Publicidade

Atos 20

KuMakedhoniya noAkaya

1 Bongozozo paridopera, Phauro adodaidza vadzidzi, paadovasimbisa adovagoneka ndokuenda kuMakedhoniya. 2 Paadoenda nomunzvimbo dzakaredzi achishingisa vatendi zvidonyanya, adosvika kuGirisi. 3 Pakarepo adogara mwedzi mitatu, uye maJudha pavadodzomurangana iye waitogadzirira kuenda nochikepe kuSiriya, achida kudzodzoka nokuMakedhoniya. 4 Sopata nzvahwa yokuBhereya, mwanakomana waPairasi adomuperekedza, uye vokuThesaronika ndiArisitakasi naSekundasi, naGaiyasi naTimoti vokuDhebhe; novokuEzhiya Tikikasi naTirofimasi. 5 Ivova vadotungamira kuenda vachidzotimirira paTiroasi. 6 Asi tidokhwasva kubva paFiripi mumasure momazuva yoMazingwa Yasinai Mbiriso, uye mumazuva mashano tidosvika paTiroasi, ndipo patidogara mazuva manomwe.

Kubvakacha kwokupedzisira kwaPhauro paTiroasi

7 Zvino nomusi wokuthanga kwosondo, patidoungana pabodzi kuti timepfure mazingwa, Phauro adotaura kwavari, achida kudzoenda mangwanachimuka. Adopindiridza kunyaira kwache kusvika pakati pousiku. 8 Muimba yopamusoro matanga tidoungana manga muno moto mizinji. 9 Uye mujaha waiitiwa Yutiko wanga adogarikika pafafitera. Adobatiwa nohope dzidokungudza Phauro achiri kunyaira nguwa irefu, paadokundiwa nohope, adokoromoka kubva paimba yochitatu ndokuhwengewa wapfa. 10 Asi Phauro adoburuka ndokukotamira paari, adomuzvembetera ndokuti, "Rekai kutambudzika upenyu hwache huchiripo!" 11 Uye Phauro paadokwira adokomora mazingwa ndokuja, adoita hurukuro navo nguwa irefu, kusvika zuva rabirika, ndopaadozobirika kuenda. 12 Vadotora mujaya ndokuenda naye ari mupenyu, vadonyaradziwa chaizvo.

Kubva paTiroasi kusvika kuMeritasi

13 Asi pakutungamira kuenda kuchikepe, tidokwasva kuenda kuAsosi, tichida kutora Phauro kwakareko kuti apinde, nokuti ndozvaanga waronga, paaida pachake kuenda nopanyika. 14 Paadosangana naisisu paAsosi, tidomutora muchikepe ndokusvika kuMitairini. 15 Patidokhwapa kubva pakarepo tidosvika padonangarana noKhiyosi zuva raitevera, pazuva rimwe raizotevera tidosvika paSamosi, uye pazuva ridotevera rakarero tidosvika kuMeritasi. 16 Nokuti Phauro wanga wasarudza kupinda nokuEfeso, kuti areke kupedza nguwa ari muEzhiya, ndava wanga achiita kamangu kuti ave kuJerusarema, kana zvichikoneka pazuva roPendekositi.

Phauro Anotsindikira Vakuru vokuEfeso

17 Zvino ari paMeritasi adotumira kuEfeso, kuti vakuru vokherekhe vauye kwaari. 18 Saka pavadouya kwaari, adoti kwavari, "Imimi pachenyu munoziva mugariro wandidoita pakati penyu nguwa dzese, kubva pazuva randidosvika muEzhiya, 19 Ndichishumira Ishe nokuzvidikipisa kwese uye nomisodzi nomiedzo idondiwira kuburikidza nokuranganiwa novaJudha, 20 zvidodaipo ndidodududzaba kunyaira kwamuri zvese zvaibatsira, nokukudzidzisai pachenu uye muimba noimba, 21 ndichipfakazira vese kuvaJudha noyamwe marudzi pamusoro pokupinduka kunaMwari nokutenda muna Ishe wedu Jesu Khirisitu. 22 Manje, onai ndaakuenda kuJerusarema, ndidosungikana pamweya, ndisingazive zvichandiwana kwakareko; 23 kunze kwokundoti Mweya Mutsvene ari kupfakaza mumaguta yese kuti kusungiwa nokutambudziwa zvidondimirira. 24 Asi handiverenge upenyu hwangu kuti ndohwomhando kana hudokosha kwandiri, ndinondoda kupedzisa hwendo hwangu basi noushumiri hwandidotambira kubva kunaIshe Jesu, kupa chapupu kunhau idonaka yonyasha dzaMwari.

25 Saka zvino, chionai, ndinoziva kuti mese vandidosvikira pavari ndichiparidza umambo hamuchadzoona chiso changu pakare. 26 Nokudaro nasi ndinopupura kwamuri kuti ndidochena pamagazi yenyu mese, 27 Nokuti ndidodududzaba kukunyairirai kudzidzisa kwese kwaMwari. 28 Zvichenjererei noboka rese, ramudoitiwa vatariri varene naMweya Mutsvene, kuti murise Kherekhe yaMwari yaadowana nogazi romwanakomana wache. 29 Ndinoziva kuti kana ndaenda masvitsi yanochisa yachauya pakati penyu, yasingasiye boka, 30 uye kubva pakati penyu vakaremi pachasumuka varume vachinyaira zvidotaika, kuti vakwezvere vadzidzi kwavari. 31 Nokudaro garai mudochenjerera, muchikumbuka kuti kwomakore matatu ndidorekaba usiku nomasikati kukurairai mese nomisodzi.

32 Iye zvino ndinokuisai kunaMwari nokushoko ronyasha dzache, rinogona kukuvakhai nokukupasai nhaka pakati povese vadoitiwa vatsvene. 33 Handinai kutorera munhu sirivha kana ndarama kana hembe. 34 Imipa pachenyu munozviziva kuti manja aya yadondishandira zvandaida nozvaidiwa novandanga ndinavo. 35 Pazvinhu zvese ndidokunangidzai kuti pakushanda kwakareko umwe munhu anofanira kubatsira vadorukutika, muchikumbuka mazvi yaIshe Jesu, manyairiro yaadoita, ‘Zvinomakomborero yadonyanya kana ukapereka panzvimbo yokutambira.’"

36 Zvino Phauro paadonyaira daro, adopfugama ndokunamata navo vese. 37 Vadorira vese vachimuzvembetera nokumutsvoda, 38 vachisuwisiwa zvidokungudza nondava yomazvi yaanga wanyaira, kuti vaidzoonaba chiso chache. Uye vadodzomusvitsa kuchikepe.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-19_11-20-24-