Publicidade

Atos 22

1 "Hama dzangu nanababa, inzvai kuzvidairira kwandiri kuita pamberi penyu." 2 Pavadomunzva kuti ari kunyaira kwavari nomutauro wochiHebheru, vadonyararitsa, Iye adoti,

3 "Ndiri muJudha, adozvarihwa muThasasi kuSirisiya, asi ndidokurira muguta rino nokudzidzisiwa naGamarieri, ndichidzidza nomutoo udooma womutemo womadzibaba vedu, ndichishingairira Mwari kunge zvamuri kuita mese nasi. 4 Ndidotambudza voNzira yakarei kusvika pakubaya, nokusunga ndichiendesa kutorongo vese vanhurume novanhukadzi, 5 fanike zvinopiwa upfakazi nomuphirisita mukuru nodare rese rovakuru. Ndidotambira tsamba kubva kwavari ndichienda kuhama, uye ndidoita hwendo kuDhamasiko kotora kamu vaye vanga vari vokwakareko nokuvauyisa kuJerusarema vadosungiwa kuti varangiwe."

Phauro anonyaira zvokuPinduka kwache

6 "Pandanga ndiri pahwendo ndaakusvika kuDhamasiko, yatova masikati kupenya kudokungudza kudobva kudenga kudonditoya kabodzinokabodzi. 7 Ndidowira pasi ndokubva ndanzva izvi richiti kwandiri, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?’ 8 Ndidobva ndapindura ndichiti, ‘Ndimi yaniko, Ishe?’ Adoti kwandiri, ‘Ndini Jesu wokuNazareta wauri kutambudza.’ 9 Zvino vanga vanainini vadoona chiedza asi havanai kunzva izvi rowainyaira nainini. 10 Zvino ndidoti, ‘Ndoita tini, Ishe?’ Zvino Ishe adoti kwandiri, ‘Sumuka uyende kuDhamasiko, uchanyairihwa kwakareko zvese zvaudotarihwa kuti uite.’ 11 Pandidotadza kuona nokuda kwochiedza chidopenya chiye, ndidobatiwa ruoko ndokutungamirihwa kupinda muDhamasiko naabiyangu vandanga ndinavo.

12 Zvino umwe murume waitiwa Ananiyasi, munhu wanga adozvipira maererano nomutemo, waipupurihwa zvidonaka novaJudha vese vaigara kwakareko, 13 adouya kwandiri, ndokumira panyasi nainini achiti kwandiri, ‘Hama Sauro, chitambira kuona kwako.’ Paawa yakareyo ndidomuona. 14 Iye adoti, ‘Mwari womadzibaba vedu adokugadza kuti uzive kuda kwache, kuti uone Adorurama Mubodzi uye kuti unzve izvi kubva pamuromo wache. 15 Nokuti uchava mupfakazi wache kuvanhu vese pamusoro pozvaudoona nozvaudonzva. 16 Zvino uchamirirei? Sumuka uombekewe, usukiwe zvitema zvako, udaidze kuzita rache.’"

Kudaidziwa kwaPhauro Koparidzira yamwe Marudzi

17 "Pandidodzokera kuJerusarema, ndaitonamata muimba yaMwari, ndidobatiwa datsi. 18 Ndidomuona achiti kwandiri, ‘Ita kamangu ubirikiretu muJerusarema, nokuti havatambiri uchapupu hwako pamusoro pangu.’ 19 Zvino ndidoti, ‘Ishe, ivo pachavo vanoziva kuti mumasinagoge yese ndidoendesa kutorongo nokurova vaye vaitenda kwamuri. 20 Uye padoyeredzewa gazi raSitefani mupfakazi wenyu, naininiwo ndidomiririra ndichizvisimbisa, ndichichengeta hembe dzovaye vaimutaka.’ 21 Uye iye adoti kwandiri, ‘Birika, ndava ndichakutuma kurefu kuyamwe marudzi.’"

22 Vadomutetekera kusvikira pamashoko yakareya, zvino vadosimudza mazvi yavo vachiti, "Kurefu nomunhu adodaro, mbaabirike panyika! Ndava anofaniraba kuchira." 23 Zvino pavaidaidzira vachivhuzura majasi yavo mudenga vachimwaya pfumbi mumhepo, 24 Mukuru womauto adonyaira kuti vamuendese kumuzinda womauto, ndokuraira kuti vamuongorore nonzira yokumurova, kuti azive chikonzero vanhu vadodaidzira vachimupikisa zvidodaro. 25 Asi pavadomusunga nothambo, Phauro adoti kumutungamiri wozana wanga adomira pakarepo, "Zviri pamutemo chere kwamuri kuti murove munhu anenge ari nzvahwa yoRoma asinai kupasiwa mhosva?"

26 Zvino mutungamiri wozana romauto paadonzva zvakarezvo, adoenda kumukuru womauto ndokuti kwaari, "Chii chawaakuita? Nokuti munhu wakareyu inzvahwa yoRoma."

27 Nokudaro mukuru womauto adoenda ndokuti kwaari, "Ndinyepe, uri muRoma chere?" Iye adoti,

"Eye."

28 Mukuru womauto adopindura achiti, "Inini ndidotenga mvumo yokuva muRoma nomari idowanditsa."

Phauro adoti, "Asi inini ndiri nzvahwa,"

29 Saka vaye vanga vaakudzomuongorora vadobva vabirika nokamangu paanga ari, nomukuru womauto wanga waakucha, nokuti wanga waakuziva kuti Phauro muRoma apa wanga wamusunga.

Phauro Pamberi poDare

30 Asi mangwana yacho, paaida kuziva chikonzero chomhosva yaanga achinenedzehwa novaJudha, adomusugudura, ndokuraira vaphirisita vakuru nodare rese kuti vasangane, uye adouya naPhauro ndokumuisa pamberi pavo.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-