1 PaKesariya, panga pano murume waiitiwa Koniriyasi, mukuru wozana romauto raizikana nokuti Hondo yoItariya, 2 murume wainamata nokucha Mwari, iye novoimba yache yese, waipasa vanhu zvipo zvizinji, nokunamata kuna Mwari nguwa dzese. 3 Zvino nonguwa inenge yopfemba yozuva adoonetsetsa muchiratidzo, ngirozi yaMwari ichipinda ichiti kwaari, "Koniriyasi!"
4 Iye adoinangaritsa achicha, ndokuti, "Chiiko Ishe?"
Idoti kwaari, "Minamato yako nozvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvayeukiwa. 5 Zvino chituma varume kuJopa, kodaidza Simoni, anoitiwa Pita, 6 ari kugara noumwe Simoni, musuki womatehwe, imba yache iri pagungwa." 7 Zvino ngirozi, idonyaira naye, payanga yaenda, adodaidza varanda vache vairi nomuuto adorurama pakati povakarevo vaimushandira. 8 Wapedza kuvanyepa zvese, adovatuma kuJopa.
9 Zvino pazuva ridotevera, vachiri pahwendo vava papfupi noguta, Pita adokwira pamusoro poimba konamata nonguwa inenge yochitanhatu. 10 Adonzva nzara, ndokuda kuwana chaangaje, asi chokuja pachanga chichibikiwa, adobatiwa nodatsi. 11 Adobva waona denga richizuruhwa, nochimwe chinhu chidoita kunge biza rikuru chidoburutsiwa pasi chidosungiwa mativi manai. 12 Mukati marene manga munomhuka dzese dzinomakumbo manai nozvinosvova notushiri twokudzuru. 13 Izvi ridouya kwaari richiti, "Sumuka, Pita, baya uje."
14 Asi Pita adoti, "Neye Ishe, nokuti handinai kumboja chinhu chinotsambwa chisiri chitsvene."
15 Ipopo, izvi ridouya kamu kwaari kochipiri richiti, "Chidonatsiwa naMwari iwewe reka kumbochiti chinotsambwa." 16 Zvakarezvo zvidoitika katatu, biza ridobva rakwidzihwirafuti kudenga.
17 Zvino Pita achiri kunetseka mukati mache kuti chiratidzo chaanga awona chairevei, varume vadotumiwa naKoniriyasi vanga vatosvika, vadotomira pasuwo vachibvunza kana paiva ipo pamba paSimoni, 18 vadodaidzira vachibvunza kana Simoni anoitiwa Pita wanga achigara pakarepo.
19 Zvino Pita achiri kufungitsitsa nozvochiratidzo chaadoona, Mweya adoti kwaari, "Ona, varume vatatu vari kukutsvaga. 20 Sumuka uburuke pasi, uende navo usingatsakidze, nokuti ndini ndavatuma." 21 Ipopo Pita adoburukira kuvarume vakarevo achiti, "Ndini wamuri kutsvaga, mauya nochikonzero chei?"
22 Ivo vadoti, "Koniriyasi, mukuru wozana romauto, murume adorurama uye noanocha Mwari, anotauhwa zvidonaka pamusoro pache norudzi rese rovaJudha, adoraihwa nongirozi itsvene kuti atume kwauri kuti uuye kumba kwache, kuti anzve zvauchanyaira." 23 Ipopo adovapinza mukati kuti vave varendo vache.
Nozuva ridotevera adosumuka achienda navo, uye dzimwe hama kubva kuJopa dzidoenda naye. 24 Pazuva ridodzotevera vadopinda muKesariya. Koniriyasi wanga adovatarisira pakamu wanga wadaidza hama dzache noshamwari dzache dzopapfupi. 25 Pita paadopinda, Koniriyasi adokumana naye ndokuwira pasi potsoka dzache achimunamata. 26 Asi Pita adomusumudza, achiti, "Sumuka, nainini ndiri munhuwo." 27 Zvino paanga achanyaira naye, adopinda mukati ndokuwana vanhu vadowanda vadoungana, 28 adoti kwavari, "Imimi munozviziva kuti hazvisi pamutemo kuti muJudha ajidzane kana kubvakachira munhu worimwe rudzi. Asi Mwari adondiratidza kuti handifaniri kumboti kumunhu upi zvache haanai kunaka kana kuti anotsambwa. 29 Saka pandidotumihwa, mutumi ndidouya ndisinai kupikisa, manje ndinoda kuziva ndipo chamandidaidzira."
30 Koniriyasi adoti, "Mazuva manai yapfuura, nonguwa inenge yakareino, ndanga ndidochengeta nguwa yochipfemba yokunamata mumba mangu, nokamangu umwe murume adomira pamberi pangu adosimira hembe dzinoyetima, 31 achiti, ‘Koniriyasi, munamato wako wanzvika nozvipo zvako zvarangarihwa pamberi paMwari. 32 Tuma munhu kuJopa kodaidza Simoni anoitiwa Pita, ari kugara mumba maSimoni musuki womatehwe, panyasi pogungwa.’ 33 Saka ndidokutumirai mutumi nokamangu, maita zvidonaka zvamauya. Zvino isisu tese tiri pano pamberi paMwari, kuti tinzve zvese zvamaraihwa naIshe."
34 Ipopo Pita adothanga kunyaira achiti, "Chokwadi ndinoona kuti Mwari anosaruraba munhu, 35 asi parudzi ripi noripi munhu upi zvache anomucha, achiita zvidorurama anotambihwa naye. 36 Munoziva shoko raadotuma kuvaIzirairi, achiparidza nyaya dzidonaka dzorugare naJesu Khirisitu, ndiye Ishe wovese, 37 shoko ridoparidziwa muJudhiya rese, kuthanga muGaririya, mumasure moruombeko ridoparidziwa naJohwani, 38 Mwari mazodzero yaadoita Jesu woNazareta naMweya Mutsvene nosimba, nomatekairiro yaadoita achiita zvidonaka nokuporesa vese vanga vadotsikirihwa naJabhurosi, nokuti Mwari wanga anaye. 39 Uye isisu tiri pfakazi dzozvese zvaadoita munyika yovaJudha nomuJerusarema. Vadomubaya vachimuturika pamuti, 40 asi Mwari adomumutsa nozuva rochitatu ndokumuita kuti aoneke, 41 aikona kuvanhu vese asi kwatiri vadosarudziwa naMwari kuva pfakazi, tidoja nokumwa naye wabva mukumuka kuvadopfa. 42 Adotiraira kuti tiparidze kuvanhu, nokupfakaza kuti ndiye adogadziwa naMwari kuti ave mutongi wovapenyu novadopfa. 43 Vaporofiti vese vanopfakaza kuti wese anotenda maari anotambira kurekerehwa kwozvitema kuburikidza nozita rache."
44 Pita achiri kunyaira zvakarezvi, Mweya Mutsvene adoburuka pamusoro povese vadonzva shoko. 45 Zvino vatendi kubva pakati povadochecheudziwa vadouya naPita vadoshamisiwa, nokuti chipo choMweya Mutsvene changa chadururiwawo pamusoro poyamwe Marudzi. 46 Nokuti vadovanzva vachinyaira noimwe mitauro vachirumbidza Mwari. Ipopo Pita adoti, 47 "Kuno munhu chere angarambidze mvura kuti vanhu vakareva vatambira Mweya Mutsvene kunge isisu vareke kuombekewa?" 48 Zvino adovaraira kuti vaombekewe muzita raJesu Khirisitu. Ipopo vadomukumbira kuti ambogara navo kwomazuva mashoma.