphirisita mukuru Ananiyasi adoenda novamwe vakuru nogweta rinoitiwa Taturasi. Vadoisa nyaya yavo yokupikisa Phauro pamberi pomutongi. 2 Zvino Taturasi paadodaidziwa, adothanga kumunenedzera murandu, achiti, "Sezvazviri, nondava yenyu tinokondwa kuti tinorugare rikuru, uye nokuda kwomuono wenyu woromangwana ridonaka zvaunza shanduko munyika ino. 3 Kwese uye nonzira dzese vanoremekedzewa Ferekisi, tinotambira zvinhu zvakarezvi nomufaro mukuru. 4 Asi, kuti ndireke kuramba ndidokusvanikai, ndinokutetereraiwo notsitsi dzenyu kuti mutinzvewo kwonguwa ipfupi. 5 Nokuti tidoona kuti munhu wakareyu imharadzi, anofurira vamwe pakati povaJudha vese panyika yese, uye mutungamiri wokaboka komaNazarini. 6 Adotoedza kusvipisa imba yaMwari, asi tidobva tamusunga. Taitoda kumutonga maererano nomutemo wedu. 7 Asi mukuru womauto, Risiyasi adouya ndokumubvuta kwatiri nochisimba. 8 Adobva waraira kuti vapikisi vaPhauro vauye kwamuri. Saka kuburikidza nokumuongorora pachenyu munogona kuziva kubva kwaari pamusoro pozvese zvatiri kumunenedzera." 9 VaJudha vadobatanawo naRisiyasi, vachisimbisa kuti izvozvi zvese ndizvo chaizvo.

Phauro anozvidziirira pamberi paFerekisi

10 Zvino mutongi paadomunangidza kuburikidza nojanja kuti anyaire, Phauro adopindura achiti, "Nokuziva kuti muri mutongi worudzi rakareri kwomakore mazinji, ndinozvidziirira nomufaro. 11 Sezvamunogona kuziva, hayasi mazuva yanopfuura gumi nomairi kubva pandidoenda konamata kuJerusarema, 12 uye havanai kundiona ndichipikisana nomunhu kana ndichimutsa munyonga nomhomho, kana muimba yaMwari kana musinagoge, kana muguta. 13 Futi havagone kukuonesai ipopa upfakazi hwozvinhu zvavari kundinenedzera. 14 Asi zvandinobvuma pamberi penyu nzvizvi, kuti maererano noNzira, yavanodaidza kuti idotaika, ndinonamata Mwari womadzibaba vedu, ndichitenda zvese zvidoisiwa mumutemo nokunyohwa muvaporofiti. 15 Ndinotariro muna Mwari yavanotambira vakareva pachavo, kuti kuchava nokumuka kwovese vadorurama novasinai kururama. 16 Saka ndinototsunga panozvese kuva nohana idochena pamberi paMwari nopamberi povanhu.

17 Zvino mumasure momakore yadotikuti ndidouya kopereka rubatsiro nozvipo kunyika yangu. 18 Pandanga ndichiita zvakarezvi, vadondiwana ndanatsiwa muimba yaMwari, pasinai kana mhomho zvayene yandanga ndinayo, kana kuti ndidokonzera munyonga. 19 Asi pano vaJudha vadobva kuEzhiya vaifanira kuva pano pamberi penyu kuti vapasewo chokunenedzera, kana vano chavanopikisana nainini. 20 Kana kuti varume vakareva pachavo mbavanyaire kuti nzvipi zvidoipa zvavadoona pandidomira pamberi podare, 21 kunze kwochibodzi chandidodaidzira pandidomira pakati pavo, ‘Chokuremekedza zvokumuka kuvadopfa ndava pano nasi ndichitongewa pamberi penyu.’"

22 Asi Ferekisi, nokuva noruzivo rudojeka pamusoro poNzira, adovamisa, achiti, "Kana Risiyasi mukuru womauto wauya kuno, ndichapasa mutongo kunyaya yenyu." 23 Zvino adopasa chirevo kumukuru wozana chokuti achengetewe muusungwa asi ano kusununguka, uye kuti shamwari dzache dzireke kurambidziwa kumubatsira pano zvaanoda.

Phauro pamberi paFerekisi naDhurusira

24 Mumasure momazuva Ferekisi adouya nomukadzi wache Dhurusira, wanga ari muJudha, zvino adodaidza Phauro kuti amutetekere achitaura pamusoro pokutenda muna Khirisitu Jesu. 25 paanga achitsanangura nozvo kuenzanisa nokuzvibata nokutongewa kunodzouya, Ferekisi adochisiwa ndokuti, "Birika uyende parizvino, kana ndawana mukana ndichakudaidza." 26 Panguwa ibodziyo adotarisira kuti waidzopasiwa mari naPhauro. Saka adoramba achimudaidza achinyaira naye kadowanda.

27 Asi padopera makore mairi, panzvimbo yaFerekisi padopinda Posiyasi Fesitasi, uye achida kufadza vaJudha, Ferekisi adosiya Phauro ari muturongo.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-