1 Zvino patidopararana navo tidokhwasva, ndokuuya tidorungama kuKosi, nozuva ridozotevera tidosvika paRodzi, uye kubva pakarepo tidoenda kuPatara. 2 Ipopo patidowana chikepe chaigwatira nokuFonisiya, tidochikwira, ndokukwasva. 3 Patidosvika panoita kuti Saipurasi iwoneke, tichiisiya kurubose tidokhwasva kuenda kuSiriya, ndokumira paTire, ndava pakarepo chikepe chaidzoburutsa mutoro. 4 Patidotsvaga vadzidzi, tidodzogara mazuva manomwe pakarepo. Kuburikidza naMweya vadoudza Phauro kuti areke kuenda kuJerusarema. 5 Zvino padopera mazuva yedu yokuva pakarepo, tidobirika ndokuenda hwendo hwedu, zvino ivo vese novanhukadzi novana, vadotiperekedza kusvika kunze kwoguta, uye patidopfugama pamahombekombe yogungwa tidonamata ndokugonekana. 6 Zvino tidokwira chikepe, ivo ndokudzokera kumba.
7 Patidopedza hwendo hwokubva kuTire, tidosvika paToremisi, ndokumoresa hama tichitogara navo zuva ribodzi. 8 Mangwana yacho tidobirika ndokusvika muKesariya, saka tidopinda mumba maFiripi Muvhangeri, wanga ari umwe wovanomwe, ndokubva tagara naye. 9 Wanga ano vanasikana vanai dzanga dziri mhandara, vaiporofita. 10 Patidogara kwomazuva, muporofiti waiitiwa Agabhasi adouya achibva Judhiya. 11 Paadouya kwatiri adotora bhande raPhauro ndokuzvisunga makumbo nomanja, achiti, "Ndozviri kunyaihwa naMweya Mutsvene, ‘kuti vaJudha kuJerusarema vachasunga muridzi wobhande rakareri vomupereka mumanja yoyamwe marudzi.’"
12 Patidonzva zvakarezvi, isisu novanhu vopakarepo tidomuteterera kuti areke kuenda kuJerusarema. 13 Zvino Phauro adopindura achiti, "Chii chamurikuita, muchirira nokupwanya mwoyo wangu? Nokuti ndidozvimisira aikona kusungiwa chete asi kana kutopfira zita raIshe Jesu kuJerusarema." 14 Paadoreka kupenzveredzeka, tidonyarara ndokuti, "Kuda kwaIshe mbakuitiwe."
15 Mumasure momazuva yakareya tidogadzirira ndokuenda kuJerusarema. 16 Uye vamwe vovadzidzi vadobva kuKesariya vadoenda naisisu, vachitisvitsa kumba kwaMunasoni wokuSaipurasi, mudzidzi wokuthanga, wataifanira kugara naye.
17 Patidosvika kuJerusarema, hama dzidotitambira nomufaro. 18 Mangwana yacho Phauro adoenda naisisu kunaJakobho, uye vakuru vese vanga varipo. 19 Tapedza kuvamoresa, adorondedzera chibodzi nochibodzi chozvinhu zvese zvidoitiwa naMwari kuburikidza noushumiri hwache pakati poyamwe marudzi. 20 Zvino pavadozvinzva, vadorumbidza Mwari. Uye vadoti kuna Phauro, "Hama, unoona kuti zviuru zvingani zviripo pakati povaJudha vadotenda uye vanoshingairira mutemo. 21 Vadonyepewa pamusoro pako kuti uri kudzidzisa vaJudha vese vari pakati poyamwe marudzi kuti vasiye Mozisi, uchivanyepa kuti vareke kuchecheudza vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. 22 Zvino chii chatingaite? Chokwadi vachazvinzva kuti wauya. 23 Zvino chiita zvatichakunyairira, tinovarume vanai vari pasi pomhiko, 24 Tora varume vakareva uzvinatse pabodzi navo woripa miripo, kuti vaguse bvudzi misoro yavo. Pakarepo vese vachaziva kuti hapanai chiripo pano zvavadonyepewa pamusoro pako, asi kuti iwewe pachako unorarama uchiteedza mutemo. 25 Asi pamusoro pomarudzi yadotenda, tatumira tsamba rino matongero yedu kuti vanofanira kusiyana nozvidobaihwa zvifananidzo nomusiya nozvidodzipiwa nokuita upombwe." 26 Naizvozvo Phauro adotora varumevo, pazuva ridotevera adozvinatsa pabodzi navo ndokupinda muimba yaMwari, kuti azivise paidzogumira mazuva yokuzvinatsa kwavo nokupereka chipo chinoperekewa nomunhu wese pakati pavo.
27 Zvino mazuva manomwe payanga yaakutopera, vaJudha vadobva kuEzhiya, vadomuona muimba yaMwari, vadopesvedzera mhomho yese, ndokumusunga, 28 vadodaidzira vachiti, "Varume voIzirairi, batsirai! Murume wakareyu ari kudzidzisa vanhu kwese kwese zvinopesana novanhu nonzvimbo ino, wauya pakare nomaGiriki muimba yaMwari, futi wasvipisa nzvimbo ino itsvene." 29 Nokuti mumasure vadombomuona muguta anaTirofimasi wokuEfeso, saka vadozimbwa kuti Phauro anogona kunge adopinda naye muimba yaMwari.
30 Zvino guta rese ridonyongana, vanhu ndokutizirana pabodzi; vadobata Phauro ndokumuzvuvira kunze kwoimba yaMwari, kabodzi nokabodzi masuwo makuru yadovhariwa. 31 Zvino pavaiedza kumubaya, shoko ridosvika kumukuru woboka romauto kuti Jerusarema rese rava nonyongano. 32 Pakarepo adotorerafuti mauto novakuru vomazana, ndokumhanyira kwavari, pavadoona mukuru womauto nomauto vadomira kurova Phauro. 33 Zvino mukuru womauto adosvika ndokumusunga, ndokuraira kuti asungiwe nongetani dziiri. Adobvunza kuti mbani pakare kuti chii chaanga waita. 34 Vamwe mumhomho vadodaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwewo, saka paadotadza kubatitsitsa chinangwa nopamusaka pomhere mhere, adoraira kuti aendesewe kumuzinda womauto. 35 Manje paadosvika pazvikwiriso, wanga adototakuriwa nomauto nondava yomunyonga womhomho, 36 Nokuti mhomho yovanhu yaitevera, ichidaidzira ichiti, "Mbaabisiwe!"
37 Zvino Phauro paanga wakuendesewa munhandare yomauto, adoti kumukuru wavo, "Ndinganyairewo zvimwe zvinhu kwamuri chere?"
Iye adoti, "Unoziva chiGiriki chere? 38 Ndiweba chere muIjipiti adomutsa munyonga manjemanjepa ndokukweverera musango vapanduki vanosvika zviuru zvinai?"
39 Phauro adopindura, "Inipano ndiri muJudha, anobva kuThasasi muSirisiya, mugari womuguta risiri romangamanga; ndinokukumbirai, nditenderei kunyaira kuvanhu."
40 Paadomubvumidza, Phauro paanga adomira pazvikwiriso adoninira nojanja kuvanhu, pavadonyarara, adonyaira kwavari nochiHebheru, achiti,